Ezekiel (16/48)  

1. Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2. "Mwanakomana womunhu, zivisa Jerusaremu zvinonyangadza zvaro,
3. uti, 'Zvanzi naIshe Jehovha Jerusaremu: Kwawakabva nokwawakaberekwa ndiko kunyika yavaKanani; baba vako vakanga vari muAmori, namai vako vakanga vari muHiti.
4. Kana kuri kuberekwa kwako, pazuva rokuzvarwa kwako rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti unake; hauna kutongokwizwa nomunyu, kana kuputirwa mumachira.
5. Hakuna ziso rakakunzwira tsitsi, kana kukuitira chinhu chimwe chezvinhu izvi, nokuva nengoni newe; asi wakarashirwa kusango, nokuti vakasema hupenyu hwako nezuva rokuzvarwa kwako.'
6. "Ndakapfuura kwauri, ndikakuona uchipfakanyika muropa rako, ndikati kwauri uri muropa rako, `Rarama!' Zvirokwazvo, ndakati kwauri uri muropa rako, `Rarama! '
7. Ndakakuita vazhinji kwazvo sezvinomera kusango, ukawanda nokukura, ukasvikira pahukomba hwakaisvonaka; mazamu ako akakura, nevhudzi rako rakamera, asi wakanga usina kufuka, wakashama.
8. Ndakapfuura kwauri, ndikakutarira, ndikaona kuti nguvo yako yakanga iri nguvo yorudo. Ipapo ndakawarira nguvo yangu pamusoro pako, ndikafukidza kushama kwako; zvirokwazvo, ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9. "Ipapo ndakakushambidza nemvura; zvirokwazvo, ndakashambidza ropa rako kwauri, ndikakuzodza namafuta.
10. Ndakakufukidzawo nezvakarukwa,ndikakupfekedza shangu, shangu dzamatehwe, ndakasunga chiuno nomucheka wakaisvonaka, ndikakufukidza nesirika.
11. Ndakakushongedza hukomba, ndikaisa zvishongo zvamaoko pazvanza zvako, nengetani pamutsipa wako.
12. Ndikaisa chindori pamhino dzako, nezvishongo zvenzeve panzeve dzako, nekorona yakanaka pamusoro wako.
13. Wakazvishongedza nendarama nesirivha, zvokufuka zvako zvakanga zviri zvomucheka wakaisvonaka nesirika nezvakarukwa; wakadya hupfu hwakatsetseka nohuchi namafuta; hwakanga hwakanaka kwazvo, ukapfuurira mberi kusvikira kuhushe.
14. Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kwohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15. "Asi iwe wakavimba nokunaka kwako, ukapata nokuda kwembiri yako, ukadurura kupata kwako kunomumwe nomumwe waipfuura napo, kukava kwake.
16. Wakatora dzimwe nguvo dzako, ukazviitira nzvimbo dzakakwirira, dzakashongedzwa namavara mazhinji, ukandopata pamusoro padzo. Zvinhu zvakadai hazvizaifanira kuuya kana kuitika.
17. "Zvishongo zvako zvakanaka wakazvitora pandarama yangu nesirivha yangu, zvandakanga ndakupa, ukazviitira zvifananidzo zvavarume, ukapata nazvo;
18. ukatora nguvo dzako dzakarukwa, ukazvifukidza nadzo, ukagadza mafuta angu nezvinonhuwira zvangu pamberi pazvo.
19. "Zvokudya zvangu zvandakakupa, ihwo hupfu hwakatsetseka namafuta nohuchi zvandakakupa kuti uzvidye, wakazvigadza pamberi pazvo, zviite hwema hunonhuwira; ndizvo zvawakaita," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
20. "Uyezve, wakatora vanakomana vako navanasikana vako, vawakandiberekera, ukazvibayira ivo, kuti vadyiwe. Ko kupata kwako chakanga chiri chinhu chiduku here,
21. zvawakazouraya vana vangu, ukazvipa ivo, kuti uzvipinzire ivo mumoto here?
