Ezekiel (27/48)  

1. Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2. "Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, ita mariro pamusoro peTire;
3. uti kuTire, `Nhai iwe ugere pavanopinda pagungwa, iwe unoshambadzirana namarudzi avanhu pazviwi zvizhinji, zvanzi naIshe Jehovha,' iwe Tire, wakati, `Ndakakwana pakunaka.'
4. Nyika yako iri mumoyo wamakungwa; vavaki vako vakakwanisa kunaka kwako.
5. Vakaita mapuranga ako ose nemisipiresi inobva Seniri; vakatora musidhari weRebhanoni kukuitira danda rechikepe.
6. Matanda ako okukwasva nawo vakaaita nemiouki yeBhashani; vakaita zvigaro zvako pazvikepe nenyanga dzenzou dzakavezerwa mumapuranga emipaini yakabva kuzviwi zveKitimi
7. Maseiri ako aiva omucheka wakaisvonaka, wakasonerwa vukomba, aibva Ijipiti, kuti uve mureza wako; denga rako raiva romucheka mutema nomutsvuku waibva kuzviwi zveErisha.
8. "Vakanga vagere Sidhoni neArivhadhi ndivo vaiva vakwasvi vako; vanhu vako vakachenjera, iwe Tire, vakanga vari mukati mako, ndivo vaiva vafambisi vezvikepe zvako.
9. Vakuru veGebhari navakachenjera varo vaiva mukati mako vachikugadzirira paisvinirira mvura; zvikepe zvose zvegungwa zvaiva mukati mako pamwechete navafambisi vazvo kuti vashambadzirane newe.
10. "Vanhu vePerisia neRudhi nePuti vaiva muhondo yako, vaiva varwi vako; vaiturikira mukati mako nhovo dzavo nengowani dzavo; vaikuitira mbiri.
11. Varume veArivhadhi vaiva pamusoro pamasvingo ako kumativi ose pamwechete nehondo yako, nemhare dzaiva pamusoro peshongwe dzako; vaiturika nhovo dzavo pamasvingo ako kumativi ose, vaikwanisa kunaka kwako.
12. "Tarishishi raishambadzirana newe nokuda kwefuma zhinji yamarudzi ose, vakatenga nhumbi dzako nesirivha nedare netini nomutobvu.
13. Nyika dzeJavhani, Tubhari, neMesheki ndivo vaitengerana newe, vaitenga nhumbi dzako nemiviri yavanhu nemidziyo yendarira.
14. Veimba yaTogarima vakatenga nhumbi dzako namabhiza namabhiza ehondo namahesera.
15. Varume veDhedhani ndivo vaitengerana newe; zvivi zvizhinji zvaiva nzvimbo pawaitengesa noruoko rwako; vaiuya nenyanga dzenzou namatanda omushuma kuzotsinhanha newe.
16. Nyika yeSiria yaishambadzirana newe nokuda kwezvizhinji zvako zvakaitwa namaoko; vakatenga nhumbi dzako namabwe esimaragidhino, nomucheka mutema, nezvakarukwa, nomucheka wakaisvonaka, nekorari, namabwe anovaima.
17. Judha nenyika yaIsiraeri ndivo vaitengerana newe; vaitenga nhumbi dzako nezviyo zveMiniti, nezvinotapira, nohuchi, namafuta, nebharisami.
18. Dhamasiko raishambadzirana newe richitenga zvizhinji zvako zvakaitwa namaoko, nokuda kwefuma zhinji yamarudzi ose, newaini yeHeribhoni nemvere chena.
19. Nyika dzeVedhani neJavhani dzakatenga nhumbi dzako nechinda; dare rinobwinya, nekasia, nekaramo ndizvo zvakanga zviri pakati penhumbi dzako.
20. "Dhedhani raikutengesera micheka inokosha yokutasvisa mabhiza nayo.
21. Nyika yeArabhia namachinda ose enyika yeKedhari ndivo vaitenga pamaoko enyu; makwayana namakondohwe nembudzi ndizvo zvavaitenga kwauri.
22. Vatengesi veShebha neRaama ndivo vaitengerana newe; vaishambadzira nhumbi dzako nezvinonhuwira zvakaisvonaka, namabwe ose anokosha, nendarama.
23. Harani neChane neEdheni ivo vatengesi veShebha neAshuri neKirimadhi ndivo vaitengerana newe.
24. Ndivo vaitengerana newe nenhumbi dzakatsaurwa, nenguvo dzemicheka mitema nezvakarukwa, namabhokisi ezvokufuka zvinokosha, akasungwa namabote, akavezwa nemisidhari, pakati penhumbi dzako.
25. Zvikepe zveTarishishi ndizvo zvaitakura nhumbi dzako, iwe ukazadzwa, ukaitirwa mbiri mumoyo yamakungwa.
26. Vakwasvi vako vakakuisa kumvura zhinji; mhepo yokumabvazuva yakakuputsa mumoyo wamakungwa.
27. fuma yako, nenhumbi dzako, nezvokutengesa zvako, vafambisi vezvikepe zvako, navarairi vazvo, navagadziri vako panosinirira mvura, navashambadziri venhumbi dzako, navarwi vako vose, vari mukati mako, navanhu vako vazhinji vari mukati mako, zvose zvichawira mumoyo wamakungwa nezuva rokuparadzwa kwako.
28. Mafungu achadengenyeka nomubvumo wokudanidzira kwavarairi vezvikepe zvako.
29. Vose vanobata namatanda okukwasva, ivo vafambisi navarairi vose vapagungwa, vachaburuka pazvikepe zvavo; vachamira pamhenderekedzo,
30. vachadana namanzwi avo pamusoro pako, vachachema kwazvo ; vachikushira guruva pamisoro yavo; vachaumburukira, mumadota;
31. vachazvivevurira misoro nokuda kwako, vachazvisunga zvivuno namasaga, vachikuchema nemweya ine shungu kwazvo nokuchema kukuru.
32. Pakuchema kwavo vachakuitira mariro, vachachema pamisoro pako, vachiti, `Ndianiko wakatongofanana neTire, wakaita saiye wakaparadzwa mukati megungwa?
33. Panguva yakaenda nhumbi dzako kumakungwa, wakagutisa vanhu vazhinji; wakafumisa madzimambo enyika nefuma yako zhinji nezvawaitengesa.
34. Panguva yawakaputswa namakungwa mukati memvura zhinji yakadzika, nhumbi dzako navanhu vako vose zvakawira pasi mukati mako.
35. Vose vagere pazviwi vanoshamiswa pamusoro pako, madzimambo avo anotya kwazvo; zviso zvavo zvinodedera.
36. Vatengesi pakati pamarudzi avanhu vanokuridzira muridzo, wava chinhu chinotyisa, haungatongozovipo.' "

  Ezekiel (27/48)