| ← Ezekiel (16/48) → |
| 1. | Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, |
| 2. | "Mwanakomana womunhu, zivisa Jerusaremu zvinonyangadza zvaro, |
| 3. | uti, 'Zvanzi naIshe Jehovha Jerusaremu: Kwawakabva nokwawakaberekwa ndiko kunyika yavaKanani; baba vako vakanga vari muAmori, namai vako vakanga vari muHiti. |
| 4. | Kana kuri kuberekwa kwako, pazuva rokuzvarwa kwako rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti unake; hauna kutongokwizwa nomunyu, kana kuputirwa mumachira. |
| 5. | Hakuna ziso rakakunzwira tsitsi, kana kukuitira chinhu chimwe chezvinhu izvi, nokuva nengoni newe; asi wakarashirwa kusango, nokuti vakasema hupenyu hwako nezuva rokuzvarwa kwako.' |
| 6. | "Ndakapfuura kwauri, ndikakuona uchipfakanyika muropa rako, ndikati kwauri uri muropa rako, `Rarama!' Zvirokwazvo, ndakati kwauri uri muropa rako, `Rarama! ' |
| 7. | Ndakakuita vazhinji kwazvo sezvinomera kusango, ukawanda nokukura, ukasvikira pahukomba hwakaisvonaka; mazamu ako akakura, nevhudzi rako rakamera, asi wakanga usina kufuka, wakashama. |
| 8. | Ndakapfuura kwauri, ndikakutarira, ndikaona kuti nguvo yako yakanga iri nguvo yorudo. Ipapo ndakawarira nguvo yangu pamusoro pako, ndikafukidza kushama kwako; zvirokwazvo, ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 9. | "Ipapo ndakakushambidza nemvura; zvirokwazvo, ndakashambidza ropa rako kwauri, ndikakuzodza namafuta. |
| 10. | Ndakakufukidzawo nezvakarukwa,ndikakupfekedza shangu, shangu dzamatehwe, ndakasunga chiuno nomucheka wakaisvonaka, ndikakufukidza nesirika. |
| 11. | Ndakakushongedza hukomba, ndikaisa zvishongo zvamaoko pazvanza zvako, nengetani pamutsipa wako. |
| 12. | Ndikaisa chindori pamhino dzako, nezvishongo zvenzeve panzeve dzako, nekorona yakanaka pamusoro wako. |
| 13. | Wakazvishongedza nendarama nesirivha, zvokufuka zvako zvakanga zviri zvomucheka wakaisvonaka nesirika nezvakarukwa; wakadya hupfu hwakatsetseka nohuchi namafuta; hwakanga hwakanaka kwazvo, ukapfuurira mberi kusvikira kuhushe. |
| 14. | Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kwohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 15. | "Asi iwe wakavimba nokunaka kwako, ukapata nokuda kwembiri yako, ukadurura kupata kwako kunomumwe nomumwe waipfuura napo, kukava kwake. |
| 16. | Wakatora dzimwe nguvo dzako, ukazviitira nzvimbo dzakakwirira, dzakashongedzwa namavara mazhinji, ukandopata pamusoro padzo. Zvinhu zvakadai hazvizaifanira kuuya kana kuitika. |
| 17. | "Zvishongo zvako zvakanaka wakazvitora pandarama yangu nesirivha yangu, zvandakanga ndakupa, ukazviitira zvifananidzo zvavarume, ukapata nazvo; |
| 18. | ukatora nguvo dzako dzakarukwa, ukazvifukidza nadzo, ukagadza mafuta angu nezvinonhuwira zvangu pamberi pazvo. |
| 19. | "Zvokudya zvangu zvandakakupa, ihwo hupfu hwakatsetseka namafuta nohuchi zvandakakupa kuti uzvidye, wakazvigadza pamberi pazvo, zviite hwema hunonhuwira; ndizvo zvawakaita," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 20. | "Uyezve, wakatora vanakomana vako navanasikana vako, vawakandiberekera, ukazvibayira ivo, kuti vadyiwe. Ko kupata kwako chakanga chiri chinhu chiduku here, |
| 21. | zvawakazouraya vana vangu, ukazvipa ivo, kuti uzvipinzire ivo mumoto here? |
| 22. | "Zvino pakati pezvinonyangadza zvako zvose nokupata kwako hauna kurangarira mazuva ohuduku hwako, panguva yawakanga usino kufuka, wakashama, uchipfakanyika muropa rako. |
