| ← Ezekiel (28/48) → | 
| 1. | Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, | 
| 2. | "Mwanakomana womunhu, iti kumuchinda weTire, zvanzi nalshe Jehovha, `moyo wako zvawakazvikudza,' iwe ukati, `Ini ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari pakati pamakungwa,' kunyange zvakadaro, uri munhu hako, hauzi Mwari, kunyange wakamisa moyo wako somoyo waMwari; | 
| 3. | tarira, unokunda Dhanyeri pakuchenjera kwako, hakuna chakavanzika chausingazivi iwe; | 
| 4. | wakazviwanira fuma nohuchenjeri hwako uye nokuziva kwako, ukazviwanira ndarama nesirivha muzvivigiro zvefuma yako; | 
| 5. | wakawedzera fuma yako nohuchenjeri hwako hukuru uye nokushambadzira kwako, moyo wako ukazvikudza nokuda kwefuma yako; | 
| 6. | naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Zvawakamisa moyo wako somoyo waMwari,' | 
| 7. | naizvozvo tarira, ndinouyisa vatorwa pamusoro pako, ivo vanotyisa pakati pamarudzi ose; vachavhomorera kunaka kwohuchenjeri hwako minondo yavo, vachasvibisa kubwinya kwako. | 
| 8. | "Vachakuburusira kugomba; uchafa norufu rwavanourawa mumoyo wamakungwa. | 
| 9. | Ko ungazoreva pamberi pounokuuraya, uchiti, `Ndini Mwari?' Asi uri munhu, hauzi Mwari, muruoko rwaiye unokukuvadza. | 
| 10. | Uchafa norufu rwousina kudzingiswa namaoko avatorwa, nokuti ndini ndakataura izvozvo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. | 
| 11. | Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, | 
| 12. | "Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari, zvanzi nalshe Jehovha, `Iwe wokuisa chisimbiso chako pachiyero, uzere nohuchenjeri, hwakakwana pakunaka.' | 
| 13. | Wakanga uri paEdheni, mumunda waMwari; wakanga wakafukidzwa namabwe anokosha amarudzi ose, anoti, saridhio netopasi nedhaimani neberiri, neonikisi nejasipiri nesafiri nesimaragidhino nekaribhunikuri; ngoma dzako nenyere dzako dzakanga dzakaitwa nendarama mukati mako, zvakagadzirwa nezuva rokusikwa kwako. | 
| 14. | Iwe wakanga uri kerubhi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukava pamusoro pegomo dzvene raMwari; waifamba-famba pakati pamabwe omoto. | 
| 15. | Wakanga wakakwana panzira dzako kubva pazuva rokusikwa kwako, kusvikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako. | 
| 16. | Nokuwanda kwokushambadzira kwako vakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naizvozvo ndakakudzinga pagomo raMwari ndichiti uri chinhu chinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubhi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabwe omoto. | 
| 17. | moyo wako wakazvikudza nokuda kwokunaka kwako; wakaodza huchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone. | 
| 18. | Nokuwanda kwezvakaipa zvako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nzvimbo dzako tsvene; naizvozvo ndakabudisa moto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona. | 
| 19. | Vose, vanokuziva pakati pamarudzi avanhu, vachashamiswa pamusoro pako; wava chinhu chinotyisa, haungazovi chinhu nokusingaperi." | 
| 20. | Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti, | 
| 21. | "Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweSidhoni, uporofite pamusoro paro, | 
| 22. | uti, zvanzi nashe Jehovha, `Tarira, ndine mhaka newe, iwe Sidhoni; ndichakudzwa mukati mako; vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinoita mukati maro izvo zvandakatonga, ndichiitwa mutsvene mukati maro.' | 
| 23. | Nokuti ndichatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; vakakuvadzwa vachawira pasi mukati maro, kana munondo uchiuya pamusoro paro kumativi ose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha. | 
| 24. | "Hapachazovi norukato runobaya imba yaIsiraeri, kana munzwa unokuvadza pakati pavaivakomberedza, vaivashoora; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha." | 
| 25. | Zvanzi naIshe Jehovha, "Nenguva yandinenge ndaunganidza imba yaIsiraeri kumarudzi avanhu kwavakanga vakaparadzirwa, ndikaitwa mutsvene pakati pamberi pamarudzi, nenguva iyo vachagara munyika yavo yandakapa muranda wangu Jakobho. | 
| 26. | Vachagaramo vakachengetwa; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, nokusima minda yemizambiringa, vachagara vakachengetwa, kana ndaita zvandakatonga pamusoro pavose vakavapoteredza vanovashora; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo." | 
| ← Ezekiel (28/48) → |