Ezekiel (37/48)  

1. Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu, akandibudisa noMweya waJehovha, akandondiisa pakati pomupata; iwo wakanga uzere namapfupa;
2. akandipfuudza napakati pawo kumativi ose; tarirai, aivapo akawanda kwazvo pakachena pamupata; uye tarirai, akanga akaoma kwazvo.
3. Akati kwandiri, "Mwanakomana, mapfupa awa angararama here?" Ndikapindura, ndikati, "Imi Ishe Jehovha munozviziva."
4. Zvino akatizve kwandiri, "Porofita pamusoro pamapfupa awa, uti kwaari, `Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha.'
5. Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa awa, `Tarirai, ndichapinza mweya mukati menyu, muchararamazve.
6. Ndichaisa marunda pamusoro penyu, nokuuyisa nyama pamusoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mweya mukati menyu, murarame; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.' "
7. Ipapo ndakaporofita sezvandakarayirwa; zvino ndakati ndichiporofita, mubvumo ukavapo, uye, tarira, kudengenyeka kwenyika kwakavapowo; mapfupa akaswederana, pfupa rimwe kune rimwe pfupa raro.
8. Ndikatarira, wane marunda avapo pamusoro pawo, nyama ikauya, ganda rikaafukidza pamusoro payo; asi makanga musina mweya mukati mawo.
9. Ipapo akati kwandiri, "porofitira kumhepo, porofita, Mwanakomana womunhu, uti kumhepo, zvanzi naIshe Jehovha, `Uya uchibva kumativi mana anobva mhepo, iwe mweya, ufuridzire pamusoro pavava vakaurawa, kuti vararame.' "
10. Ipapo ndakaporofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo, vakararama, vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.
11. Zvino akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, mapfupa awa ndiyo imba yose yaIsiraeri. Tarira ivo vanoti, `Mapfupa edu aoma, tariro yedu yaenda, taparadzwa chose.'
12. Naizvozvo porofita, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, ndichazarura marinda enyu, ndichakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu; ndichakusvitsai munyika yaIsiraeri.
13. Muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndazarura marinda enyu, ndikakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu.
14. Ndichaisa mweya wangu mukati menyu, murarame, ndichakuisai munyika yenyu; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura ndikazviita,' " ndizvo zvinotaura Jehovha.
15. Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
16. "Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, tora rutanda rumwe, unyore pamusoro parwo, kuti, `ZvaJudha, nezvavana vaIsiraeri shamwari dzake;' ipapo utore rumwe rutanda, unyore pamusoro parwo, kuti, `ZvaJosefa, rutanda rwaEfuremu, nezveimba yose yavaIsiraeri shamwari dzake;'
17. zvino uzvibatanidzire matanda iwawo, ruve rutanda rumwe, ruve rumwe muruoko rwako.
18. Zvino kana vana vavanhu vako vakataura newe vachiti kwauri, `Haungatizivisi zvaunoda kuratidza nezvinhu izvi here?'
19. Iwe uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, ndichatora rutanda rwaJosefa, ruri muruoko rwaEfuremu, namarudzi aIsiraeri shamwari dzake; ndichavaisa kwaruri, kurutanda rwaJudha, ndivaite rutanda rumwe, vachaita rumwe muruoko rwangu.'
20. "Zvino matanda aunonyora pamusoro pawo anofanira kuva muruoko rwako vazvione.
21. Ipapo uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, ndichabvisa vana vaIsiraeri pakati pamarudzi, kwavakaenda, ndichavaunganidza vabve kumativi ose, ndivaise kunyika yavo;
22. ndichavaita rudzi rumwe panyika, pamakomo aIsiraeri; mambo mumwe uchava mambo wavose, havangazovi marudzi maviri, uye havangatongozovi ushe huviri hwakaparadzana;
23. havangazozvisvibisi nezvifananidzo zvavo, kana nezvinhu zvavo zvinosemesa, kana nechinhu chipi nechipi chavanodarika nacho; asi ndichavaponesa pose pavagere, pavaitadza, nokuvanatsa; saizvozvo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.'
24. "Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo wavo; vose vachava nomufudzi mumwe; vachafambawo nezvandakarayira, nokuchengeta mitemo yangu, vachiita.
25. "Vachagara munyika yandakapa Jakobho muranda wangu, maigara madzibaba enyu; vachagaramo, ivo navana vavo, navana vavana vavo, nokusingaperi; Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi.
26. Ndichaitawo sungano yorugare navo, ichava sungano isingaperi navo; ndichavaisapo, nokuvawanza, nokuisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi.
27. Tabhenakeri yanguvo ichava pakati pavo; ini ndichava Mwari wavo, naivo vachava vanhu vangu.
28. Zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, anoita vaIsiraeri vatsvene, kana nzvimbo yangu tsvene iri pakati pavo nokusingaperi."

  Ezekiel (37/48)