| ← Ezekiel (21/48) → | 
| 1. | Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, | 
| 2. | "Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweJerusaremu, udonhedze shoko rako kurutivi rwenzvimbo tsvene, uporofite pamusoro penyika yaIsiraeri, | 
| 3. | uti kunyika yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, `Tarira, ndine mhaka newe, ndichavhomora munondo wangu mumuhara wawo, ndichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa. | 
| 4. | Zvino zvandichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara wawo kundorwa nevanhu vose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro; | 
| 5. | vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndakavhomora munondo wangu mumuhara wawo; hauchazodzokeripozve. | 
| 6. | Naizvozvo, gomera, iwe Mwanakomana womunhu, gomera pamberi pavo, chiuno chako chivhunike nokuchema kukuru kuvepo.' | 
| 7. | "Zvino kana vachiti kwauri, `Unogomera neiko?' Uti kwavari, `Nemhaka yamashoko, nokuti anouya; moyo mumwe nomumwe uchanyauka, maoko ose achashayiwa simba, mweya mumwe nomumwe uchati rukutu, mabvi ose achashayiwa simba semvura; tarirai, anouya, achaitika,' " ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. | 
| 8. | Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, | 
| 9. | "Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naJehovha, iti `Munondo, munondo! Warodzwa, wabwinyiswa; | 
| 10. | warodzwa, kuti uuraye, wabwinyiswa, kuti uve semheni; zvino isu tingagofara here? Itsvimbo yohushe yomwanakomana wangu, inozvidza miti yose.' | 
| 11. | Wakapiwa kuti ubwinyiswe, kuti ubatwe nawo; munondo warodzwa, zvirokwazvo wabwinyiswa, kuti uiswe muruoko rwomuurayi. | 
| 12. | Chema, uungudze, iwe Mwanakomana womunhu, nokuti iwe uri pamusoro pavanhu vangu, uri pamusoro pamachinda ose aIsiraeri, akaiswa kumunondo pamwechete navanhu vangu; naizvozvo uzvirove pahudyu. | 
| 13. | "Nokuti kuidzwa kwavapo; zvino todiniko kana iwo munondo, unozvidza, waperawo? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. | 
| 14. | "Zvino Mwanakomana womunhu, porofita, rovanya maoko ako; munondo ngauwedzerwe kusvikira katatu, iwo munondo wavakakuvadzwa zvikuru; ndiwo munondo womukuru, wakakuvadzwa zvikuru, unovamanikidza. | 
| 15. | Ndakaisa munondo wakavhomorwa pamisuo yavo yose, kuti moyo yavo inyauswe, nokugumburwa kwavo kuwande; aiwa! Wakaitwa semheni, wakatesvererwa kuuraya. | 
| 16. | Zvirongedze, iwe munondo, enda kurudyi, zvigadzire uende kuruboshwe, kwose kunotarira mativi ako akarodzwa. | 
| 17. | "Neniwo ndicharovanya maoko angu, ndichanyaradza hasha dzangu; ini Jehovha, ndakazvitaura." | 
| 18. | Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, | 
| 19. | "Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, chizvitarira nzira mbiri, dzingauya nadzo munondo wamambo weBhabhironi idzedzo mbiri dzinofanira kubva kunyika imwe; zvino uveze ruoko, uruvezere pakuvamba kwenzira inoenda kuguta. | 
| 20. | Utare nzira, ingauya nawo munondo, kusvikira Rabha ravana vaAmoni, naJudha mukati meJerusaremu rakakombwa norusvingo. | 
| 21. | Nokuti mambo weBhabhironi akanga amire pamharadzano dzenzira, pakuvamba kwenzira mbiri, kuti abvunze nokuuka, akazunungusa miseve, akabvunza terafimi, ndokucherekedza chiropa. | 
| 22. | Muruoko rwake rworudyi makanga mune zvakaukwa pamusoro peJerusaremu, kuti vaise zvokugumura, vashamise muromo unodanira kuuraya, vadanidzire kwazvo namanzwi, vaise zvokugumura pamasuo, vatutire mirwi yokurwa, vavakire nhare dzokurwa. | 
| 23. | Asi zvichava kwavari sokuuka kwenhema pamberi pavo, ivo vakavapikira mhiko; asi iye acharangarira kusarurama kwavo, kuti vabatwe. | 
| 24. | "Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu zvakwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa pane zvose zvamunoita, zvamakarangarirwa, muchabatwa noruoko.' | 
| 25. | "Zvino iwe, iwe wakaipa, wakakuvadzwa zvikuru, muchinda waIsiraeri, wakasvikirwa nezuva rako panguva yezvakaipa zvokupedzisira, | 
| 26. | zvanzi naIshe Jehovha, `Ngowani yohupirisiti inofanira kubva, korona inofanira kubva, hazvingarambi zviripo; kwiridzai zviri pasi, muderedze zviri kumusoro.' | 
| 27. | "Matongo, matongo, ndichazviita matongo, nezvizvi hazvingarambi zviripo, kusvikira iye mwene wazvo achisvika; ndichamupa iye izvo. | 
| 28. | "Zvino iwe Mwanakomana womunhu, chiporofita, uti zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavana vaAmoni, pamusoro pokushorwa kwavo; iwe uti, `Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyisirwa kuuraya, kuti upedze, uve semheni,' | 
| 29. | vachikuonera zvakaratidzwa zvenhema, vachikuvukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yavakaipa vakakuvadzwa zvikuru, vasvikirwa nezuva ravo panguva yezvakaipa zvokupedzisira. | 
| 30. | "Ngaudzoserwe mumuhara wawo. Apo pawakasvikwa iwe, panyika yawakaberekerwa, ndipo pandichakutonga. | 
| 31. | "Ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichafuridzira pamusoro pako nomoto wehasha dzangu, ndichakuisa mumaoko avanhu vanopenga, vanoziva kwazvo kuparadza. | 
| 32. | Iwe uchava huni dzomoto; ropa rako richava pakati penyika; hauchazorangarirwi, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura." | 
| ← Ezekiel (21/48) → |