Ezekiel (36/48)  

1. Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pamakomo aIsiraeri, uti, "Imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raJehovha."
2. Zvanzi naIshe Jehovha, "Muvengi wako zvaakati pamusoro pako, `Toko waro!' Uye, nzvimbo dzakakwirira dzekare inhaka yedu;
3. naizvozvo porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, `Nemhaka iyi, zvavakakuitai dongo, nokukumedzai kumativi ose, kuti muve nhaka yamarudzi avanhu akasara, zvamakarehwa nemiromo yavanotaura, mukaitirwa makuhwa navanhu;'
4. naizvozvo, imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo nokuhova nokumipata nokunzvimbo dzakaparadzwa nokumaguta akasiyiwa, ava chinhu chinopambwa nechinosekwa namarudzi akasara anoapoteredza;
5. naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Zvirokwazvo, ndakataura nomoto wegodo rangu pamusoro pavakasara vamarudzi napamusoro peEdhomu rose, ivo vakazvitorera nyika yangu vachiti ive nhaka yavo, vachingofara nomoyo wavo wose vachishora nemweya yavo, kuti vairasire kure ipambwe.'
6. "Naizvozvo porofita pamusoro penyika yaIsiraeri, uti kumakomo nokuzvikomo, nokuhova nokumipata, zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai ndakataura negodo rangu nokutsamwa kwangu, nokuti makashorwa namarudzi;'
7. naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Ndakapika ndichiti, zvirokwazvo marudzi anokupoteredza kwose, ndiwo achashorwa.
8. Asi imi, makomo aIsiraeri, muchabudisa matavi enyu, nokuberekera vanhu vangu vaIsiraeri michero nokuti vava kuda kusvika.'
9. Nokuti tarirai, ndinemi, ndichatsaukira kwamuri, mucharimwa nokudzvarwa;
10. ndichawanza vanhu pamusoro pako, iyo imba yose yaIsiraeri, ivo vose; maguta achagarwa, namatongo achavakwa;
11. ndichawanza pamusoro penyu vanhu nezvipfuwo, vachawanda nokuberekana; ndichagarisa vanhu mukati menyu, sezvamakanga makaita kare, nokukuitirai zvakanaka zvinopfuura zvapakuvamba kwenyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
12. Zvirokwazvo, ndichafambisa vanhu pamusoro penyu, ivo vanhu vangu vaIsiraeri; vachakuita wavo, uchava nhaka yavo, kubva zvino haungazovatoreri vana vavo.
13. "Zvanzi naIshe Jehovha, `Zvavanoti kwauri, iwe uri nyika inopedza vanhu, wakatorera rudzi rwako vana;
14. naizvozvo hauchazopedzi vanhu, kana kuzotorera rudzi rwako vana,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha;
15. handichazokunzwisi kunyadziswa kwamarudzi, haungazoshorwi navanhu, haungazogumbusi rudzi rwako," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16. Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
17. "Mwanakomana womunhu, nguva yavakagara panyika yavo, imba yaIsiraeri yakaisvibisa nomufambiro wavo nezvavaiita; mufambiro wavo pamberi pangu wakanga wakaita setsvina yomukadzi ari kumwedzi kwake.
18. Naizvozvo ndakateurira hasha dzangu pamusoro pavo nemhaka yeropa ravakateurira pamusoro penyika, zvavakaisvibisa nezvifananidzo zvavo;
19. ndikavaparadzira pakati pamarudzi, vakadzingirwa kunyika dzose; ndakavatonga zvakafanira mufambiro wavo nezvavakaita.
20. Zvino vakati vachisvika kumarudzi, kwavakaenda, vakamhura zita rangu dzvene, nokuti vanhu vakati pamusoro pavo, `Ava ndivo vanhu vaJehovha, vakabuda panyika yake.'
21. Asi ndakanga ndinehanya nezita rangu dzvene, rakanga ramhurwa neimba yaIsiraeri pakati pamarudzi kwavakaenda.
22. "Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, `Handiiti chinhu ichi nokuda kwako, iwe imba yaIsiraeri, asi nokuda kwezita rangu dzvene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda.'
23. "Zita rangu guru ndichariita dzvene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imi pakati pavo; zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandichaitwa mutsvene mamuri pamberi pavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
24. Nokuti ndichakubvisai pakati pamarudzi, nokukuunganidzai kunyika azose, ndikuisei kunyika yenyu.
25. "Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, muve vakachena; ndichakunatsai matsvina enyu ose nezvifananidzo zvenyu zvose.
26. Ndichakupaiwo moyo mutsva, nokuisa mukati menyu mweya mutsva; ndichabvisa moyo webwe panyama yenyu, ndikupei moyo wenyama.
27. "Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu, nokukufambisai nemitemo yangu; muchachengeta zvandakarayira nokuzviita.
28. Muchagara munyika yandakapa madzibaba enyu; muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.
29. Ndichakuponesai patsvina yenyu yose; ndichadana zviyo, nokuzviwanza, handingakuremedziyi nenzara.
30. Ndichawanza michero yemiti, nezvinomera muminda, kuti murege kuzoshorwa namarudzi avanhu zvichinzi mune nzara.
31. Ipapo mucharangarira mufambiro wenyu wakaipa, nezvamakaita zvisina kunaka; muchazvisema mumene pamusoro pezvakaipa zvenyu nezvinonyangadza zvenyu.
32. Handiiti izvozvi nokuda kwenyu," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha muzive izvozvo; nyarai muve nenyadzi pamusoro pomufambiro wenyu, imi imba yaIsiraeri.
33. Zvanzi naIshe Jehovha, "Nezuva randichakunatsai pazvakaipa zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta, namatongo achavakwa.
34. Nyika yakanga iri dongo icharimwa, iyo yakanga iri dongo pamberi pavose vaipfuura napo.
35. Ipapo vachati, `Nyika iyi yaiva dongo, yafanana nomunda weEdheni; maguta akanga akaparadzwa akasiyiwa aiva matongo, iwo avakirwa ogarwa.'
36. Ipapo marudzi akasara kumativi enyu ose achaziva kuti ini Jehovha, ndini ndakavaka nzvimbo idzo dzaiva matongo, ndikasimazve pakanga pakaparadzwa; ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita."
37. Zvanzi naIshe Jehovha, "Asi ndinoda kukumbirwa chinhu ichi neimba yaIsiraeri, kuti ndivaitire izvozvo; ndichavawanzira vanhu, vave seboka ramakwai.
38. Sezvakaita boka ramakwai anobayirwa Jehovha, sezvakaita boka ramakwai muJerusaremu pamitambo yakatarwa, saizvozvo maguta aiva matongo achazadzwa namapoka avanhu; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha."

  Ezekiel (36/48)