| ← Ezekiel (29/48) → |
| 1. | Zvino negore regumi, nomwedzi wegumi, nezuva regumi namaviri romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
| 2. | "Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Farao mambo weIjipiti, uporofite pamusoro pake napamusoro peIjipiti rose. |
| 3. | Taura uti, zvanzi nalshe Jehovha, `Tarira, ndine mhaka newe, iwe Farao mambo iwe shato huru uvete pakati penzizi dzako,' ukati, `Rwizi rwangu ndorwangu, ndakazviitira irwo.' |
| 4. | Ndichaisa zvikokovonho mushaya dzako, ndichanamatidza hove dzenzizi dzako pamakwande ako, ndichakubvisa mukati menzizi dzako pamwechete nehove dzose dzenzizi dzako dzakanamatira pamakwande ako. |
| 5. | "Ndichakurashira kurenje, iwe nehove dzose dzenzizi dzako, uchawira pasi pabani pakachena, haungakokerwi kana kuunganidzwa; ndakakuisa kuzvikara zvapasi neshiri dzokudenga, uve zvokudya zvavo." |
| 6. | "Vose vagere Ijipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, nokuti vakanga vakaita setsvimbo yorutsanga kuimba yaIsiraeri. |
| 7. | Vakati vachibata ruoko rwako, iwe ukavhunika, ukatsemura mafudzi avo ose; vakati vachisendama pamusoro pako, iwe ukavhunika, ukamisa zviuno zvavo zviri zvoga. |
| 8. | Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarira, ndinouyisa munondo pamusoro pako, ndichaparadza pakati pako vanhu nezvipfuwo.' |
| 9. | "Nyika yeIjipiti ichava dongo renzvimbo yakaparadzwa zvino vachaziva kuti ndini Jehovha. Zvayakati, `Rwizi ndorwangu, ndini ndakaruita, |
| 10. | naizvozvo, tarira, ndine mhaka newe uye nenzizi dzako, ndichaita nyika yeIjipiti nzvimbo yakaparadzwa chose nedongo, kubva pashongwe yeSevhene kusvikira pamuganho weItiopia.' |
| 11. | Hakuna munhu achapfuura napo norutsoka rwake, norutsoka rwechipfuo harungapfuuri napo, haingagarwi navanhu makore makumi mana. |
| 12. | Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achaitwa matongo makore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo; ndichaparadzira vaIjipiti pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingira kunyika dzose." |
| 13. | Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, "Kana makore makumi mana apera, ndichaunganidza vaIjipiti kumarudzi avanhu kwandakanga ndavaparadzira; |
| 14. | ndichadzosazve kutapwa kweIjipiti, ndichavadzoserazve kunyika yePatirosi, kunyika kwavakaberekerwa; vachavapo hushe hwakazvidzwa. |
| 15. | Huchava ushe hunozvidzwa kupfuura ushe hwose, hahungazozvimisizve kukunda mamwe marudzi, ndichavatapudza, varege kuzotongazve mamwe marudzi paushe hwavo. |
| 16. | "Imba yalsiraeri haingazovimbi nahwo, huchindiyeudzira zvakaipa zvavo, kana vachicheukira kwavari; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha." |
| 17. | Zvino negore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
| 18. | "Mwanakomana womunhu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, wakabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; misoro yose yakasvotorwa namafudzi ose akasvuuka; kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kupiwa mubayiro neTire pamusoro pebasa raakabata achirwa navo. |
| 19. | Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, nyika yeIjipiti ndichaipa Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchatapa vanhu vayo vazhinji, nokutora zvaachapamba, nokutora zvaachatapa; ndizvo zvichava mubayiro wehondo yake. |
| 20. | Ndakamupa iye nyika yeIjipiti, uve muripo wake wezvaakabatira, nokuti vakandibatira ini,' " ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 21. | "Nezuva iro ndichamedzera imba yaIsiraeri runyanga, newe ndichakupa muromo wakashamiswa pakati pavo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha." |
| ← Ezekiel (29/48) → |