Ezra (10/10)    

1. Zvino Ezira akati achinyengetera, achizvireurura, achichema nokuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru-huru yavarume navakadzi navana vavaIsiraeri vakaungana kwaari; nokuti vanhu vakachema zvikuru kwaivo,
2. Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wavanakomana vaErami, akapindura, akati kuna Ezira, "Takatadzira Mwari wedu zvatakawana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika iyi; kunyange zvakadaro vaIsiraeri vachine tariro pamusoro pechinhu ichi.
3. Naizvozvo zvino ngatiite sungano naMwari wedu, tibvise vakadzi ava vose, navana vakaberekwa navo, sezvatakarairwa naShe, uye navanobvundiswa nomurayiro waMwari wedu; ngazviitwe sezvinoreva mirairo.
4. Simukai, nokuti ndimi mune basa iri, isu tinemi; tsungai moyo, muzviite."
5. Ipapo Ezira akasimuka, akapikisa vakuru vavapirisiti, navaRevhi, navaIsiraeri vose, kuti vachaita neshoko iri. Ivo vakapika.
6. Ipapo Ezira akasimuka, akabva pamberi peimba yaMwari, akapinda mukamuri yaJohanani mwanakomana waEriashibhi; akagarapo, akasadya zvokudya, kana kunwa mvura; nokuti akanga achichema pamusoro pokudarika kwavatapwa.
7. Vakaparidza shoko kuvatapwa vose pose-pose paJudha napaJerusaremu;
8. uye kuti ani naani asina kuuya mazuva matatu agere kupera, sezvakanga zvarairwa namachinda navakuru, fuma yake yose itorwe ipiwe Mwari, naiye amene abudiswe paungano yavatapwa.
9. Ipapo varume vose vaJudha naBhenjamini vakaungana paJerusaremu mazuva matatu agere kupera; wakanga uri mwedzi wepfumbamwe, nezuva ramakumi maviri romwedzi; vanhu vose vakagara padare pamberi peimba yaMwari, vachibvunda pamusoro peshoko iro napamusoro pemvura zhinji yainaya.
10. Ipapo mupirisiti Ezira akasimuka, akati kwavari, "Imi makadarika, mukawana vakadzi vatorwa, mukanyanyisa mhosva yaIsiraeri.
11. Naizvozvo zvino chizvireururai pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba enyu, mumufadze; muzviraure kuvanhu venyika ino navakadzi vatorwa."
12. Ipapo ungango yose yakapindura, ikati nenzwi guru, "Sezvamataura pamusoro pedu, ndizvo zvatinofanira kuita.
13. Asi vanhu vazhinji, uye inguva yokunaya kwemvura zhinji, hatigoni kumira kunze; basa iri harizi rezuva rimwe, kana mazuva maviri, nokuti takadarika kwazvo pachinhu ichi.
14. "Zvino machinda edu ngaagadzwe paungano yose, kuti vose vakawana vakadzi vatorwa pamaguta edu, vauye panguva dzakatarwa navakuru veguta rimwe nerimwe, navatongi varo, kusvikira kutsamwa kukuru kwaMwari wedu kwabviswa kwatiri, kusvikira mhaka iyi yapera."
15. Asi Jonatani mwanakomana waAsaheri, naJazeya mwanakomana waTikivha, ivo voga va karamba chinhu ichi; Meshurami nomuRevhi Shabhetai vakasimbisa.
16. Vatapwa vakaita saizvozvo Ezira mupirisiti, navamwe vavakuru vedzimba dzamadzibaba, vakatsaurwa nedzimba dzamadzibaba avo, navose vavo namazita avo; vakaungana nezuva rokutanga romwedzi wegumi kunzvera chinhu icho.
17. Vakapedza navarume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa nezuva rokutanga romwedzi wokutanga.
18. Napakati pavanakomana vavapirisiti vakawana vamwe vakanga vawana vakadzi vatorwa. Pakati pavanakomana vaJeshua vaiti mwanakomana waJozadhaki nehama dzake, Maaseya, naEriezeri, naJaribhi, naGedharia.
19. Vakapika noruoko rwavo, kuti vacharega vakadzi vavo; uye, zvavakanga vane mhosva, vakabayira gondobwe ramakwai pamusoro pemhosva yavo.
20. Pakati pavanakomana vaImeri, Hanani naZebhadhia.
21. Pakati pavanakomana vaHarimi: Maaseya, naEria, naShemaya naJehieri, naUziya.
22. Pakati pavanakomana vaPashuri: Erioenai, naMaaseya, naIshimaeri, naNetaneri, naJozabhadhi, naErasha.
23. Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, naShimei, naKeraya (ndiye Kerita), naPetahia, naJudha, naEriezeri.
24. Pakati pavaimbi: Eriashibhi; napakati pavarindi vemikova: Sharumi, naTeremi, naUri.
25. Napakati paIsiraeri: pakati pavanakomana vaParoshi: Ramia, naIzia, naMarikiya, naMiyamini, naEreazari, naMirikiya, naBhenaya.
26. Pakati pavanakomana vaErami: Matania, naZekariya, naJehieri, naAbhidhi, naJeremoti, naEria.
27. Pakati pavanakomana vaZatu, Erioenai, naEriashibhi, naMatania, naJeremoti, naZabhahi, naAziza.
28. Pakati pavanakomana vaBhebhai: Jehohanani, naHanania, naZabhai, naAtirai.
29. Pakati pavanakomana vaBhani: Meshurami, naMaruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari, naJeremoti.
30. Pakati pavanakomana vaPahatimoabhi: Adhana, naKerari, naBhenaya, naMaaseya, naMatania, naBhezareri, naBhinui, naManase.
31. Pakati pavanakomana vaHarimi: Eriezeri, naIsishiya, naMarikiya, naShemaya, naShimeoni;
32. naBhenjamini, naMaruki, naShemaria.
33. Pakati pavanakomana vaHashumi: Matenai, naMatata, naZabhadhi, naErifureti, naJeremai, naManase, naShimei.
34. Pakati pavanakomana vaBhani: Maadhai, naAmirami, naUeri;
35. naBhenaya, naBhedheya, naKeruhi;
36. vaVhania, naMeremoti, naEriashibhi;
37. naMatania, naMatenai, naJaasu;
38. naBhani, naBhinui, naShimei;
39. naSheremia, naNatani, naA dhaya;
40. naMakinedhabhai, naShashai, naSharai;
41. naAzareri, naSheremia, naShemaria;
42. naSharumi, naAmaria, naJosefa.
43. Pakati pavanakomana vaNebho: Jeieri, naMatitia, naZabhadhi, naZebhina, naIdho, naJoeri, naBhenaya.
44. Ava vose vakanga vawana vakadzi vatorwa; vamwe vavo vakanga vaberekerwa vana navakadzi vavo.

  Ezra (10/10)