Ezekiel (20/48)  

1. Zvino negore rechinomwe, nomwedzi wechishanu, nezuva regumi romwedzi, vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu.
2. Shoko raJehovha rikasvika kwandiri, richiti,
3. "Mwanakomana womunhu, taura navakuru vaIsiraeri, uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, mauya kuzondibvunza ini here? Noupenyu hwangu,' ndizvo zvinotaura Jehovha handidi kubvunzwa nemi.
4. Chivatonga, Mwanakomana womunhu, chivatonga! Chivazivisa zvinonyangadza zvamadzibaba avo;
5. uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, nezuva randakatsanangura Isiraeri, ndikasimudzira vana veimba yaJakobho ruoko rwangu, nokuzvizivisa kwavari munyika yeIjipiti, musi wandakavasimudzira ruoko rwangu,' ndichiti, `Ndini Jehovha Mwari wenyu;'
6. nezuva iroro ndakavasimudzira ruoko rwangu, kuti ndichavabudisa munyika yeIjipiti ndivaise kunyika yandakavatsvakira, kunoyerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba hwenyika dzose.
7. Ndikati kwavari, `Rasai, mumwe nomumwe, zvinonyangadza zvameso ake, murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.'
8. Asi vakandimukira simba, vakaramba kunditeerera; havana kurasa, mumwe nomumwe wavo, zvinonyangadza meso avo, havana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo pakati penyika yeIjipiti.
9. Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi avanhu, mavakanga vagere, vandakazvizivisa kwavari pamberi pavo, ndichivabudisa munyika
10. "Naizvozvo ndakavabudisa munyika ndikavaisa kurenje.
11. "Ndikavapa mitemo yangu, nokuvaratidza zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizviita ararame nazvo.
12. Ndakavapawo maSabata angu, chive chiratidzo pakati pangu navo, kuti vazive kuti ndini Jehovha, ndinovaita vatsvene.
13. Asi imba yaIsiraeri yakandimukira simba murenje; havana kufamba nemitemo yangu, vakaramba zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizvichengeta, achararama nazvo; vakamhura zvikuru maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo murenje, kuti ndivapedze.
14. Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi andakavabudisa pamberi pawo.
15. Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti handingavaisi kunyika yandakanga ndavapa, kunoerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba hwenyika dzose;
16. nokuti vakaramba zvandavakarayira, vakasafamba nemitemo yangu, vakamhura maSabata angu; nokuti moyo yavo yakatevera zvifananidzo zvavo.
17. "Kunyange zvakadaro ziso rangu rakavapembedza, ndikasavaparadza, kana kuvapedza chose murenje.
18. Ndikati kuvana vavo murenje, `Regai kufamba nemitemo yamadzibaba enyu, kana kuchengeta zvavakarayira, kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvenyu.
19. Ndini Jehovha Mwari wenyu; fambai nemitemo yangu, muchengete zvandakarayira, muzviite;
20. maSabata angu ngaave matsvene kwamuri; zvigova chiratidzo pakati pangu nemi, kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.'
21. "Asi vana vakandimukira simba, havana kufamba nemitemo yangu, kana kuchengeta zvandakarayira kuti vazviite, zvinoti kana munhu akazviita, achararama nazvo; vakamhura maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje.
22. Kunyange zvakadaro ndakadzosa ruoko rwangu, ndikaita nokuda kwezita rangu,kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi, andakavabudisa pamberi pawo.
23. "Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti ndichavaparadzira pakati pamarudzi nokuvadzingira kunyika dzose;
24. nokuti havana kuita zvandakavarayira, asi vakaramba mitemo yangu, nokumhura maSabata angu, meso avo akatarira zvifananidzo zvamadzibaba avo.
25. Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka, nezvakarayirwa zvavakanga vasingagoni kurarama nazvo;
26. ndikavasvibisa nezvipo zvavo, zvavakapinza mumoto zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kuti ndivaparadze, vagoziva kuti ndini Jehovha.
27. "Naizvozvo Mwanakomana womunhu, taura neimba yaIsiraeri, uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, Madzibaba enyu akandimhurawo pachinhu ichi, kuti vakandidarikira.'
