Ezekiel (33/48)  

1. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2. "Mwanakomana womunhu, taura navana vavanhu vako, uti kwavari, `Kana ndichiisa munondo panyika, vanhu venyika iyoyo vakazvitsaurira munhu pakati pavo, vakamuita nharirire yavo;
3. zvino kana iye akaona munondo uchisvika panyika, akaridza hwamanda, akanyevera vanhu;
4. ipapo ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, kana munondo ukasvika, ukamubvisa, ropa rake richava pamusoro wake, iye amene.
5. Akanzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, ropa rake richava pamusoro pake; dai akatenda kunyeverwa, angadai akaponesa mweya wake.
6. Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya, akasaridza hwamanda, vanhu vakasanyeverwa, munondo ukasvika, ukabvisa mumwe pakati pavo, wabviswa hake nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwenharirire.' "
7. "Saizvozvowo iwe Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobuda mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
8. Kana ini ndikati kune wakaipa, `Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo, iwe ukasataura kuti unyevere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.'
9. Asi kana ukanyevera wakaipa pamusoro penzira yake, uchiti atendeuke pairi, akasatendeuka panzira yake, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi iwe warwira hako mweya wako."
10. Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsiraeri, "Imi munotaura, muchiti, `Zvirokwazvo, kudarika kwedu nezvivi zvedu zviri pamusoro pedu, tinopera nokuda kwazvo; zvino tichararama seiko?'
11. "Uti kwavari, `Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsiraeri?'
12. "Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuvana vavanhu vako, `Kururama kwowakarurama hakungamurwiri nezuva rokudarika kwake; uye kana kuri kuipa kwowakaipa haangaparadzwi nako nezuva raanotendeuka pakuipa kwake; nowakarurama haangararami nako nezuva raanotadza.'
13. Kana ndichiti kunowakarurama, kuti zvirokwazvo achararama, kana akavimba nokururama kwake, akaita zvakaipa, hakuna basa rimwe rake rakarurama richarangarirwa; asi nokuda kwezvakaipa zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
14. Uyezve, kana ndikati kune wakaipa, `Zvirokwazvo uchafa;' kana akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarairwa nezvakarurama;
15. kana akaipa akadzosazve rubatso, akadzoserazve zvaakanga apamba, akafamba nemitemo youpenyu, asingaiti zvakaipa, zvirokwazvo achararama, haangafi.
16. "Hakuna chivi chimwe chake chaakaita chicharangarirwa pamusoro pake; akaita zvakarayirwa nezvakarurama, zvirokwazvo achararama.
17. "Kunyange zvakadaro vana vavanhu vako vanoti, `Nzira yaIshe haina kururama;' asi kana vari ivo, nzira yavo ndiyo isina kururama.
18. Kana akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo.
19. Uye kana akaipa akatendeuka pakuipa kwake, akaita zvakarayirwa nezvakarurama, achararama nazvo.
20. "Kunyange zvakadaro munoti, `Nzira yaIshe haina kururama.' Aiwa, imba yaIsiraeri, ndichakutonga mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake."
21. Zvino negore regumi namaviri rokutapwa kwedu, nomwedzi wegumi, nezuva reshanu romwedzi, mumwe akanga apukunyuka muJerusaremu akasvika kwandiri, achiti, "Guta rakundwa."
22. Zvino ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu madekwana, iye akapukunyuka asati asvika; akanga ashamisa muromo wangu, kusvikira iye achisvika kwandiri mangwanani; muromo wangu ukashamiswa, ndikasazova mbeveve.
23. Shoko raJehovha rikasvika kwandiri, richiti,
24. "Mwanakomana womunhu, vanhu vagere panzvimbo idzo dzakaparadzwa munyika yaIsiraeri, vanotaura vachiti, `Abhurahamu akanga ari mumwechete, akagara nhaka yenyika; asi isu tiri vazhinji, nyika yapiwesu ive nhaka yedu.'
25. "Naizvozvo chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, `Munodya nyama pamwechete neropa, muchitarira zvifananidzo zvenyu nameso enyu nokuteura ropa; zvino mungapiwa nyika sei?'
26. "Munovimba nomunondo wenyu, munoita zvinonyangadza, munochinya mumwe nomumwe wenyu mukadzi wowokwake; zvino mungapiwa nyika sei?
27. "Chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, `Noupenyu hwangu, zvirokwazvo vari panzvimbo dzakaparadzwa vachaparadzwa nomunondo, ari kubani ndichamuisa kuzvikara kuti adyiwe nazvo; vari munhare nomumapako vachafa nehosha yakaipa.
28. Nyika ndichaiita dongo nechishamiso, kuzvikudza kwayo pamusoro pesimba rayo kuchapera, namakomo avaIsiraeri achaitwa matongo, kuti kurege kuzova nomunhu unopfuura napo.'
29. "Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndaita nyika dongo nechishamiso, nokuda kwezvinonyangadza zvavo zvose zvavakaita."
30. "Asi kana uriwe, Mwanakomana womunhu, vana vavanhu vako vanokureva vari pamasvingo avo nomumikova yedzimba dzavo, vanotaurirana mumwe nomumwe achiti kuhama yake, `Douya hako, unzwe shoko rinobva kuna Jehovha.
31. Vanouya kwauri sezvinoita vanhu, vanogara pamberi pako sezvinoita vanhu vangu, vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanotaura zvorudo nemiromo yavo, asi moyo yavo inotevera fuma yavo.'
32. "Zvino tarira, iwe wakaita kwavari somunhu anovaimbira sorwiyo rworudo runoimbwa nounenzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo, nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.
33. "Zvino kana izvi zvichiitwa nokuti zvirokwazvo hazvimboregi kuitika, nenguva iyo vachaziva kuti muporofita akanga ari pakati pavo."

  Ezekiel (33/48)