Ezra (8/10)  

1. Zvino ava ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, uye ndiwo mazita avakabva neni Bhabhironi, panguva yokubata ushe kwamambo Aritashasita.
2. Pakati pavanakomana vaPinehasi, Gerishomi; pakati pavanakomana vaItamari, Dhanyeri; pakati pavanakomana vaDhavhidhi, Hatushi.
3. Pakati pavanakomana vaShekania, pakati pavanakomana vaParoshi, Zekariya, uye pamwechete naye vakaverenga mazita avarume vane zana namakumi mashanu.
4. Pakati pavanakomana vaPahatimoabhi, Eriehoenai mwanakomana waZerahia; uye pamwechete naye varume vana mazana maviri.
5. Pakati pavanakomana vaShekania, mwanakomana waJahazieri, uye pamwechete naye varume vana mazana matatu.
6. Pakati pavanakomana vaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani; uye pamwechete naye varume vana makumi mashanu.
7. Pakati pavanakomana vaErami, Jeshaya mwanakomana waAtaria; uye pamwechete naye varume vana makumi manomwe.
8. Pakati pavanakomana vaShefatia, Zebhadhia mwanakomana waMikaeri; uye pamwechete naye varume vana makumi masere.
9. Pakati pavanakomana vaJoabhi, Obhadhiya mwanakomana waJehieri; uye pamwechete naye varume vana mazana maviri negumi navasere.
10. Pakati pavanakomana vaSheromiti, mwanakomana waJosifiya, uye pamwechete naye varume vane zana namakumi matanhatu.
11. Pakati pavanakomana vaBhebhai, Zekariya mwanakomana waBhebhai; uye pamwechete naye varume vana makumi maviri navasere.
12. Pakati pavanakomana vaAzagadhi, Johanani mwanakomana waHakatani; uye pamwechete naye varume vane zana negumi rimwe.
13. Pakati pavanakomana vaAdhonikami, ivo vokupedzisira, mazita avo ndiwo: Erifereti, naJeueri, naShemaya; uye pamwechete navo varume vana makumi matanhatu.
14. Pakati pavanakomana vaBhigivhai, Utai naZabhudhi; uye pamwechete navo varume vana makumi manomwe.
15. Ndikavakokera vose parwizi runoenda Ahavha; tikagarapo pamisasa mazuva matatu; ndikacherekedza vanhu navapirisiti, ndikashaiwapo kunyange nomumwe wavanakomana vaRevhi.
16. Ipapo ndikatuma nhume kuzodana Eriezeri, naArieri, naShemaya, naErinatani, naJaribhati, naErinatani, naNatani, naZekariya, naMeshurami, vaiva vakuru; uye Joyaribhi, naErinatani, vaiva vadzidzisi.
17. Ndikavatuma kuna Idho, waiva mukuru panzvimbo yainzi Kasifia; ndikavaudza zvavaifanira kutaura kuna Idho, nehama dzake vaNetinimi, panzvimbo yainzi Kasifia, kuti vauye kwatiri navabatiri veimba yaMwari wedu.
18. Zvino ruoko rwakanaka rwaMwari wedu rwakanga ruri pamusoro pedu, saka vakauya kwatiri nomunhu akangwara wavana vaMari, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsiraeri; naSherebhia, navanakomana vake nehama dzake vose gumi navasere;
19. naHashabhiya, uye pamwechete naye Jeshaya wavanakomana vaMerari, nehama dzake navanakomana vavo, vose makumi maviri;
20. napakati pavaNetinimi, vakanga vagadzwa naDhavhidhi namachinda pabasa ravaRevhi, vaNetinimi vana mazana maviri namakumi maviri; vose vakanga vakanyorwa mazita avo.
21. Ipapo ndakatara nguva yokuzvinyima zvokudya parwizi Ahavha, kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu, tizvikumbirire kwaari isu nepwere dzedu nefuma yedu yose nzira yakarurama.
22. Nokuti ndakanyara kukumbira kuna mambo boka ravarwi navatasvi vamabhiza kutibatsira kurwa navavengi panzira; nokuti takanga tataura namambo, tichiti, "Ruoko rwaMwari wedu runochengeta vose vanomutsvaka, kuvaitira zvakanaka; asi simba rake nokutsamwa kwake zvinorwa navose vanomurasha."
23. Naizvozvo takazvinyima zvokudya, tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, akatinzwa.
24. Ipapo ndakatsaura vane gumi navaviri pakati pavakuru vavapirisiti, vaiti, Sherebhia, naHashabhiya, nedzimwe hama dzavo dzine gumi pamwechete navo;
25. ndikavayerera sirivha, nendarama, nemidziyo, icho chipo chakanga chapiwa imba yaMwari wedu namambo, namakurukota ake, namachinda, navaIsiraeri vose vakanga varipo.
26. Ndakayerera pamaoko avo matarenda esirivha ana mazana matanhatu namakumi mashanu, nemidziyo yesirivha yakasvika matarenda ane zana, neyendarama yakasvika matarenda ane zana;
27. nembiya dzina makumi maviri dzendarama yakasvika madhariki ane chiuru chimwe; nemidziyo miviri yendarira yakanga yakaisvonaka, yaibwinya, yaikosha sendarama.
28. Ndikati kwavari, "Imi muri vatsvene vaJehovha, nemidziyo mitsvenewo; uye sirivha nendarama ndizvo zvipo zvokungopa nokuzvidira zvakavigirwa Jehovha Mwari wamadzibaba enyu.
29. Muzvirindire, nokuzvichengeta, kusvikira mozviyera pamberi pavakuru, vavapirisiti navaRevhi, namachinda edzimba dzamadzibaba avaIsiraeri paJerusaremu, mumakamuri eimba yaJehovha."
30. Naizvozvo vapirisiti navaRevhi vakagamuchira sirivha, nendarama, nemidziyo, vayererwa kurema kwazvo, kuti vazviise Jerusaremu paimba yaMwari wedu.
31. Ipapo takabva parwizi Ahavha nezuva regumi namaviri romwedzi wokutanga, tichienda Jerusaremu; ruoko rwaMwari wedu rukatichengeta; akatirwira pamaoko avavengi vedu navakanga vakativandira panzira.
32. Tikasvika Jerusaremu, tikagarapo mazuva matatu.
33. Zvino pazuva rechina kurema kwesirivha, nendarama, nemidziyo zvakayerwa muimba yaMwari wedu, zvikaiswa pamaoko aMeremoti mwanakomana womupirisiti Uriya; Ereazari mwanakomana waPinehasi akanga anaye, uye Jozabhadhi mwanakomana waJeshua, naNowadhia mwanakomana waBhinui, ivo vaRevhi, vakanga vanavo.
34. Zvose zvakaverengwa nokuyerwa kurema kwazvo ; kurema kwose kukanyorwa nenguva
35. Zvino vatapwa, vakanga vadzoka pakutapwa, vakapisira Mwari waIsiraeri chipiriso chinopiswa, nzombe dzine gumi nembiri dzavaIsiraeri vose, namakondohwe makumi mapfumbamwe navatanhatu, namakwayana makumi manomwe namanomwe, nenhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, chive chipiriso chezvivi; izvozvo zvose chaiva chipiriso chakapisirwa Jehovha.
36. Zvirevo zvamambo vakazvipa machinda amambo, navabati mhiri kworwizi, ivo vakabatsira vanhu neimba yaMwari.

  Ezra (8/10)