Ezekiel (29/48)  

1. Zvino negore regumi, nomwedzi wegumi, nezuva regumi namaviri romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2. "Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Farao mambo weIjipiti, uporofite pamusoro pake napamusoro peIjipiti rose.
3. Taura uti, zvanzi nalshe Jehovha, `Tarira, ndine mhaka newe, iwe Farao mambo iwe shato huru uvete pakati penzizi dzako,' ukati, `Rwizi rwangu ndorwangu, ndakazviitira irwo.'
4. Ndichaisa zvikokovonho mushaya dzako, ndichanamatidza hove dzenzizi dzako pamakwande ako, ndichakubvisa mukati menzizi dzako pamwechete nehove dzose dzenzizi dzako dzakanamatira pamakwande ako.
5. "Ndichakurashira kurenje, iwe nehove dzose dzenzizi dzako, uchawira pasi pabani pakachena, haungakokerwi kana kuunganidzwa; ndakakuisa kuzvikara zvapasi neshiri dzokudenga, uve zvokudya zvavo."
6. "Vose vagere Ijipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, nokuti vakanga vakaita setsvimbo yorutsanga kuimba yaIsiraeri.
7. Vakati vachibata ruoko rwako, iwe ukavhunika, ukatsemura mafudzi avo ose; vakati vachisendama pamusoro pako, iwe ukavhunika, ukamisa zviuno zvavo zviri zvoga.
8. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarira, ndinouyisa munondo pamusoro pako, ndichaparadza pakati pako vanhu nezvipfuwo.'
9. "Nyika yeIjipiti ichava dongo renzvimbo yakaparadzwa zvino vachaziva kuti ndini Jehovha. Zvayakati, `Rwizi ndorwangu, ndini ndakaruita,
10. naizvozvo, tarira, ndine mhaka newe uye nenzizi dzako, ndichaita nyika yeIjipiti nzvimbo yakaparadzwa chose nedongo, kubva pashongwe yeSevhene kusvikira pamuganho weItiopia.'
11. Hakuna munhu achapfuura napo norutsoka rwake, norutsoka rwechipfuo harungapfuuri napo, haingagarwi navanhu makore makumi mana.
12. Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achaitwa matongo makore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo; ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingira kunyika dzose."
13. Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, "Kana makore makumi mana apera, ndichaunganidza vaIjipiti kumarudzi avanhu kwandakanga ndavaparadzira;
14. ndichadzosazve kutapwa kweIjipiti, ndichavadzoserazve kunyika yePatirosi, kunyika kwavakaberekerwa; vachavapo hushe hwakazvidzwa.
15. Huchava ushe hunozvidzwa kupfuura ushe hwose, hahungazozvimisizve kukunda mamwe marudzi, ndichavatapudza, varege kuzotongazve mamwe marudzi paushe hwavo.
16. "Imba yalsiraeri haingazovimbi nahwo, huchindiyeudzira zvakaipa zvavo, kana vachicheukira kwavari; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha."
17. Zvino negore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
18. "Mwanakomana womunhu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, wakabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; misoro yose yakasvotorwa namafudzi ose akasvuuka; kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kupiwa mubayiro neTire pamusoro pebasa raakabata achirwa navo.
19. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, nyika yeIjipiti ndichaipa Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchatapa vanhu vayo vazhinji, nokutora zvaachapamba, nokutora zvaachatapa; ndizvo zvichava mubayiro wehondo yake.
20. Ndakamupa iye nyika yeIjipiti, uve muripo wake wezvaakabatira, nokuti vakandibatira ini,' " ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
21. "Nezuva iro ndichamedzera imba yaIsiraeri runyanga, newe ndichakupa muromo wakashamiswa pakati pavo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha."

  Ezekiel (29/48)