Ezekiel (26/48)  

1. Zvino negore regumi nerimwe, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2. "Mwanakomana womunhu, Tire zvarakati pamusoro peJerusaremu, `Toko waro ! Raputsika, iro raiva suo ramarudzi; roringira kwandiri, zvino ini ndichazadzwazve, iro zvaraitwa dongo.'
3. "Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Tarira, ndine mhaka newe, iwe Tire, ndichauyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, sezvinouyisa gungwa mafungu aro.
4. Vachaparadza masvingo eTire, nokukoromora shongwe dzaro; ndicharitsvairira guruva raro, riite soruware rusine chinhu.
5. Richava nzvimbo panonikwa mimbure pakati pegungwa, nokuti ndakazvitaura ini,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; richava kumarudzi sechinhu chakapambwa.
6. Vakunda varo vari kuruwa vachaurawa nomunondo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha."
7. Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, "Tarirai, ndichauyisira Tire Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva kurutivi rwokumusoro ana mabhiza nengoro navatasvi vamabhiza, nehondo navanhu vazhinji.
8. Iye achauraya nomunondo vakunda vako vari kuruwa, achakuvakira nhare dzokurwa newe, nokukututira murwi wokurwa.
9. Achamisa zvokugumura pamasvingo ako, achakoromora shongwe dzako nematombo.
10. "Nokuwanda kwamabhiza ake guruva rawo richakufukidza; masvingo ako achadengenyeka nomutsindo wavatasvi vamabhiza, namakumbo engoro, nengoro, panguva yaachapinda pamasuo ako, somupindirwo weguta rakakoromorerwa rusvingo.
11. "Achatsika nzira dzako dzose dzomuguta namahwanda amabhiza ake, achauraya vanhu vako nomunondo, neshongwe dzinoratidza simba renyu dzichawira pasi.
12. Vachapamba fuma yako nokukutorera zvokushambadzira zvako, vachakoromora masvingo ako, nokuparadza dzimba dzako dzinofadza; vachaisa mabwe ako namatanda ako neguruva rako mukati memvura zhinji.
13. "Ndichagumisa manzwi enziyo dzako, kurira kwembira dzako hakungazonzwiki.
14. Ndichakuita ruware rusine chinhu, uchava nzvimbo panonikwa mimbure; hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura," ndizvo zvinotaura Jehovha.
15. Zvanzi naIshe Jehovha kuTire, "Ko zvivi hazvingadengenyeki here nokutinhira kwokuwa kwako, kana vanhu vako vakakuvadzwa vachigomera, kana vanhu vachiurawa mukati mako here?
16. Nenguva iyo machinda ose okugungwa achaburuka pazvigaro zvawo zvovushe, vachaisa pasi nguvo dzavo dzovushe nokubvisa zvokufuka zvavo zvakarukwa; vachafuka kudedera, vachagara pasi vachingodedera vachishamiswa pamusoro pako.
17. "Vachaita mariro pamusoro pako, vachiti kwauri, `Aiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakanga wakagarwa navanhu vaiziva kufamba negungwa, iro guta rakanga rine mbiri, rakanga rine simba pagungwa, iro navanhu varo, vaityisa vose vagereko.'
18. "Zvino zvivi zvichadengenyeka nezuva rokuwa kwako; zvirokwazvo, zvivi zviri mugungwa zvichavhunduka nokubviswa kwako.
19. Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, `Nenguva yandichakuita guta dongo, sezvakaita maguta asina vanhu, nenguva yandichauyisa gungwa rakadzika pamusoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji;
20. nenguva iyo ndichakuburusa pamwechete navanoburukira mugomba, kuvanhu vekare; ndichakugarisai panzvimbo dziri pasi dzenyika, pakanga panamatongo kare nakare, pamwechete navanoburukira mugomba, kuti urege kugarwa navanhu; asi ndichaisa mufaro munyika yavapenyu.'
21. "Asi iwe ndichakuita chinhu chinotyisa, haungazovipo; kunyange ukatsvakwa, haungawanikwizve nokusingaperi," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

  Ezekiel (26/48)