| ← Ezekiel (2/48) → |
| 1. | Akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe." |
| 2. | Zvino akati achitaura neni, Mweya ndokupinda mukati mangu, akandimisa namakumbo angu; ndikanzwa akanga achitaura neni. |
| 3. | Iye akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, ndinokutumira kuvana vaIsiraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; ivo namadzibaba avo vakandidarikira, kusvikira zuva ranhasi. |
| 4. | Vana vane zviso zvisina kunyara nemoyo mikukutu; ndinokutumira kwavari, iwe uti kwavari, zvanzi nalshe Jehovha. |
| 5. | 'Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi nokuti ivo iimba inondimukira simba, vachaziva kuti muporofita akanga aripo pakati pavo.' |
| 6. | "Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko avo, kunyange uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba kwazvo. |
| 7. | Asi iwe unofanira kuvavudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nokuti vanondimukira simba kwazvo. |
| 8. | "Asi iwe, Mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye zvandichakupa." |
| 9. | Zvino ndakati ndichitarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri, tarira, bhuku yakapetwa yakanga irimo; |
| 10. | akaipetenura pamberi pangu; yakanga yakanyorwa mukati nokunze, makanga makanyorwa mariro, nokuchema, nenhamo. |
| ← Ezekiel (2/48) → |