Ezekiel (25/48)  

1. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2. "Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuvana vaAmoni, uporofite pamusoro pavo;
3. Uti kuvana vaAmoni, "Inzwai shoko raIshe Jehovha,' zvanzi naIshe Jehovha, imi zvamakati, `Toko!' Pamusoro penzvimbo yangu tsvene, panguva yokumhurwa kwayo, napamusoro penyika yaIsiraeri panguva yokuitwa kwayo dongo, napamusoro peimba yaJudha, panguva yokutapwa kwavo;
4. naizvozvo tarirai, ndichakuisai kuvana vamabvazuva muve vavo, vachaisa misasa yavo pakati penyu, vachavaka dzimba dzavo pakati penyu; vachadya michero yenyu, nokunwa mukaka wenyu.
5. Rabha ndichariita mafuro emakamera, nenyika yavana vaAmoni nzvimbo inovata makwai; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
6. Nokuti zvanzi nalshe Jehovha, `Zvamakarovanya maoko enyu, nokutsikisa netsoka dzenyu, mukafara pamusoro penyika yaIsiraeri muchivazvidza nemweya yenyu yose;
7. zvino tarirai, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro penyu, ndichakuisai kumarudzi muve sechinhu chakapambwa; ndichakubvisai pakati pamarudzi, ndichakupedzai panyika dzose; ndichakuparadzai, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.' "
8. Zvanzi naIshe Jehovha, "Moabhu naSeiri zvavanoti, `Tarirai, imba yaJudha yakafanana namarudzi ose,'
9. naizvozvo, tarirai, ndichazarura rutivi rwenyika yaMoabhu kubva kumaguta, kubva kumaguta aro ari kumiganho yaro, ihwo hukomba hwenyika, anoti: Bhetijeshimoti neBhaarimeoni neKiriataimi,
10. ndichazvipa vana vokumabvazuva, pamwechete navana vaAmoni, ive yavo, kuti vana vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pamarudzi;
11. ndichatonga Moabhu; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha."
12. Zvanzi naIshe Jehovha, "Edhomu zvavakatsiva imba yaJudha, vakapara mhaka kwazvo, vakazvitsivira kwavari;
13. naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro paEdhomu, ndichaparadzapo vanhu nezvipfuwo, ndichaiita dongo kubva paTemani, vachaurawa nomunondo kusvikira paDhedhani.'
14. "Ndichazvitsivira kuna Edhomu namaoko avanhu vangu Isiraeri; vachaitira Edhomu zvakarehwa nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, vachaziva kutsiva kwangu," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15. Zvanzi naIshe Jehovha, "VaFirisitia zvavakazvitsivira, vakatsiva vachizvidza nemweya yavo, vachida kuparadza nokuvenga kusingaperi,
16. naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavaFirisitia, ndichabvisa vaKereti nokuparadza vakasara pamhenderekedzo dzegungwa.
17. Ndichazvitsivira kwavari nokutsiva kukuru nokutuka kwehasha; vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiuyisa kutsiva kwangu pamusoro pavo.' "

  Ezekiel (25/48)