28. Nokuti ndakati ndavaisa kunyika, yandakavasimudzira ruoko kuti ndichavapa iyo, vakatsvaka zvikomo zvose zvirefu nemiti yose mikobvu, vakabayirapo zvibayiro zvavo, vakauyapo nezvipo zvavo zvainditsamwisa; ndipowo pavakaita hwema hwavo hunonhuwira, vakadururirapo zvipiriso zvavo zvinodururwa.
29. "Ipapo ndikati kwavari, `Ko nzvimbo yakakwirira kwamunoenda, inoti kudiniko?' Naizvozvo zita rayo rinonzi `Bhama' kusvikira zuva ranhasi.
30. Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, `Zvanzi naIshe Jehovha, ko munozvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here? Munopata muchitevera zvinonyangadza zvavo here?
31. Kana muchiuya nezvipo zvenyu, kana muchipinza vanakomana venyu mumoto, munozvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira zuva ranhasi here? Zvino ndingabvunzwa nemi here, imi imba yaIsiraeri? Noupenyu hwangu,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handidi kubvunzwa nemi;
32. izvo zvinopinda mumirangariro yenyu hazvingatongoitiki chose, zvamunoti, `Tinoda kufanana namamwe marudzi, navanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namabwe.
33. Noupenyu hwangu,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Zvirokwazvo ndichava mambo wenyu nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa, uye nehasha dzakadururwa.
34. "Ndichakubudisai pakati pamarudzi, nokukuwunganidzai kunyika kwamakanga makaparadzirwa, nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa, uye nehasha dzakadururwa;
35. ndichakuisai kurenje ramarudzi avanhu, ndigokutongaipo, tichionana nameso.
36. Sezvandakatonga madzibaba enyu murenje renyika yeIjipiti, saizvozvo ndichakutongai imi," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
37. "Ndichakuverengai netsvimbo yomufudzi, nokukuisai muchisungo chesungano;
38. ndichabvisa pakati penyu vakandimukira simba navakandidarikira, ndichavabudisa panyika pavagere vari vatorwa, asi havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha."
39. "Kana murimi, imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha endai imi mundoshumira mumwe nomumwe zvifananidzo zvake, asi pashure muchanditeerera; hamuchazomhuri zita rangu dzvene nezvipo zvenyu uye nezvifananidzo zvenyu.
40. Nokuti pagomo rangu dzvene, pagomo rakakwirira raIsiraeri, ndipo pandichashumirwa munyika neimba yose yaIsiraeri, ivo vose; ndipo pandichavagamuchira, ndipo pandichareva zvibayiro zvenyu, nezvitsva zvezvipo zvenyu, pamwechete nezvinhu zvenyu zvose zvitsvene.
41. Ndichakugamuchirai sohwema hunonhuwira, panguva yandinokubudisai pakati pamarudzi avanhu, ndichikuunganidzai panyika kwamakanga makaparadzirwa; ndichazviratidza kwamuri ndiri Mutsvene pamberi pamarudzi avanhu.
42. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichikuisai munyika yaIsiraeri, kunyika yandakasimudzira madzibaba enyu ruoko rwangu ndichiti ndichavapa iyo.
43. "Zvino mucharangarirapo nzira dzenyu, nezvose zvamakaita, zvamakazvisvibisa nazvo; muchazvisema pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose zvamakaita.
44. Zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichikuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu, ndisingaiti zvakafanira nzira dzenyu dzakaipa kana zvakafanira zvakaora zvamakaita, imi imba yaIsiraeri," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
45. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
46. "Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi, udonhedze shoko rako kurutivi rwezasi, uporofite pamusoro pedondo romusango kurutivi rwezasi;
47. uti kudondo kurutivi rwezasi, `Inzwa shoko raJehovha, zvanzi naIshe Jehovha, tarira, ndichabatidza moto mukati mako, uchapedza muti mumwe nomumwe mutema mukati mako, nomuti mumwe nomumwe wakaoma; murazvo unopfuta haungadzimwi, asi zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.
48. Vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndini ndakaubatidza; haungadzimwi.'
49. "Ipapo ndikati, `Aiwa, Ishe Jehovha! ' Vanoti pamusoro pangu, `Ko haazi mutauri wemifananidzo here?' "

  Ezekiel (20/48)