Ezekiel (8/48)  

1. Zvino negore rechitanhatu, nomwedzi wechitanhatu, nezuwa reshanu romwedzi, ini ndigere mumba mangu, navakuru vaJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha ndokuwira pamusoro pangu.
2. Ipapo ndikatarira ndikaona mufananidzo unenge somoto; kubva pakaita sechiuno chake zvichienda pasi, kwakanga kunomoto, kubva pachiuno chake zvichikwira kumusoro zvinenge kubwinya, sedare rinopenya.
3. Akatambanudza zvakanga zvakaita soruoko, akandibata nezhumu romusoro wangu, Mweya wakandisimudza pakati pedenga nenyika, ndokundiisa paJerusaremu ndichiratidzwa zviratiidzo naMwari, kumukova wesuo roruvanze rwomukati unotarira kurutivi rwokumusoro, pakanga pane chigaro chechifananidzo chegodo, chinomutsa godo.
4. Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuripo, zvakafanana nezvandakaona mubani.
5. Ipapo akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kurutivi rwokumusoro." Ipapo ndakaringira meso angu kurutivi rwokumusoro, ndikaona kurutivi rwokumusoro rwesuo rearitari chifananidzo ichi chegodo chimire panopindwa napo.
6. Akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, unoona zvavanoita here? Izvo zvinonyangadza zvikuru zvinoitwa pano neimba yaIsiraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenzvimbo yangu tsvene here? Asi uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru."
7. Akandiisa kumukova woruvanze; zvino ndakati ndichitarira, ndikaona pakakoromoka parusvingo.
8. Zvino akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, chera zvino parusvingo;" zvino ndakati ndachera parusvingo, ndikaona mukova.
9. Akati kwandiri, "Pinda, undoona zvinonyangadza zvakashata zvavanoita pano."
10. Ipapo ndakapinda, ndikaona; tarira, mifananidzo yamarudzi ose ezvinokambaira pasi, nemhuka dzinonyangadza, nezvifananidzo zvose zveimba yaIsiraeri zvakafananidzwa parusvingo kumativi ose.
11. Pamberi pazvo pakanga pamire varume vana makumi manomwe vavakuru veimba yaIsiraeri; pakati pavo pakanga pamire Jaazania mwanakomana waShafani, mumwe nomumwe akabata hadyana yake yezvinonhuwira muruoko rwake; munhuwi wegore rezvinonhuwira ukaramba uchikwira.
12. Ipapo akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, waona here zvinoitwa navakuru veimba yaIsiraeri murima, mumwe nomumwe mukamuri yake yemifananidzo? Nokuti vanoti, `Jehovha haationi; Jehovha akabva panyika ino.' "
13. Akatiwo kwandiri, "Uchaonazve zvimwe zvinonyangadza zvikuru zvavanoita."
14. Ipapo akandiisa kumukova wesuo reimba yaJehovha rakanga riri kurutivi rwokumusoro; ndikaona vakadzi vagerepo vachichema Tamuzi.
15. Zvino akati kwandiri, "Wazviona here, iwe Mwanakomana womunhu? Uchaona zvimwe zvinonyangadza zvinopfuura izvo."
16. Ipapo akandiisa muruvanze rwomukati rweimba yaJehovha; tarira, pamukova wetemberi yaJehovha pakati pebiravira nearitari, kwakanga kuna varume vanenge makumi maviri navashanu, vakafuratira temberi yaJehovha, zviso zvavo zvakaringira kurutivi rwamabvazuva; vakanga vachinamata zuva kurutivi rwamabvazuva.
17. Zvino akati kwandiri, "Wazviona here, iwe Mwanakomana womunhu? Chinhu chiduku here kuimba yaJudha, kuti vaite zvinonyangadza zvavanoita pano? Nokuti vakazadza nyika nokuita nesimba, vakadzoka vomutsa kutsamwa kwangu; tarira vanoisa davi kumhino dzavo.
18. Naizvozvo neniwo ndichaita nehasha; ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsi; kunyange vakadanidzira munzeve dzangu nenzwi guru, handingavanzwi."

  Ezekiel (8/48)