Ezekiel (23/48)  

1. Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2. "Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe;
3. ivo vakapata muIjipiti, vakapata vachiri vaduku; mazamu avo akanyangatwa ipapo, minyatso yohumhandara hwavo yakabatwa-batwapo.
4. "Mazita avo akanga ari Ohora, mukuru, naOhoribha munun’una wake; ivo vakazova vangu, vakabereka vanakomana navanasikana. Zvino kana ari mazita avo, Samaria ndiOhora, Jerusaremu ndiOhoribha.
5. Ohora wakapata, ari wangu, akadana navadikanwi vake, ivo vaAsiria vaigara pedo naye,
6. vaifuka micheka mitema, vaiva vabati namadzishe, ose ari majaya anodikanwa, vatasvi vaifamba namabhiza.
7. Iye akapata navo, ivo varume vakatsaurwa vose pakati peAsiria, zvino waizvisvibisa nezvifananidzo zvavose vaidikanwa naye.
8. "Uye haana kuzorega kupata kwake kwaakabva nako Ijipiti; nokuti varume vakavata naye achiri muduku, vakabatabata minyatso yohumhandara hwake, vakadurura hupombwe hwavo pamusoro pake.
9. "Naizvozvo ndakamuisa mumaoko avadikanwi vake, mumaoko avaAsiria, vaakadana navo.
10. Ivo vakafukura kunyadza kwake, vakatora vanakomana navanasikana vake, vakamuuraya iye nomunondo, zita rake rikazosekwa pakati pavakadzi; nokuti vakamutonga.
11. "Zvino munun’una wake Ohoribha wakazviona hake, kunyange zvakadaro iye wakanga akanyanya pakudana kwake navadikanwi, uye kupata kwake kwakapfuura kupata kwomukuru wake.
12. "Iye akadana navaAsiria, vaiva vabati namadzishe, vaigara pedo naye, vakafuka zvakaisvonaka kwazvo, vari vatasvi vanofamba namabhiza, ose ari majaya anodikanwa.
13. Zvino ndakaona kuti wasvibiswa; ivo vose vakafamba nenzira imwe.
14. "Akawedzera kupata kwake; nokuti wakaona zvifananidzo zvavarume pamadziro, zviri zvifananidzo zvaKaradhea, zvakaitwa nomuti mutsvuku,
15. vakasunga zviuno zvavo nebhanhire, vane ngowani dzemicheka pamisoro yavo, vose vakaita samachinda kana vachionekwa, vakafanana navaBhabhironi paKaradhea, iyo nyika yokuberekwa kwavo.
16. Zvino wakati achivaona, akavada kwazvo, akatuma nhume kwavari paKaradhea.
17. VaBhabhironi vakauya kwaari ari panhovo dzorudo, vakamusvibisa nohupombwe hwavo, iye akasvibiswa pamwechete navo, mweya wake ukazorambana navo.
18. "Zvino wakati afukura kupata kwake, nokufukura kunyadza kwake, mweya wangu ukarambana naye, mweya wangu sezvawakarambana nomukuru wake.
19. "Kunyange zvakadaro akaramba achiwedzera kupata kwake, achirangarira mazuva ohuduku hwake, aakapata nawo panyika yeljipiti.
20. Akadana zvikuru navadikanwi vake, vane nyama yakaita senyama yembongoro, uye zvinobudiswa navo zvakaita sezvinobudiswa namabhiza.
21. Zvino ukayeudzwa zvakashata zvohuduku hwako, panguva yawakabatwa-batwa minyatso yako navaIjipiti nokuda kwamazamu ohumhandara hwako.
22. "Naizvozvo iwe Ohoribha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarira, ndichakumutsira vadikanwi vako, vakazorambwa nomweya wako, ndichavauyisa kwauri kuzorwa newe kumativi ose;
23. vanoti, vaBhabhironi, navaKaradhea vose, Pekodhi naShoa naKoa, navaAsiria pamwechete navo, iwo majaya anodikanwa, vose vari vabati namadzishe, machinda navarume vane mbiri, vose vakatasva mabhiza.
24. Vachauya kuzorwa newe nenhumbi dzokurwa, nengoro, nezvinofamba namakumbo engoro, neboka ravanhu vazhinji; vachazvirongedza kuzorwa newe nenhovo huru nenhovo duku nengowani kumativi ose; ini ndichavapa simba rokutonga, vakutonge nokutonga kwavo.
