Ezekiel (4/48)  

1. Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tora chitinha uchigadzike pamberi pako, ufananidzirepo guta, iro reJerusaremu.
2. Zvino urikombe nehondo, urivakire nhare dzokurwa naro, uritutire murwi wokurwa nawo; uriisire misasa, nokurikomberedza kumativi ose nezvokugumura kuriputsa.
3. Zvino utore gango redare, urigadze pakati pako neguta, ruve rusvingo rwedare; zvino urinzire chiso chako kwariri, ipapo richava guta rakakombwa nehondo, iwe ndiwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsiraeri.
4. "Uyezve, uvate pasi parutivi rwako rworuboshwe, uise pamusoro parwo zvakaipa zveimba yaIsiraeri; mazuva aunovata parutivi urwo ndiyo nguva yauchatakura zvakaipa zvavo.
5. Nokuti ndakatara makore ezvakaipa zvawo aenzane namazuva ako, mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe; saizvozvo uchatakura zvakaipa zveimba yaIsiraeri.
6. Zvino kana wapedza mazuva awa, uvate pasi norutivi rwako rworudyi, kuti utakure zvakaipa zveimba yaJudha; ndakakutarira mazuva ana makumi mana, zuva rimwe nerimwe rifananidze gore.
7. "Urinzire chiso chako wakatarira kukombwa kweJerusaremu ruoko rwako rwakafukurwa; ugoporofita pamusoro paro.
8. "Tarira, ndinokusunga nezvisungo, urege kutendeukira kuno rumwe rutivi, kusvikira wapedza mazuva okukomba kwako.
9. "Zvino utorewo zviyo nebhari nenyimo nenyemba namapfunde nesipereti uzviise mumudziyo mumwe, ugozviitira chingwa nazvo; unofanira kuchidya mazuva aunovata pasi parutivi rwako, iwo mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe.
10. Zvokudya zvako zvaunofanira kudya, zvichayerwa kurema kwazvo, mashekeri ana makumi maviri nezuva rimwe nerimwe; uchazvidya nguva nenguva.
11. Unofanira kunwawo mvura yakayerwa, chechitanhatu chehini; uchainwa nguva nenguva.
12. Unofanira kuzvidya zvakafanana nezvingwa zvebhari, unofanira kuzvibika pamberi pavo nendove inobudiswa navanhu."
13. Jehovha akati, "Saizvozvo vana valsiraeri vachadya zvokudya zvavo zvakan’ora pakati pamarudzi kwandichavadzingira. "
14. Ipapo ndikati, "Aiwa, Ishe Jehovha! Tarirai mweya wangu hauna kumbosvibiswa; nokuti kubva pauduku hwangu kusvikira zvino, handina kumbodya chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, nenyama yakan’ora haina kumbopinda mumuromo mangu."
15. Ipapo akati kwandiri, "Tarira, ndakupa ndove yemombe panzvimbo yendove yavanhu, unofanira kugadzira zvokudya zvako nayo."
16. Akatiwo kwandiri, "Mwanakomana womunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wezvokudya paJerusaremu; vachadya zvokudya zvakayerwa vachitya, vachanwa mvura yakayerwa, vachivhunduka;
17. kuti vashayiwe zvokudya nemvura, vavhunduke mumwe nomumwe, vapere muzvakaipa zvavo."

  Ezekiel (4/48)