| ← Ezra (2/10) → | 
| 1. | Zvino ava ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaiswa Bhabhironi, vakazodzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake; | 
| 2. | ivo vakauya naZerubhabheri, naJeshua, naNehemiya, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi, naBhaana. | 
| 3. | Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko: Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri. | 
| 4. | Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri. | 
| 5. | Vana vaAra, mazana manomwe namakumi manomwe navashanu. | 
| 6. | Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshua naJoabhi, zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri. | 
| 7. | Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana. | 
| 8. | Vana vaZetu, mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu. | 
| 9. | Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu. | 
| 10. | Vana vaBhani, mazana matanhatu namakumi maviri navaviri. | 
| 11. | Vana vaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navatatu. | 
| 12. | Vana vaAzagadhi, chiuru chimwe namazana maviri namakumi maviri navaviri. | 
| 13. | Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu. | 
| 14. | Vana vaBhigivhai, zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu. | 
| 15. | Vana vaAdhini, mazana mana namakumi mashanu navana. | 
| 16. | Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere. | 
| 17. | Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navatatu. | 
| 18. | Vana vaJora, zana negumi navaviri | 
| 19. | Vana vaHashumi, mazana maviri namakumi maviri navatatu. | 
| 20. | Vana veGibhari, makumi mapfumbamwe navashanu. | 
| 21. | Vana VeBheterehemu, zana namakumi maviri navatatu | 
| 22. | Varume veNetofa, makumi mashanu navatanhatu. | 
| 23. | Varume veAnatoti, zana namakumi maviri navasere. | 
| 24. | Vana veAzimavheti, makumi mana navaviri. | 
| 25. | Vana veKiriatirimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu. | 
| 26. | Vana veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe. | 
| 27. | Varume veMikimashi, zana namakumi maviri navaviri. | 
| 28. | Varume veBhetieri neAi, mazana maviri namakumi maviri navatatu. | 
| 29. | Varume veNebho, makumi mashanu navaviri. | 
| 30. | Vana veMagibhishi, zana namakumi mashanu navatanhatu. | 
| 31. | Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana. | 
| 32. | Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri. | 
| 33. | Vana veRodhi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri navashanu. | 
| 34. | Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu. | 
| 35. | Vana veSena, zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu. | 
| 36. | Vapirisiti vakanga vari: Vana vaJadhaya, weimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu. | 
| 37. | Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri. | 
| 38. | Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe. | 
| 39. | Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe. | 
| 40. | VaRevhi vakanga vari: Vana vaJeshua, naKadhimieri, vavana vaHodhavhia, makumi manomwe navana. | 
| 41. | Vaimbi vakanga vari: Vana vaAsafi, zana namakumi maviri navasere. | 
| 42. | Vana vavarindi vemikova vakanga vari: Vana vaSharumi, navana vaAteri navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, vose zana namakumi matatu navapfumbamwe. | 
| 43. | VaNetinimi vakanga vari: Vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti; | 
| 44. | navana vaKerosi navana vaShiaha, navana vaPadhoni; | 
| 45. | navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaAkubhi; | 
| 46. | navana vaHagabhi, navana vaShamirai, navana vaHanani, | 
| 47. | navana vaGidheri, navana vaGahari, navana vaReaya; | 
| 48. | navana vaRezini, navana vaNekodha, navana vaGazami; | 
| 49. | navana vaUza, navana vaPasea, navana vaBhesai; | 
| 50. | navana vaAsina, navana vaMeunimi, navana vaNefisimi; | 
| 51. | navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri; | 
| 52. | navana vaBhaziruti, navana vaMehidha, navana vaHarishaa; | 
| 53. | navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema; | 
| 54. | navana vaNezia, navana vaHatifa. | 
| 55. | Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari: Vana vaSotai, navana vaHasofereti, navana vaPerudha; | 
| 56. | navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri; | 
| 57. | navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmi. | 
| 58. | VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri. | 
| 59. | Ndizvo vakakwira vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhani, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, namarudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri. | 
| 60. | Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri. | 
| 61. | Navana vavapirisiti vakanga vari: Vana vaHabhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo. | 
| 62. | Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadzitateguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupirisiti. | 
| 63. | Ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupirisiti ane Urimi neTumimi. | 
| 64. | Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu, | 
| 65. | vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe; vakanga vana vaimbi varume navakadzi vana mazana maviri. | 
| 66. | Vakanga vana mabhiza ana mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; mahesera avo akanga ana mazana maviri namakumi mana namashanu; | 
| 67. | makamera avo, mazana mana namakumi matatu namashanu, nembongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri. | 
| 68. | Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, pakusvika kwavo paimba yaJehovha paJerusaremu, vakavigira nomoyo wavo zvipo zvavo, kuti vamutse imba yaMwari paugaro hwayo. | 
| 69. | Vakapa sezvavakagona mari yokubata basa nayo madhariki endarama ane zviuru zvina makumi matanhatu nechimwe, nepondo dzesirivha dzine zviuru zvishanu, nenguvo dzavapirisiti dzine zana. | 
| 70. | Zvino vapirisiti navaRevhi, navamwe vanhu, navaimbi navarindi vemikova, navaNetinimi, vakagara pamaguta avo, navaIsiraeri vose pamaguta avo. | 
| ← Ezra (2/10) → |