| ← Ezekiel (22/48) → |
| 1. | Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, |
| 2. | "Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tonga, chitonga guta reropa, urizivise zvinonyangadza zvaro zvose. |
| 3. | Uti zvanzi naIshe Jehovha, `Iwe guta, rinoteura ropa mukati maro, kuti nguva yaro isvike, rinozviitira zvifananidzo, kuti risvibiswe nazvo!' |
| 4. | Wapara mhaka nokuda kweropa rako rawakateura, wasvibiswa nezvifananidzo zvawakaita; waswededza mazuva ako, wasvika pamakore ako; naizvozvo ndakakuita chinhu chinoshorwa pamberi pamamwe marudzi, nechinosekwa nenyika dzose. |
| 5. | Vari pedo newe, navari kure, vachakuseka, iwe unezita rakasvibiswa, uzere nebope. |
| 6. | "Tarira, machinda aIsiraeri akapinda mukati mako, mumwe nomumwe nesimba rake, kuzoteura ropa. |
| 7. | Baba namai vakazvidzwa mukati mako, vatorwa vakamanikidzwa mukati mako, nherera nechirikadzi dzakaitirwa zvakaipa mukati mako. |
| 8. | Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene, wakamhura maSabata angu. |
| 9. | Vanhu vana makuhwa vakapinda mukati mako kuzoteura ropa, vakadya pamusoro pamakomo mukati mako, vakaita zvinonyadzisa mukati mako. |
| 10. | Vakafukura kunyadza kwamadzibaba avo mukati mako, vakaninipisa mukati mako mukadzi wakanga asina kunaka nokuva kumwedzi kwake. |
| 11. | Mumwe akaita zvinonyangadza nomukadzi womunun’una wake, mumwe wakachinyira mukadzi womwana wake, mumwezve mukati mako wakaninipisa hanzvadzi yake, mukunda wababa vake. |
| 12. | Vakagamuchira zvipo mukati mako kuzoteura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemichero, wakazvifumisa uchimanikidza wokwako, ukandikanganwa," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 13. | "Naizvozvo, tarira, ndakarovanya maoko angu pamusoro pefuma yako yawakawana nokunyengera, napamusoro peropa rako rakanga riri mukati mako. |
| 14. | Ko moyo wako ungatsunga, kana maoko ako angasimba here pamazuva andichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita. |
| 15. | "Ndichakuparadzira pakati pamarudzi, nokukudzingira kunyika dzose; ndichapedza tsvina yako mukati mako. |
| 16. | "Uchazvimhurisa pamberi pamamwe marudzi; zvino uchazoziva kuti ndini Jehovha." |
| 17. | Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
| 18. | "Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri yaita samarara kwandiri; vose vakaita sendarira netini nedare nomutobvu mukati mevira; vakaita samarara esirivha |
| 19. | Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Mose zvamava marara, naizvozvo, tarirai, ndichakuunganidzirai mukati meJerusaremu. |
| 20. | Sezvavanounganidzira sirivha nendarira nedare nomutobvu netini mukati mevira, kuti vapfutidzire moto pamusoro pazvo, vazvinyause, saizvozvo ndichakuunganidzai nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikuiseimo, ndikunyausei. |
| 21. | Zvirokwazvo, ndichakuunganidzai, nokupfutidza moto wehasha dzangu pamusoro penyu; muchanyauswa mukati maro. |
| 22. | Sirivha sezvainonyauswa mukati mevira, saizvozvo imi muchanyauswa mukati maro; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakadurura hasha dzangu pamusoro penyu.' |
| 23. | Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
| 24. | "Mwanakomana womunhu uti kwairi, `Iwe uri nyika isina kunatswa, isina kunisirwa mvura nezuva reshungu dzangu.' |
| 25. | Vaporofita vayo vakaita rangano mukati mayo; seshumba inoomba ichibvanzura chayabata, saizvozvo vakapedza mweya yavanhu; vakatora fuma nezvinokosha, vakawanza chirikadzi mukati mayo. |
| 26. | Vapirisiti vayo vakaparadza murayiro wangu, vakamhura zvinhu zvangu zvitsvene; havana kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, kana kuzivisa vanhu kusiyana kwezvisina kunaka nezvakanaka, vakatsinzina meso avo varege kuona maSabata angu; ini ndamhurwa pakati pavo. |
| 27. | Machinda ayo mukati mayo vakafanana namapere anobvanzura zvaabata, vachiteura ropa nokuparadza mweya, kuti vawane fuma vachinyengera. |
| 28. | "Vaporofita vayo vakavayuwira nesuko, vachiona zvinonyengera nokuvaukira zvenhema vachiti, `Zvanzi naIshe Jehovha, izvo Jehovha haana kutaura.' |
| 29. | "Vanhu venyika vakamanikidza nokupamba; zvirokwazvo vakatambudza varombo navanoshayiwa, vakamanikidza mutorwa asina mhaka hake. |
| 30. | Zvino ndakatsvaka pakati pavo munhu angagadzira rusvingo, angamira pakakoromoka pamberi pangu achirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina kuwana nomumwe. |
| 31. | Naizvozvo ndakadurura shungu dzangu pamusoro pavo; ndakavapedza nomoto wehasha dzangu; ndakauyisa zvavakaita pamisoro yavo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| ← Ezekiel (22/48) → |