Ezekiel (2/48)  

1. Akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe."
2. Zvino akati achitaura neni, Mweya ndokupinda mukati mangu, akandimisa namakumbo angu; ndikanzwa akanga achitaura neni.
3. Iye akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, ndinokutumira kuvana vaIsiraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; ivo namadzibaba avo vakandidarikira, kusvikira zuva ranhasi.
4. Vana vane zviso zvisina kunyara nemoyo mikukutu; ndinokutumira kwavari, iwe uti kwavari, zvanzi nalshe Jehovha.
5. 'Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi nokuti ivo iimba inondimukira simba, vachaziva kuti muporofita akanga aripo pakati pavo.'
6. "Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko avo, kunyange uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba kwazvo.
7. Asi iwe unofanira kuvavudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nokuti vanondimukira simba kwazvo.
8. "Asi iwe, Mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye zvandichakupa."
9. Zvino ndakati ndichitarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri, tarira, bhuku yakapetwa yakanga irimo;
10. akaipetenura pamberi pangu; yakanga yakanyorwa mukati nokunze, makanga makanyorwa mariro, nokuchema, nenhamo.

  Ezekiel (2/48)