| 23. | Zvino shure kwezvakaipa zvako zvose haiwa, une nhamo, une nhamo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 24. | "Wakazvivakira nzvimbo yokufeva nokuzviitira nzvimbo yakakwirira panzira dzose dzomumusha. |
| 25. | Wakavaka nzvimbo yako yakakwirira pakuvamba kwenzira imwe neimwe, ukashandura kunaka kwako zvikava zvinonyangadza, ukafukurira vose vanopfuura tsoka dzako, ukawanza kupata kwako. |
| 26. | Wakafevawo navaIjipiti, vakanga vagere pedo newe, vane miviri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamwise. |
| 27. | Naizvozvo tarira, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pako, ndikatapudza zvokudya zvako zvaunodya misi yose, ndikakuisa kuna vanokuvenga vakuitire sokuda kwavo, ivo vakunda vavaFirisitia vakanyadziswa nomufambiro wako wakashata. |
| 28. | "Wakapatawo navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; zvirokwazvo, wakapata navo, asi hauna kuringaniswa nazvo. |
| 29. | Wakawanzawo kupata kwako kusvikira kunyika yavashambadziri, iko kuKaradhea; kunyange zvakadaro hauna kuringaniswa nazvo. |
| 30. | "Moyo wako unoshaiwa simba sei," ndizvo zvinotaura Jehovha "Zvaunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari; |
| 31. | zvaunovaka nzvimbo yako yokufeva pakuvamba kwenzira imwe neimwe, nokuita nzvimbo yako yakakwirira panzira imwe neimwe yomumusha; asi hauna kuita sechifeve, zvawakashora muripo. |
| 32. | Aiwa! Mukadzi akawanikwa anofeva! Anogamuchira vatorwa panzvimbo yomurume wake! |
| 33. | Zvifeve zvose zvinopiwa zvipo, asi iwe unopa vadikanwi vako vose zvipo, uchivaripira, kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose nokuda kwokupata kwako. |
| 34. | "Iwe wakasiyana navamwe vakadzi pakupata kwako, zvakusina unokutevera kupata newe; uye zvaunopa muripo iwe, asi iwe haupiwi muripo, naizvozvo wakasiyana navamwe." |
| 35. | Naizvozvo iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha, |
| 36. | zvanzi naIshe Jehovha, "Ndarira yako zvayakadururwa, nokunyadza kwako zvakwakafukurwa nokupata kwako navadikanwi vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, neropa ravana vako, rawakazvipa; |
| 37. | naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikanwi vako vose, vawakafarirana navo, navose vawakanga uchida, pamwechete navose vawakanga uchivenga; ndichakuunganidzira ivo vachibva kumativi ose, nokuvafukurira kunyadza kwako, kuti vaone kunyadza kwako kwose. |
| 38. | "Ndichakutonga sezvinotongwa vakadzi voutera navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rehasha negodo. |
| 39. | Ndichakuisawo mumaoko avo; vachakoromora nzvimbo yako yokufeva, nokuputsa nzvimbo dzako dzakakwirira; vachakubvisira nguvo dzako, nokukutorera zvishongo zvako zvakanaka; vachakusiya usina chokufuka wakashama. |
| 40. | "Vachauyawo neungano kuzorwa newe, ivo vachakutaka namabwe nokubvoora neminondo yavo. |
| 41. | Vachapisa dzimba dzako nomoto, nokukuitira zvakatongwa pamberi pavakadzi vazhinji; ndichakuregesa kupata kwako, iwe hauchazovapi muripo. |
| 42. | Saizvozvo ndichazorodza hasha dzangu kwauri, godo rangu richabva kwauri; ndichanyarara, ndikasazova nokutsamwa. |
| 43. | Zvausina kurangarira mazuva ohuduku hwako, asi wakanditsamwisa nezvinhu izvi zvose, naizvozvo, tarira, ndichauyisa zvawakaita pamusoro wako," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; haungazoiti zvakashata izvozvo nezvinonyangadza zvako zvose. |
