Ezekiel (5/48)  

1. "Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza; uutore chive chisvo kwauri, ugoveura nawo musoro wako nendebvu dzako, ipapo utore chiyero chokuyera nacho, ndokukamura vhudzi.
2. Zvino chetatu charo upise nomoto pakati peguta, kana mazuva okukombwa kwaro apera; utorewo chimwe chetatu, ugotema nomunondo kumativi aro ose; uye chetatu uparadzire kumhepo, ipapo ini ndichavhomora munondo shure kwavo.
3. Zvino utorewo rimwe shomanene, urisungire munguvo dzako.
4. Ipapo utorezve rimwe raro, urikandire mumoto, uchiripisa mumoto; ipapo pachabudira moto kuimba yose yaIsiraeri."
5. Zvanzi naIshe Jehovha, "Iri ndiro Jerusaremu ndakariisa pakati pamarudzi, rakapoteredzwa nedzimwe nyika kumativi ose.
6. Asi rakaramba mitemo yangu richiita zvakaipa kupfuura mamwe marudzi, nokuramba zvandakarayira kupfuura dzimwe nyika dzakaripoteredza; nokuti ivo vakaramba mitemo yangu, nezvandakarayira havana kufamba mazviri.
7. "Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Zvamune hasha kupfuura marudzi akakukomberedzai, mukasafamba munezvandakarayira nokusachengeta mitemo yangu, kunyange kuita nemitemo yamarudzi akakupoteredzai,'
8. naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, ini, iyeni, ndine mhaka nemi, ndichaita zvandakatonga pakati penyu mamwe marudzi achizviona.
9. Ndichaita pakati penyu zvandisina kumboita, uye handingatongoitizve zvakadai, nemhaka yezvinonyangadza zvenyu zvose.'
10. Naizvozvo madzibaba achadya vanakomana vavo mukati mako, navanakomana vachadya madzibaba avo; ndichakuitira zvandakatonga, ndichaparadzira vakasara vako kumhepo dzose.
11. "Saka noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha zvirokwazvo, zvawakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvose zvako zvinosemesa nezvose zvako zvinonyangadza, saka neni ndichabva kwamuri, ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo.
12. Chetatu chako chichafa nehosha yakaipa, uye vachapedzwa nenzara mukati mako; chetatu chichaparadzwa nomunondo kumativi ako, nechimwe chikamu chetatu ndichachiparadzira kumhepo dzose, nokuvhomora munondo shure kwavo.
13. "Saizvozvo kutsamwa kwangu kuchapera, nehasha dzangu kwavari ndichadzigumisa, ndikanyaradzwa; vachaziva kuti ini Jehovha ndakataura nokushingayira kwangu, kana ndapedza hasha dzangu pamusoro pavo.
14. Ndichakuita dongo nechinhu chinoshorwa pakati pamarudzi anokupoteredza, zvichionekwa navose vanopfuura napo.
15. "Saizvozvo chichava chinhu chinoshorwa nechinosekwa, chinonyevera nechinoshamisa, kumarudzi ose anokupoteredza, kana ndichikuitira zvandakatonga ndakatsamwa, ndiine hasha, ndichikutukai nehasha ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo;
16. kana ndichituma pamusoro pavo miseve yakaipa yenzara, ine basa rokuparadza, yandichatuma kuti ikuparadzeyi. Ndichawedzera nzara pamusoro penyu, nokuvhuna mudonzvo wenyu wezvokudya.
17. Ndichatuma pamusoro penyu nzara nezvikara zvakaipa zvichakutorerai vana; hosha yakaipa neropa zvichapfuura napakati pako; ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo."

  Ezekiel (5/48)