22. "Zvino pakati pezvinonyangadza zvako zvose nokupata kwako hauna kurangarira mazuva ohuduku hwako, panguva yawakanga usino kufuka, wakashama, uchipfakanyika muropa rako.
23. Zvino shure kwezvakaipa zvako zvose haiwa, une nhamo, une nhamo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
24. "Wakazvivakira nzvimbo yokufeva nokuzviitira nzvimbo yakakwirira panzira dzose dzomumusha.
25. Wakavaka nzvimbo yako yakakwirira pakuvamba kwenzira imwe neimwe, ukashandura kunaka kwako zvikava zvinonyangadza, ukafukurira vose vanopfuura tsoka dzako, ukawanza kupata kwako.
26. Wakafevawo navaIjipiti, vakanga vagere pedo newe, vane miviri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamwise.
27. Naizvozvo tarira, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pako, ndikatapudza zvokudya zvako zvaunodya misi yose, ndikakuisa kuna vanokuvenga vakuitire sokuda kwavo, ivo vakunda vavaFirisitia vakanyadziswa nomufambiro wako wakashata.
28. "Wakapatawo navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; zvirokwazvo, wakapata navo, asi hauna kuringaniswa nazvo.
29. Wakawanzawo kupata kwako kusvikira kunyika yavashambadziri, iko kuKaradhea; kunyange zvakadaro hauna kuringaniswa nazvo.
30. "Moyo wako unoshaiwa simba sei," ndizvo zvinotaura Jehovha "Zvaunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari;
31. zvaunovaka nzvimbo yako yokufeva pakuvamba kwenzira imwe neimwe, nokuita nzvimbo yako yakakwirira panzira imwe neimwe yomumusha; asi hauna kuita sechifeve, zvawakashora muripo.
32. Aiwa! Mukadzi akawanikwa anofeva! Anogamuchira vatorwa panzvimbo yomurume wake!
33. Zvifeve zvose zvinopiwa zvipo, asi iwe unopa vadikanwi vako vose zvipo, uchivaripira, kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose nokuda kwokupata kwako.
34. "Iwe wakasiyana navamwe vakadzi pakupata kwako, zvakusina unokutevera kupata newe; uye zvaunopa muripo iwe, asi iwe haupiwi muripo, naizvozvo wakasiyana navamwe."
35. Naizvozvo iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha,
36. zvanzi naIshe Jehovha, "Ndarira yako zvayakadururwa, nokunyadza kwako zvakwakafukurwa nokupata kwako navadikanwi vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, neropa ravana vako, rawakazvipa;
37. naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikanwi vako vose, vawakafarirana navo, navose vawakanga uchida, pamwechete navose vawakanga uchivenga; ndichakuunganidzira ivo vachibva kumativi ose, nokuvafukurira kunyadza kwako, kuti vaone kunyadza kwako kwose.
38. "Ndichakutonga sezvinotongwa vakadzi voutera navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rehasha negodo.
39. Ndichakuisawo mumaoko avo; vachakoromora nzvimbo yako yokufeva, nokuputsa nzvimbo dzako dzakakwirira; vachakubvisira nguvo dzako, nokukutorera zvishongo zvako zvakanaka; vachakusiya usina chokufuka wakashama.
40. "Vachauyawo neungano kuzorwa newe, ivo vachakutaka namabwe nokubvoora neminondo yavo.
41. Vachapisa dzimba dzako nomoto, nokukuitira zvakatongwa pamberi pavakadzi vazhinji; ndichakuregesa kupata kwako, iwe hauchazovapi muripo.
42. Saizvozvo ndichazorodza hasha dzangu kwauri, godo rangu richabva kwauri; ndichanyarara, ndikasazova nokutsamwa.
43. Zvausina kurangarira mazuva ohuduku hwako, asi wakanditsamwisa nezvinhu izvi zvose, naizvozvo, tarira, ndichauyisa zvawakaita pamusoro wako," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; haungazoiti zvakashata izvozvo nezvinonyangadza zvako zvose.
