Ezekiel (48/48)    

1. Zvino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutivi rwokumusoro, zvichienda nenzira yeHetironi kusvikira pavanopinda vachienda Hamati neHazarienani pamuganho weDhamasiko, zvichienda kurutivi rwokumusoro napaHamati mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva, ndiwo mugove mumwe waDhani.
2. Pamuganho waDhani, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waAsheri.
3. Pamuganho waAsheri, kubva kurutivi rwamavirazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waNafutari.
4. Pamuganho waNafutari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waManase.
5. Pamuganho waManase, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waEfuremu.
6. Pamuganho waEfuremu, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waRubheni.
7. Pamuganho waRubheni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva ndiwo mugove mumwe waJudha.
8. Pamuganho waJudha, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, chichava chipo chamunofanira kuvigira Jehovha, tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pahupamhi, nokureba kwakaenzana nomumwe wemigove, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva; nzvimbo tsvene inofanira kuva pakati payo.
9. Chipo chamunofanira kuvigira Jehovha chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, uye tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi.
10. Chipo icho chitsvene chinofanira kupiwa ava, ivo vapirisiti; kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nokurutivi rwamavirazuva tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwamabvazuva dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwezasi dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba; nzvimbo tsvene yaJehovha inofanira kuva pakati payo.
11. Chichava chavapirisiti vakaitwa vatsvene pakati pavanakomana vaZadhoki, vakachengeta zvandakavaraira, vasina kutsauka nenguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri, sezvakatsauka vaRevhi.
12. Chichava chipo kwavari chakatorwa pachipo chenyika, chinhu chitsvene, pamuganho wavaRevhi.
13. VaRevhi vanofanira kupiwa mugove wakaenzana nomuganho wavapirisiti, ndokuti tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi pahupamhi; kureba kwose kuchaita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nezviuru zvine gumi pahupamhi.
14. Havafaniri kutongoitengesa, kana kuitsinhanha neimwe nyika, uye zvibereko zvokutanga zvenyika hazvifaniri kupfuudzwa, nokuti zvitsvene kuna Jehovha.
15. Tsanga dzine zviuru zvishanu dzakasara pahupamhi hwenyika, pamberi pedzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, hazvizi zvitsvene, ndezveguta, nopokugara noruwa; guta rinofanira kuva pakati pazvo.
16. Kukura kwayo kunofanira kuva kudai: Rutivi rwokumusoro, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwezasi zviuru zvina namazana mashanu, nokurutivi rwamabvazuva zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwamavirazuva zviuru zvina namazana mashanu.
17. Guta rinofanira kuva norupawo: Kurutivi rwokumusoro tsanga dzina mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwezasi mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamabvazuva mazana maviri namakumi mashanu, nokurutivi rwamavirazuva mazana maviri namakumi mashanu.
18. Zvakasara pakureba kwayo, izvo zvakaenzana nechipo chitsvene, zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi kurutivi rwamabvazuva, nezviuru zvine gumi kurutivi rwamavirazuva; zvichaenzana nechipo chitsvene; michero yayo inofanira kuva zvokudya zvavanobata muguta.
19. Vanobata muguta, ivo vanobva kumarudzi ose alsiraeri, vanofanira kuirima.
20. Chipo chose chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvina makumi maviri nezvishanu paupamhi; munofanira kuvigira Jehovha chipo icho chitsvene, chinamativi mana akaenzana, pamwechete nenzvimbo yeguta.
21. Zvakasara zvinofanira kuva zvomuchinda, nechemberi necheseri kwechipo chitsvene nenzvimbo yeguta; pamberi petsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu zvechipo, kumuganho wokurutivi rwamabvazuva, nokurutivi rwamavirazuva pamberi pezviuru zvina makumi maviri nezvishanu kumuganho wokurutivi rwamavirazuva, zvakaenzana nemigove, ndizvo zvinofanira kuva zvomuchinda; chipo chitsvene nenzvimbo tsvene yeimba zvinofanira kuva pakati pazvo.
22. Uyewo, kubva panyika yavaRevhi, nokubva panzvimbo yeguta, izvo zviri pakati penyika yomuchinda, pakati pomuganho waJudha nomuganho waBhenjamini, zvinofanira kuva zvomuchinda.
23. Kana ari marudzi mamwe akasara: Kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waBhenjamini.
24. Pamuganho waBhenjamini, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waSimiyoni.
25. Pamuganho waSimiyoni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waIsakari.
26. Pamuganho waIsakari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waZebhuruni.
27. Pamuganho waZebhuruni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waGadhi.
28. Pamuganho waGadhi, kurutivi rwezasi, zvichienda zasi, muganho unofanira kubva paTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribhatikadheshi, kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru.
29. "Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsiraeri ive nhaka yavo, uye iyi ndiyo migove yavo vose," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
30. Iyi ndiyo migumo yeguta: Kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo;
31. masuo eguta anofanira kutumidzwa mazita amarudzi aIsiraeri; masuo matatu kurutivi rwokumusoro, anoti: Suo raRubheni, rimwe, suo raJudha, rimwe, uye suo raRevhi, rimwe.
32. Kurutivi rwamabvazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuo matatu, anoti: Suo raJosefa, rimwe, suo raBhenjamini, rimwe, uye suo raDhani, rimwe.
33. Kurutivi rwezasi, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo, namasuo matatu, anoti: Suo raSimeoni, rimwe, suo raIsakari, rimwe, uye suo raZebhuruni, rimwe.
34. Kurutivi rwamavirazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuo apo matatu, anoti: Suo raGadhi, rimwe, suo raAsheri, rimwe, uye suo raNafutari, rimwe.
35. Zvose zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi nezvisere pamativi ose mana; zita reguta kubva pazuva iro rinofanira kunzi, "Jehovha aripano."

  Ezekiel (48/48)