25. Ndichamutsa godo rangu kuzorwa newe, ivo vakuitire hasha; vachabvisa mhino dzako nenzeve dzako, vakasara kwauri vachaurawa nomunondo, vachatora vanakomana vako navanasikana vako; vakasara kwauri vachapera nomoto.
26. Vachakubvisirawo nguvo dzako, nokukutorera hukomba hwako hwakanaka.
27. "Saizvozvo ndichakugumisira zvakashata zvako nokupata kwako kwawakabva nako kunyika yeIjipiti, kuti urege kuzozvitarirazve nameso ako, kana kuzorangarira Ijipiti.
28. "Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuisa mumaoko avaunovenga, mumaoko aivo vakarambwa nomweya wako;
29. ivo vachakuitira ruvengo, vachakutorera zvose zvawakabatira, vakakurega usina chawakafuka wakashama; kunyadza kwokupata kwako kuchafukurwa, zvakaipa zvako pamwechete nokupata kwako.'
30. "Uchaitirwa zvinhu izvi nemhaka yokuti wakapata namarudzi avanhu, uye nemhaka yokuti wakasvibiswa nezvifananidzo zvavo.
31. Iwe wakafamba nenzira yomukuru wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.
32. "Zvanzi naIshe Jehovha, `Uchanwira pamukombe womukuru wako, wakadzika mukuru; uchasekwa nokudadirwa, nokuti iwe une zvizhinji zvirimo.
33. Uchazara nokubatwa nokuchema; mukombe womukuru wako Samaria mukombe wokushamiswa nokuparadzwa.
34. Uchaunwa nokuupedza chose, uchatsenga zvaenga zvawo, nokubvanzura mazamu ako; nokuti ndini ndakataura izvozvo,' " ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
35. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Zvawakandikanganwa, ukandirasira shure kwako, naizvozvo chiva nemhosva yezvakashata zvako, neyokupata kwako."
36. Jehovha akatiwo kwandiri, "Mwanakomana womunhu, chitonga Ohora naOhoribha, uvazivise zvinonyangadza zvavo.
37. "Nokuti wakafeva, ropa riri pamaoko avo; wakafeva nezvifananidzo zvavo; vakapinzawo vanakomana vavo vavakandiberekera mumoto, kuti zvidyiwe nazvo.
38. Vakandiitirawo chinhu ichi, vakasvibisawo nzvimbo yangu tsvene nezuva iro, vakamhura maSabata angu.
39. "Nokuti vakati vabayira zvifananidzo zvavo vana vavo, vakapinda nezuva iro munzvimbo yangu tsvene kuti vaimhure; tarirai, ndizvo zvavakaita mukati meimba yangu.
40. "Makatumawo nhume kundodana varume vanobva kure nhume yakatumwako kwavari ivo vakauya, iwe ukazvishamba nokuda kwavo, ukazodza meso ako nomuti, nokuzvishongedza nezvishongo,
41. ukagara panhovo dzakaisvonaka, dzakanga dzakagadzirirwa tafura pamberi padzo, pawakagadzika zvinonhuwira zvangu namafuta angu.
42. Inzwi ravazhinji vakanga vachifara rakanga rinaye; zvino pamwechete navarume vakabva kuvazhinji, vakauya navakariri vedoro, vaibva kurenje, vakaisa zvishongo pamaoko avo, nekorona dzakanaka pamisoro yavo."
43. Zvino ndakati kuna iye akanga apera nokufeva kwake, "Zvino vachaita hupombwe naye, naiye navo.
44. "Ipapo vakapinda kwaari, sezvavanopinda kuchifeve; saizvozvo vakapinda kuna Ohora naOhoribha, ivo vakadzi vakashata.
45. Naizvozvo varume vakarurama vachavatonga sezvinotongwa zvifeve, sezvinotongwa vakadzi vakateura ropa, nokuti zvifeve, ropa riri pamaoko avo."
46. Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, "Ndichauyisa boka ravarwi kuzorwa navo, ndichavaregera kuti vadzungaidzwe kwose-kwose vapambwe.
47. Boka iro richavataka namabwe, nokuvabaya neminondo yavo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo, nokupisa dzimba dzavo nomoto.
48. Saizvozvo ndichagumisa zvakashata panyika, kuti vakadzi vose vadzidziswe kuti varege kutevera zvakashata zvenyu.
49. Vachakutsivirai zvakashata zvenyu, imi muchava nezvivi zvezvifananidzo zvenyu, zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha."

  Ezekiel (23/48)