Ezekiel (24/48)  

1. Zvino negore repfumbamwe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2. "Mwanakomana womunhu, nyora zita nezuva, rezuva iro rino. Mambo weBhabhironi akaswedera Jerusaremu nezuva irero.
3. "Ureve mufananidzo kuimba inondimukira, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, `Gadza gate, rigadze, udirewo mvura mariri;
4. unganidziramo nhindi dzaro, ndindi dzose dzakanaka, chidya nebandauko, rizadze namapfupa akasanangurwa.
5. Tora rakasanangurwa pakati pamakwai, nesvinga rehuni pasi pamapfupa, rivirise kwazvo, mapfupa aro abikwe mukati maro.' "
6. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Guta reropa rine nhamo, negate rine ngura mukati maro, risina kubvisirwa ngura yaro! Budisamo nhindi imwe neimwe; rigere kutongerwa.
7. Nokuti ropa raro riri mukati maro, rakariisa paruware rusine chinhu, harina kuridururira pasi, kuti ririfukidze neguruva.
8. Ndakaisa ropa raro paruware rusine chinhu, rirege kufukidzwa, kuti hasha dzangu dzimutswe kuzotsiva."
9. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Guta rine ropa, rine nhamo! Ndichakurisawo svinga rehuni.
10. "Tutirai huni, pfutidzai moto, bikai nyama zvakanaka, kodzai muto, mapfupa atsve.
11. Zvino urigadze pamazimbe awo risina chiro, ripise, ndarira yaro itsvuke, matsvina aro anyauke mukati maro, kuti ngura yaro ipere.
12. Rakandinetsa nokubata zvikuru; kunyange zvakadaro ngura yaro haibvi mukati maro; ngura yaro ngaiiswe mumoto!
13. "Tsvina yako ine zvakashata; zvandakakunatsa, ukasanatswa, haungazonatswi patsvina yako, kusvikira ndanyaradza hasha dzangu pamusoro pako.
14. Ini Jehovha ndakazvitaura, zvichaitika, ini ndichazviita, handingadzoki, handingapembedzi, kana kuzvidemba; vachakutonga sezvakafanira nzira dzako, sezvakafanira zvawakaita," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15. Zvino shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri richiti,
16. "Mwanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unodikanwa nameso ako, asi haufaniri kuchema kana kuungudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera.
17. "Gomera, asi ngazvirege kunzwika, usachema wakafa; sungira zvishongo mumusoro wako, upfeke shangu dzako patsoka dzako; usapfumbira muromo wako, kana kudya zvokudya zvavanhu."
18. Ipapo ndakataura navanhu mangwanani, madekwana mukadzi wangu akafa, ndikaita mangwanani sezvandakarayirwa.
19. Zvino vanhu vakati kwandiri, "Ko haungatiudziwo kuti zvinhu izvi zvinoti kudini kwatiri, zvaunoita zvakadaro here?"
20. Zvino ndikati kwavari, "Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
21. â€˜Taura neimba yaIsiraeri,' uti zvanzi naIshe Jehovha `Tarirai, ndichamhura imba yangu tsvene, yamunozvikudza nayo muchiti isimba renyu, inodikanwa nameso enyu, inonzwira tsitsi nemweya yenyu; vanakomana venyu navanasikana venyu vamakasiya, vachaurawa nomunondo.'
22. "Ipapo muchaita sezvandakaita ini, hamungapfumbiri miromo yenyu, kana kudya zvokudya zvavanhu.
23. Zvishongo zvenyu zvichava pamisoro yenyu, neshangu dzenyu patsoka dzenyu; hamungachemi kana kuungudza, asi muchapera muzvakaipa zvenyu, muchigomerana.
24. Saizvozvo Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; zvose zvaakaita iye, nemi muchazviitawo; kana zvichisvika, muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha."
25. "Zvino kana uriwe, mwanakomana womunhu, nomusi wandichavatorera simba ravo, ivo mufaro wechakanaka chavo, chinodikanwa nameso avo, icho chinodikanwa nemweya yavo, vanakomana vavo navanasikana vavo,
26. ko nomusi uyo unopukunyuka haangauyi kwauri kuti akuudze izvozvo munzeve dzako here?
27. Nomusi uyo muromo wako uchashamisirwa wakapukunyuka, uchataura, haungazovi mbeveve; saizvozvo uchava chiratidzo kwavari; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha."

  Ezekiel (24/48)