Ezekiel (6/48)  

1. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2. "Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kumakomo aIsiraeri, uporofite pamusoro pawo,
3. uti, 'Imi makomo avaIsiraeri, inzwai shoko ralshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kumipata nokumapani, tarirai, ini, iyeni, ndichauyisa munondo pamusoro penyu, ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.
4. Maaritari enyu achaitwa matongo, nezvifananidzo zvenyu nezuva zvichakoromorwa; vanhu venyu, vakaurawa, ndichavawisira pasi pamberi pezvifananidzo zvenyu.
5. Ndicharadzika zvitunha zvavana vaIsiraeri pamberi pezvifananidzo zvavo; ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose amaaritari enyu.'
6. "Pose pamugere maguta achaparadzwa, nenzvimbo dzakakwirira dzichaitwa matongo, kuti maaritari enyu aparadzwe aitwe matongo, nezvifananidzo zvenyu zvikoromorwe zvigume, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvitemwe, nezvamakabata zvose zviparadzwe.
7. Vakaurawa vachawira pasi pakati penyu, nemi muchaziva kuti ndini Jehovha.
8. "Kunyange zvakadaro ndichachengeta vakasara, nokuti vamwe venyu vachavapo vachapukunyuka pamunondo pakati pamarudzi kana muchiparadzirwa kunyika dzose.
9. Zvino vakapukunyuka pakati penyu vachandirangarira pakati pamarudzi, kwavachatapirwa, kana ndaputsa moyo yavo yokufeva, yakandirasa, nameso avo aipata achitevera zvifananidzo zvavo; vachazvisema ivo vamene pamusoro pezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose.
10. Zvino ivo vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kureva pasina kuti ndichavaitira zvakaipa izvozvo."
11. Zvanzi naIshe Jehovha, "Rova noruoko rwako, tsikisa pasi norutsoka rwako, uti, `Maiwe!' Nokuda kwezvinonyangadza zvakaipa zvose zveimba yaIsiraeri; nokuti vachaurawa nomunondo nenzara nehosha yakaipa.
12. Ari kure achafa nehosha yakaipa, ari pedo achaurawa nomunondo, akasara akachengetwa achafa nenzara; saizvozvo ndichapedza hasha dzangu pamusoro pavo.
13. Imi muchaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo, vakaurawa, vari pakati pezvifananidzo zvavo vakakomberedza maaritari avo, pachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, napamusoro pemisoro yose yamakomo, napasi pomuti pomuouki mumwe nomumwe mukobvu, ipo panzvimbo dzose pavaipisira zvifananidzo zvavo zvose zvinonhuwira zvakanaka.
14. Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nyika ndichaiita dongo nokuiparadza, kubva parenje kusvikira Dhibhira, pose pavanogara; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha."

  Ezekiel (6/48)