Ezekiel (46/48)  

1. Zvanzi naIshe Jehovha, "Suo roruvanze rwomukati rakatarira kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo; asi nezuva reSabata rinofanira kuzarurwa, uye nezuva rokugara kwomwedzi rinofanira kuzarurwa.
2. Muchinda anofanira kupinda napanzira yebiravira resuo rokunze, ndokumira pambiru yesuo; zvino vapirisiti vanofanira kumugadzirira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, iye agonamata pachikumbaridzo chesuo; ipapo anofanira kubuda; asi suo harifaniri kupfigwa kusvikira madekwana.
3. Vanhu venyika vanofanira kunamata pamukova wesuo iro pamberi paJehovha pamaSabata napakugara kwemwedzi.
4. "Chipiriso chinopiswa, chinovigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata chinofanira kuita makwayana matanhatu asina mhosva nehondohwe risina mhosva;
5. uye chipiriso choupfu chinofanira kuita efa imwe pahondohwe, uye chipiriso choupfu pamakwayana sezvaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
6. Nezuva rokugara kwomwedzi zvinofanira kuita nzombe duku isina mhosva, namakwayana matanhatu, nehondohwe; zvinofanira kuva zvisina mhosva.
7. Zvino iye anofanira kugadzira chipiriso choupfu, efa imwe panzombe, neefa imwe pahondohwe, napamakwayana sezvaanogona, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
8. "Kana muchinda achipinda, anofanira kupinda nenzira yebiravira resuo, uye anofanira kubuda nenzira iyo.
9. "Asi kana vanhu venyika vachiuya pamberi paJehovha pamitambo yakatarwa, anopinda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro kuzonamata, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwezasi; anopinda napanzira yesuo rokurutivi rwezasi, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakauya nayo, asi anofanira kufamba akatarira mberi.
10. "Kana vachipinda, muchinda anofanira kupinda ari pakati pavo; kana vachibuda vanofanira kubuda pamwechete.
11. Pamitambo napanguva dzemitambo chipiriso choupfu chinofanira kuita efa imwe panzombe, neefa imwe pahondohwe, napamakwayana sezvaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
12. "Kana muchinda achigadzira chipiriso chokungopa nokuzvidira, kana chipiriso chinopiswa, kana zvipiriso zvokuyananisa, chive chipiriso chokungopa Jehovha nokuzvidira, mumwe anofanira kumuzarurira suo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; anofanira kugadzira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, sezvaanoita nomusi weSabata, ipapo anofanira kubuda; kana abuda mumwe anofanira kupfiga suo."
13. "Anofanira kugadzirawo zuva rimwe nerimwe gwayana regore rimwe risina mhosva, chive chipiriso chinopiswa Jehovha; anofanira kurigadzira mangwanani ose.
14. Pamwechete naro anofanira kugadzira mangwanani ose chipiriso choupfu, chinoti mugove wechitanhatu weefa, nomugove wechitatu wehini yamafuta kunyorovesa nawo upfu hwakatsetseka; chive chipiriso choupfu kuna Jehovha nguva dzose nomutemo usingaperi.
15. Saizvozvo vanofanira kugadzira gwayana, nechipiriso choupfu, namafuta, mangwanani ose, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose."
16. Zvanzi naIshe Jehovha, "Kana muchinda akapa mumwe wavanakomana vake chipo, yava nhaka yake, chichava chavanakomana vake; chava chavo nokugara nhaka.
17. Asi kana akapa mumwe wavaranda vake chipo chinobva panhaka yake, chichava chake kusvikira pagore rokusunungurwa; ipapo chinofanira kudzokera kumuchinda; asi kana iri nhaka yake ichava yavanakomana vake.
18. Uye muchinda haafaniri kutorera vanhu nhaka yavo, kuti avadzinge panyika yavo; anofanira kupa vanakomana vake nhaka inobva pane zvake, kuti vanhu vangu varege kuparadzirwa mumwe nomumwe abve pane zvake."
19. Zvino akapinda neni napamukova, akanga ari parutivi rwesuo, mumakamuri matsvene avapirisiti, akatarira kurutivi rwokumusoro; zvino tarira, kwakanga kune nzvimbo nechemberi kurutivi rwamavirazuva.
20. Akati kwandiri, "Iyi ndiyo nzvimbo panofanira kubika vapirisiti chipiriso chemhosva nechipiriso chezvivi, uye pavanofanira kubika chipiriso choupfu; kuti varege kubuda nazvo kuruvanze rwokunze, kuzonatsa vanhu nazvo."
21. Zvino akaenda neni kuruvanze rwokunze, akandifambisa napamakona mana oruvanze; zvino tarira, pakona rimwe nerimwe roruvanze pakanga pano ruvanze.
22. Pamakona mana oruvanze pakanga pana mavanze akakomberedzwa, akaita mamita makumi mana pakureba, namakumi matatu pakufara; awa mana pamakona akanga akaenzana.
23. Mukati mawo makanga mune chidziro kumativi ose, chakanga chakakomberedza iwo mana, uye pakanga pane zvoto zvokubikira munyasi mechidziro kumativi ose.
24. Zvino akati kwandiri, "Idzi ndidzo dzimba dzokubikira, panofanira kubikirwa zvibayiro zvavanhu navanoshumira paimba."

  Ezekiel (46/48)