| 44. | "Tarira, mumwe nomumwe anobata netsumo, achabata tsumo iyi pamusoro pako, achiti, `Sezvakaita mai, ndizvo zvakaita mwanasikana wavo.' |
| 45. | Iwe uri mwanasikana wamai vako, vanosema murume wavo navana vavo; iwe uri munun’una wavakoma vako, vakasema varume vavo navana vavo; amai vako vakanga vari muHiti, nababa vako muAmori. |
| 46. | "Mukoma wako ndiSamaria, anogara kuruboshwe rwako, iye navanasikana vake; munun’una wako anogara kurudyi rwako, ndiSodhoma navanasikana vake. |
| 47. | Asi hauna kufamba nenzira dzavo, kana kuita zvinonyangadza zvavo; asi izvo wakati zviduku, wakavapfura ivo vose nenzira dzako dzakaora. |
| 48. | Noupenyu hwangu," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha munun’una wako Sodhoma, "Iye navanasikana vake, havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako. |
| 49. | Tarira, zvakaipa zvomunun’una wako Sodhoma hezvi: Kuzvikudza, zvokudya zvakawandisa, nokuzorora kusina hanya nechinhu, ndizvo zvaakanga anazvo navanasikana vake; haana kusimbisa ruoko rwavarombo navanoshayiwa. |
| 50. | Vakanga vane manyawi. vakaita zvinonyangadza pamberi pangu; saka ndichizviona ndakavabvisa. |
| 51. | "Kunyange neSamaria harina kuita hafu yezvivi zvako; asi iwe wakawanzisa zvinonyangadza zvako kupfuura zvavo, ukapembedza vanun’una vako nezvinonyangadza zvako zvose zvawakaita. |
| 52. | "Iwe chiva nemhosva yezvinonyadzisa zvako, zvawakapembedza vanun’una vako; nokuda kwezvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura zvavo, ivo vava vakarurama kupfuura iwe; zvirokwazvo, chisvodeswa iwe, uve nokunyadziswa kwako, zvawakapembedza vanun’una vako." |
| 53. | "Ndichadzosazve kutapwa kwavo, iko kutapwa kweSodhoma navanasikana varo, nokutapwa kweSamaria navanasikana varo, nokutapwa kwavatapwa vako vari pakati pavo; |
| 54. | kuti iwe uve nokunyadziswa kwako, unyare pamusoro pezvose zvawakaita uchivanyaradza. |
| 55. | Vanun’una vako Sodhoma navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, naSamaria navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, newe navanasikana vako muchadzokera kumugariro wenyu wakare. |
| 56. | Nokuti munun’una wako Sodhoma haana kurehwa nomuromo wako nezuva rokuzvikudza kwako, |
| 57. | zvakashata zvako zvisati zvafukurwa, sapanguva yokushorwa kwako navanasikana veSiria navose vakavapoteredza, vanasikana vavaFirisitia, vanokuzvidza kumativi ose. |
| 58. | Une mhosva yezvakashata zvako nezvinonyangadza zvako," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 59. | Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, "Ndichakuitirawo sezvawakaita iwe, wakashora kupika pakuputsa kwako sungano. |
| 60. | Kunyange zvakadaro ndicharangarira sungano yangu yandakaita newe pamazuva ohuduku hwako, ndisimbise sungano isingaperi newe. |
| 61. | Ipapo ucharangarira nzira dzako; uchanyara, kana uchigamuchira vakoma vako navanun’una vako; ndichakupa ivo, vave vanasikana vako, asi hazvingaitwi pamusoro pesungano yako. |
| 62. | "Ndichasimbisa sungano yangu newe; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha; |
| 63. | kuti urangarire, usvodeswe, urege kuzoshamisa muromo wakozve nokuda kwokunyara kwako, kana ndakukanganwira zvose zvawakaita," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| ← Ezekiel (16/48) → |