44. "Tarira, mumwe nomumwe anobata netsumo, achabata tsumo iyi pamusoro pako, achiti, `Sezvakaita mai, ndizvo zvakaita mwanasikana wavo.'
45. Iwe uri mwanasikana wamai vako, vanosema murume wavo navana vavo; iwe uri munun’una wavakoma vako, vakasema varume vavo navana vavo; amai vako vakanga vari muHiti, nababa vako muAmori.
46. "Mukoma wako ndiSamaria, anogara kuruboshwe rwako, iye navanasikana vake; munun’una wako anogara kurudyi rwako, ndiSodhoma navanasikana vake.
47. Asi hauna kufamba nenzira dzavo, kana kuita zvinonyangadza zvavo; asi izvo wakati zviduku, wakavapfura ivo vose nenzira dzako dzakaora.
48. Noupenyu hwangu," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha munun’una wako Sodhoma, "Iye navanasikana vake, havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako.
49. Tarira, zvakaipa zvomunun’una wako Sodhoma hezvi: Kuzvikudza, zvokudya zvakawandisa, nokuzorora kusina hanya nechinhu, ndizvo zvaakanga anazvo navanasikana vake; haana kusimbisa ruoko rwavarombo navanoshayiwa.
50. Vakanga vane manyawi. vakaita zvinonyangadza pamberi pangu; saka ndichizviona ndakavabvisa.
51. "Kunyange neSamaria harina kuita hafu yezvivi zvako; asi iwe wakawanzisa zvinonyangadza zvako kupfuura zvavo, ukapembedza vanun’una vako nezvinonyangadza zvako zvose zvawakaita.
52. "Iwe chiva nemhosva yezvinonyadzisa zvako, zvawakapembedza vanun’una vako; nokuda kwezvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura zvavo, ivo vava vakarurama kupfuura iwe; zvirokwazvo, chisvodeswa iwe, uve nokunyadziswa kwako, zvawakapembedza vanun’una vako."
53. "Ndichadzosazve kutapwa kwavo, iko kutapwa kweSodhoma navanasikana varo, nokutapwa kweSamaria navanasikana varo, nokutapwa kwavatapwa vako vari pakati pavo;
54. kuti iwe uve nokunyadziswa kwako, unyare pamusoro pezvose zvawakaita uchivanyaradza.
55. Vanun’una vako Sodhoma navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, naSamaria navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, newe navanasikana vako muchadzokera kumugariro wenyu wakare.
56. Nokuti munun’una wako Sodhoma haana kurehwa nomuromo wako nezuva rokuzvikudza kwako,
57. zvakashata zvako zvisati zvafukurwa, sapanguva yokushorwa kwako navanasikana veSiria navose vakavapoteredza, vanasikana vavaFirisitia, vanokuzvidza kumativi ose.
58. Une mhosva yezvakashata zvako nezvinonyangadza zvako," ndizvo zvinotaura Jehovha.
59. Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, "Ndichakuitirawo sezvawakaita iwe, wakashora kupika pakuputsa kwako sungano.
60. Kunyange zvakadaro ndicharangarira sungano yangu yandakaita newe pamazuva ohuduku hwako, ndisimbise sungano isingaperi newe.
61. Ipapo ucharangarira nzira dzako; uchanyara, kana uchigamuchira vakoma vako navanun’una vako; ndichakupa ivo, vave vanasikana vako, asi hazvingaitwi pamusoro pesungano yako.
62. "Ndichasimbisa sungano yangu newe; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha;
63. kuti urangarire, usvodeswe, urege kuzoshamisa muromo wakozve nokuda kwokunyara kwako, kana ndakukanganwira zvose zvawakaita," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

  Ezekiel (16/48)