| ← Ezekiel (3/48) → |
| 1. | Ipapo akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, chidya chaunowana; chidya rugwaro urwu rwakapetwa uende, undotaura neimba yaIsiraeri." |
| 2. | Ipapo ndakashamisa muromo wangu, iye akandidyisa rugwaro rwakapetwa. |
| 3. | Akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, dyisa dumbu rako, ugutise vura bwako norugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa." Ipapo ndikarudya, rukava mumukanwa wangu sohuchi nokuzipa. |
| 4. | Zvino akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsiraeri, utaure kwavari mashoko angu. |
| 5. | "Nokuti hautumwi kurudzi runo mutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, asi kuimba yaIsiraeri; |
| 6. | hautumwi kumarudzi mazhinji anomutauriro usingazikanwi norurimi rwakaoma, vausingagoni kunzwisisa mashoko avo. Zvirokwazvo, dai ndaikutuma kwavari vangadai vaikunzwa. |
| 7. | Asi imba yaIsiraeri icharamba kukunzwa, nokuti havadi kundinzwa ini, nokuti imba yose yaIsiraeri vane huma dzakaoma, nomoyo mikukutu. |
| 8. | Tarira, ndinoomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo, nehuma yako sezvakaita huma dzavo. |
| 9. | Ndakaomesa huma yako sedhaimani rinokunda musarasara; usavatya, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba." |
| 10. | Akatiwo kwandiri, "Mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichataura kwauri, uagamuchire mumoyo mako, uanzwe nenzeve dzako. |
| 11. | Famba uende kuna vari mukutapwa, kuvana vavanhu vako, utaure navo uvaudze uti, `Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kana vachida kunzwa, kana vasingadi.' " |
| 12. | Ipapo Mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu mubvumo wokuunga kukuru, zvichiti, "Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe panzvimbo yake." |
| 13. | Ndikanzwa mubvumo wamapapiro ezvipenyu, achigunzvana, nomubvumo wamakumbo engoro kumativi azvo, uri mubvumo wokuunga kukuru. |
| 14. | Ipapo Mweya wakandisimudza, ndokundibvisapo; ndikaenda ndine shungu, mweya wangu wakatsamwa; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu nesimba. |
| 15. | Zvino ndakasvika kuna vaiva mukutapwa paTeriabhibhi, vakanga vagere parwizi rwaKebhari, ipapo pavakanga vagere; ini ndikagarapo pakati pavo mazuva manomwe ndichishayiwa mashoko. |
| 16. | Zvino mazuva manomwe akati apera, shoko raJehovha rikasvika kwandiri richiti, |
| 17. | "Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharire yeimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobva mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu. |
| 18. | "Kana ini ndikati kuno wakaipa, `Zvirokwazvo uchafa,' iwe ukasamunyevera, kana kutaura zvinonyevera wakaipa panzira yake yakaipa, kuti aponese upenyu hwake, munhu uyu wakaipa achafira muzvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako. |
| 19. | Asi kana iwe ukanyevera akaipa, akasatendeuka pazvakaipa zvake, kana panzira yake yakaipa, iye achafira muzvakaipa zvake, asi iwe waponesa hako mweya wako. |
| 20. | "Uyezve, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa; zvausina kumunyevera, achafira muzvivi zvake; zvakarurama zvaakaita hazvingarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako. |
| 21. | "Asi kana ukanyevera munhu wakarurama, kuti wakarurama arege kutadza, iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nokuti wakateerera kunyeverwa, newe waponesa mweya wako." |
| 22. | Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu ipapo, akati kwandiri, "Simuka, uende kubani, ndichataura newe ipapo." |
| 23. | Zvino ndakasimuka, ndikaenda kubani, ndikaona kubwinya kwaJehovha kumirepo, kwakafanana nokubwinya kwandakaona parwizi rwaKebhari; ndikawira pasi nechiso changu. |
| 24. | Ipapo Mweya wakapinda mandiri, ukandimisa namakumbo angu, ukataura neni, ukati kwandiri, "Enda, undozvipfigira mumba mako. |
| 25. | Asi iwe, Mwanakomana womunhu, tarira, vachauya nezvisungo kwauri, vachakusunga nazvo, kuti urege kubudira pakati pavo; |
| 26. | ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nokuti ivo iimba inondimukira simba. |
| 27. | Asi kana ndichitaura newe, ndichashamisa muromo wako, iwe ugoti kwavari, `Zvanzi nalshe Jehovha, anonzwa ngaanzwe, anoramba, ngaarambe; nokuti ivo iimba inondimukira simba.' " |
| ← Ezekiel (3/48) → |