Ezra (5/10)  

1. Zvino vaporofita, vaiti muporofita Hagai, naZekariya mwanakomana waIdho, vakaporofitira vaJudha vakanga vari paJudha neJerusaremu; vakaporofitira nezita raMwari waIsiraeri.
2. Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki, vakasimuka, vakatanga kuvaka imba yaMwari paJerusaremu; vaporofita vaMwari, vakanga vanavo, vachivabatsira.
3. Zvino panguva iyo Tatenai, mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota avo vakasvika kwavari, vakati kwavari, "Makarairwa nani kuvaka imba iyi, nokupedza rusvingo urwu here?"
4. Ipapo vakataurawo navo, vakati, "Mazita avarume vanovaka imba iyi ndivanaani ?"
5. Asi ziso raMwari wavo rakanga rakatarira vakuru vavaJudha, havana kuvaregesa basa, kusvikira mhaka yaiswa kuna Dhariusi nemhinduro pamusoro payo ichizodzoka nemwadhi.
6. Ndiwo mashoko emwadhi yakatumirwa mambo Dhariusi naTatenai mubati mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, nemakurukota ake vaAfarishaki, vakanga vari mhiri kworwizi;
7. vakamutumira mwadhi makanga makanyorwa kudai, "Kuna mambo Dhariusi, rugare rwose ngaruve nemi.
8. "Mambo ngaaziviswe kuti takaenda kurutivi rwenyika yaJudha, kuimba yaMwari mukuru, inovakwa namabwe makuru, uye matanda anoiswa mumasvingo, basa iri rinoshingairirwa, rinopfuurira mberi zvakanaka pamaoko avo.
9. Zvino takabvunza vakuru ivavo, tikati kwavari, `Ndianiko wakakurairai kuvaka imba iyi nokupedza rusvingo urwu?'
10. Takavabvunzawo mazita avo, kuti tikuzivisei, tinyore mazita avarume vanovatungamirira.
11. "Vakapindura vachiti, `Isu tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, tinovaka imba yakadeya kuvakwa makore mazhinji akapfuura, yakavakwa nomumwe mambo mukuru waIsiraeri, ikapera.'
12. "Asi madzibaba edu akati atsamwisa Mwari wokudenga, iye akavaisa mumaoko aNebhukadhenezari mambo weBhabhironi, muKaradhea; iye akaparadza imba ino, akatapa vanhu, ndokuenda navo Bhabhironi.
13. Asi negore rokutanga raKoreshi mambo weBhabhironi, mambo Koreshi akaraira, kuti imba ino yaMwari ivakwe.
14. Nemidziyo yendarama neyesirivha yeimba yaMwari, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari patemberi yaiva Jerusaremu, ikaiswa mutemberi yeBhabhironi, mambo Koreshi akabvisa izvozvo mutemberi yeBhabhironi, zvikapiwa mumwe wainzi Sheshibhazari, waakanga aita mubati;
15. akati kwaari, Tora midziyo iyi, undoiisa mutemberi iri Jerusaremu, imba yaMwari ivakwe panzvimbo yayo.
16. Ipapo uyu Sheshibhazari wakauya, akateya nheyo dzeimba yaMwari iri Jerusaremu; zvino kubva panguva iyo kusvikira zvino yakaramba ichivakwa, nazvino ichigere kupera.'
17. "Naizvozvo zvino, kana mambo achifara nazvo, ngavanzvere muimba yefuma yamambo iri Bhabhironi, vawone kana zviri izvo, kana mambo Koreshi akaraira kuti imba ino yaMwari ivakwe Jerusaremu, mambo agotizivisa kuda kwake pamusoro pemhaka iyi."

  Ezra (5/10)