Ezra (2/10)  

1. Zvino ava ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaiswa Bhabhironi, vakazodzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake;
2. ivo vakauya naZerubhabheri, naJeshua, naNehemiya, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi, naBhaana.
3. Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko: Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri.
4. Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri.
5. Vana vaAra, mazana manomwe namakumi manomwe navashanu.
6. Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshua naJoabhi, zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri.
7. Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
8. Vana vaZetu, mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu.
9. Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu.
10. Vana vaBhani, mazana matanhatu namakumi maviri navaviri.
11. Vana vaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navatatu.
12. Vana vaAzagadhi, chiuru chimwe namazana maviri namakumi maviri navaviri.
13. Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu.
14. Vana vaBhigivhai, zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu.
15. Vana vaAdhini, mazana mana namakumi mashanu navana.
16. Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere.
17. Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navatatu.
18. Vana vaJora, zana negumi navaviri
19. Vana vaHashumi, mazana maviri namakumi maviri navatatu.
20. Vana veGibhari, makumi mapfumbamwe navashanu.
21. Vana VeBheterehemu, zana namakumi maviri navatatu
22. Varume veNetofa, makumi mashanu navatanhatu.
23. Varume veAnatoti, zana namakumi maviri navasere.
24. Vana veAzimavheti, makumi mana navaviri.
25. Vana veKiriatirimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu.
26. Vana veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe.
27. Varume veMikimashi, zana namakumi maviri navaviri.
28. Varume veBhetieri neAi, mazana maviri namakumi maviri navatatu.
29. Varume veNebho, makumi mashanu navaviri.
30. Vana veMagibhishi, zana namakumi mashanu navatanhatu.
31. Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
32. Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri.
33. Vana veRodhi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri navashanu.
34. Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu.
35. Vana veSena, zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.
36. Vapirisiti vakanga vari: Vana vaJadhaya, weimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu.
37. Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri.
38. Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe.
39. Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe.
40. VaRevhi vakanga vari: Vana vaJeshua, naKadhimieri, vavana vaHodhavhia, makumi manomwe navana.
41. Vaimbi vakanga vari: Vana vaAsafi, zana namakumi maviri navasere.
42. Vana vavarindi vemikova vakanga vari: Vana vaSharumi, navana vaAteri navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, vose zana namakumi matatu navapfumbamwe.
43. VaNetinimi vakanga vari: Vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti;
44. navana vaKerosi navana vaShiaha, navana vaPadhoni;
45. navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaAkubhi;
46. navana vaHagabhi, navana vaShamirai, navana vaHanani,
47. navana vaGidheri, navana vaGahari, navana vaReaya;
48. navana vaRezini, navana vaNekodha, navana vaGazami;
49. navana vaUza, navana vaPasea, navana vaBhesai;
50. navana vaAsina, navana vaMeunimi, navana vaNefisimi;
51. navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri;
52. navana vaBhaziruti, navana vaMehidha, navana vaHarishaa;
53. navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema;
54. navana vaNezia, navana vaHatifa.
55. Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari: Vana vaSotai, navana vaHasofereti, navana vaPerudha;
56. navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri;
57. navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmi.
58. VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
59. Ndizvo vakakwira vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhani, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, namarudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri.
60. Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
61. Navana vavapirisiti vakanga vari: Vana vaHabhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.
62. Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadzitateguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupirisiti.
63. Ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupirisiti ane Urimi neTumimi.
64. Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
65. vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe; vakanga vana vaimbi varume navakadzi vana mazana maviri.
66. Vakanga vana mabhiza ana mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; mahesera avo akanga ana mazana maviri namakumi mana namashanu;
67. makamera avo, mazana mana namakumi matatu namashanu, nembongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
68. Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, pakusvika kwavo paimba yaJehovha paJerusaremu, vakavigira nomoyo wavo zvipo zvavo, kuti vamutse imba yaMwari paugaro hwayo.
69. Vakapa sezvavakagona mari yokubata basa nayo madhariki endarama ane zviuru zvina makumi matanhatu nechimwe, nepondo dzesirivha dzine zviuru zvishanu, nenguvo dzavapirisiti dzine zana.
70. Zvino vapirisiti navaRevhi, navamwe vanhu, navaimbi navarindi vemikova, navaNetinimi, vakagara pamaguta avo, navaIsiraeri vose pamaguta avo.

  Ezra (2/10)