Ezekiel (39/48)  

1. Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro paGogi, uti, zvanzi nalshe Jehovha, "Tarira, ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda waRoshi, naMesheki naTubhari;
2. ndichakutsausa, nokukutungamirira, nokukuuyisa uchibva kumativi okumusorosoro; ndichakusvitsa pamakomo aIsiraeri;
3. Ndicharova uta hwako hubve muruoko rwako rworuboshwe, nokuwisira pasi miseve yako iri muruoko rwako rworudyi.
4. Uchaparadzwa pamakomo aIsiraeri, iwe namapoka ako ose, namarudzi avanhu anewe; ndichakupa iwe shiri dzamakondo dzamarudzi ose, nezvikara zvesango, kuti udyiwe nazvo.
5. Uchawira pakachena pabani; nokuti ini ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
6. Ndichatuma moto kuna Magogi, nokuna vagere zvakanaka pazviwi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
7. Ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pavanhu vangu vaIsiraeri; handichatenderi kuti zita rangu dzvene rimhurwe; marudzi avanhu achaziva kuti ndini Jehovha, iye Mutsvene waIsiraeri."
8. "Tarirai, zvinouya, zvichaitwa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndiro zuva randareva.
9. Vagere mumaguta aIsiraeri vachabuda, vachavesa moto nenhumbi dzokurwa nokudzipisa, zvinoti nhovo duku nenhovo huru, nouta nemiseve, netsvimbo namapfumo; vachavesa moto nazvo vachiita makore manomwe;
10. naizvozvo havangandotori huni kusango, kana kundodzitema kumatondo, nokuti vachavesa moto nenhumbi dzokurwa; vachaparadza vaivaparadza, nokupamba vaivapamba," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
11. "Zvino nezuva iro ndichapa Gogi nzvimbo yamarinda pakati pavaIsiraeri, mumupata wavafambi kurutivi rwamabvazuva rwegungwa; izvozvo zvichadzivisa vanopfuura napo; ipapo vachaviga Gogi navanhu vake vazhinji vose, ndokupatumidza zita rinonzi, `Hamonigogi
12. Imba yalsiraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga, kuti vanatse nyika.
13. Zvirokwazvo, vanhu vose venyika vachavaviga, ichava mbiri kwavari nezuva randichakudzwa naro, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
14. Vachatsaura vanhu vanobata basa misi yose, vachapota nenyika pamwechete navanopfuura napo, vachiviga vakasiyiwa pachena, kuti vanatse nyika; kana mwedzi minomwe yapera vachacherekedza pose.
15. Vanopfuura napanyika vachapfuura havo; zvino ani naani kana achinge achiona pfupa romunhu, achaisapo chiratidzo, kusvikira vavigi vachiriviga mumupata waHamonigogi.
16. Hamoni richava zitawo reguta. Saizvozvo vachanatsa nyika."
17. Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, "Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesango, uti, `Unganai, muuye muungane muchibva kumativi ose, muuye kuchibayiro chikuru pamakomo aIsiraeri, kuti mudye nyama nokunwa ropa.'
18. "Muchadya nyama yavane simba, nokunwa ropa ramachinda enyika, ramakondobwe, neramakwayana, nerembudzi, nerenzombe, zvose zviri zvakakodzwa zveBhashani.
19. Muchadya zvakakora kusvikira maguta, nokunwa ropa kusvikira mabatwa, zvechibayiro chandakakubayirai.
20. "Muchaguta patafura rangu namabhiza nengoro, navanhu vane simba, navarwi vamarudzi ose," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
21. "Ndichaisa mbiri yangu pakati pamarudzi avanhu, marudzi ose achaona kutonga kwandakaita, noruoko rwangu rwandakaisa pamusoro pavo.
22. Naizvozvo imba yaIsiraeri ichaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, kubva pazuva iro zvichienda mberi.
23. Marudzi ose achaziva kuti imba yaIsiraeri yakatapwa nokuda kwezvakaipa zvavo, nokuti vakandidarikira, ndikavavanzira chiso changu; naizvozvo ndakavaisa mumaoko avadzivisi vavo, vakaparadzwa vose nomunondo.
24. Ndakavaitira zvakafanira kusanaka kwavo nokudarika kwavo, ndikavavanzira chiso changu.",
25. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Zvino ndichadzosa kutapwa kwaJakobho, nokunzwira imba yose yaIsiraeri nyasha; ndichashingairira zita rangu dzvene.
26. "Vachava nemhosva yokunyadziswa kwavo neyokudarika kwavo kwavakandidarikira nako, kana vachizogara zvakanaka munyika yavo, kusina anozovatyisa;
27. kana ndavadzosa kumarudzi avanhu, nokuvaunganidza kunyika dzavavengi vavo, ndikazviita mutsvene pamberi pamarudzi mazhinji.
28. "Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, zvandakavatapisa pakati pamarudzi, ndikavaunganidzirazve munyika yavo; handingatongozosiyi mumwe wavopo;
29. uye handingazovavanziri chiso changu; nokuti ndakadurura mweya wangu pamusoro peimba yaIsiraeri," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

  Ezekiel (39/48)