Ezekiel (42/48)  

1. Zvino akandibudisira kuruvanze rwokunze, nenzira inoenda kurutivi rwokumusoro; akandiisa mukamuri rakatarisana nenzvimbo yaiva yoga, yakanga yakatarisana neimba kurutivi rwokumusoro.
2. Pamberi porutivi rwakareba, rwakasvika mamita ane zana, kwakanga kuno mukova worutivi rwokumusoro, uye upamhi hwakaita mamita makumi mashanu.
3. Pakatarisana namamita makumi maviri oruvanze rwomukati, uye pakatarisana neguva rakarongwa roruvanze rwokunze, kwakanga kuna mabiravira akatarisana, akaturikidzwa ari matatu.
4. Pamberi pamakamuri pakanga pane nzvimbo yokufamba ichipinda mukati yakaita mamita ane zana; mikova yazvo yakanga yakatarira kurutivi rwokumusoro.
5. Asi makamuri okumusoro akanga ari maduku kuna mamwe, nokuti mabiravira akanga achiatapudzira, kupfuura apasi naapakati mukati meimba.
6. Nokuti akanga akaturikidzwa, ari matatu, asine mbiru dzakaita sembiru dzamavanze; naizvozvo okumusoro akanga akamanikana kupfuura apasi naapakati zvichibva pasi.
7. Rusvingo rwakanga ruri kunze kurutivi rwamakamuri kuruvanze rwokunze pamberi pamakamuri, rwakasvika mamita makumi mashanu pakureba.
8. Nokuti kureba kwamakamuri akanga ari muruvanze rwokunze kwakasvika mamita makumi mashanu, asi tarira, pamberi petemberi akaita mamita ane zana.
9. Pasi pamakamuri awa ndipo pakanga pane mukova wokurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda kwaari achibva kuruvanze rwokunze.
10. Mukati moupamhi hworusvingo rworuvanze kurutivi rwamabvazuva, pamberi penzvimbo yaiva yoga, napamberi peimba, pakanga pana makamuri.
11. Nzira yakanga iri pamberi pawo yakanga yakafanana nenzira yamakamuri okurutivi rwokumusoro; sezvakanga zvakaita kureba kwawo, ndizvo zvakanga zvakaita upamhi hwawo; pokubuda pawo pose pakanga pakafanana nokurongerwa kwawo nemikova yawo.
12. Sezvakanga zvakaita mikova yamakamuri akanga ari kurutivi rwezasi, saizvozvo kwakanga kuno mukova pakuguma kwenzira, iyo nzira yakanga yakaruramira pamberi porusvingo kurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda mukati mawo.
13. Zvino akati kwandiri, "Makamuri okurutivi rwokumusoro namakamuri okurutivi rwezasi, ari pamberi penzvimbo iyo yoga, ndiwo makamuri matsvene, panofanira kudyiwa zvinhu zvitsvene-tsvene navapirisiti vari pedo naJehovha; ndipo pavachafanira kuisa zvinhu zvitsvene-tsvene, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvemhosva; nokuti inzvimbo tvsene.
14. Kana vapirisiti vapinda, havafaniri kuzobuda panzvimbo tsvene vachienda kuruvanze rwokunze, asi vanofanira kuisapo nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, nokuti idzo itsvene; asi vanofanira kufuka dzimwe nguvo, ndokuzoswedera kune zvavanhu."
15. Zvino akati apedza kuyera imba yomukati, akandibudisa nenzira yesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akapayera kumativi ose.
16. Akayera kurutivi rwamabvazuva norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu, norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose.
17. Akayera kurutivi rwokumusoro norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
18. Akayera kurutivi rwezasi norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
19. Akadzoka kurutivi rwamavirazuva, akayera norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
20. Akapayera kumativi ose mana; pakanga pane rusvingo rwakapoteredza, rwakanga rwakaita zviyero zvina mazana mashanu pakureba, namazana mashanu pahupamhi, kuti ruparadzanise pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene.

  Ezekiel (42/48)