Ezekiel (13/48)  

1. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2. "Mwanakomana womunhu, porofitira vaporofita vaIsiraeri vanoporofita, uti kuna ivo vanoporofita zvinobva mumoyo mavo, inzwai imi shoko raJehovha,"
3. "Zvanzi naIshe Jehovha, `Vane nhamo vaporofita mapenzi, vanotevera mweya yavo, vasina chavakaona.'
4. Aiwa Isiraeri, vaporofita venyu vakafanana namakava pamatongo.
5. Hamuna kukwira muchipinda pakakoromorwa, kana kugadzira rusvingo rweimba yaIsiraeri, kuti mumire pakurwa pazuva raJehovha.
6. Vakaona zvinonyengera nokuporofita kwenhema, ivo vanoti, `Jehovha anoti!' Asi Jehovha haana kuvatuma, zvino vakati shoko ravo richasimbiswa.
7. "Hamuna kuona zvinonyengera here, hamuna kutaura kwenhema here, zvamakati, `Jehovha anoti; kunyange zvakadaro handina kutaura?' "
8. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Zvamakatura zvinonyengera, nokuona nhema, naizvozvo, tarirai, ndine mhaka nemi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9. Ruoko rwangu rucharwa navaporofita vanoona zvinonyengera navanoporofita nhema; havangarangani navanhu vangu, havanganyorwi mazita avo parugwaro rweimba yaIsiraeri, havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
10. Nokuti zvirokwazvo, nokuti vakanyengera vanhu vangu, vachiti, `Rugare!' Izvo hakuna rugare; kana vovaka rusvingo, tarira, vovhuwa nesuko.
11. Chiudza avo vanoruvhuwa nesuko, kuti ruchakoromoka; mvura ichauya ichinaya kwazvo, ine, mabwe makuru echimvuramabwe, muchawa, nedutu remhepo richarutsemutsa.
12. "Zvino tarirai, kana rusvingo rwakoromoka havangati kwamuri here, `Ko suko ramakuvhuwa naro riripiko?' "
13. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Ndicharutsemusa zvirokwazvo nedutu remhepo nehasha dzangu; mvura ichanaya kwazvo nokutsamwa kwangu, namabwe makuru echimvuramabwe nehasha dzangu, kurupedza chose.
14. Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakavhuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kusvikira nheyo dzarwo dzafukurwa; ruchakoromoka, nemi muchaparadzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
15. "Saizvozvo ndichapedza hasha dzangu parusvingo, napamusoro pavakaruvhuwa nesuko; ndichati kwamuri, `Rusvingo haruchipo, navakaruvhuwa havachipo;
16. ivo vaporofita valsiraeri vanoporofita pamusoro peJerusaremu, vachirionera zviratidzo zvorugare, izvo hakuna rugare; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
17. Asi iwe, Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuvakunda vavanhu vako, ivo vanoporofita zvinobva mumoyo yavo, uporofite pamusoro pavo,
18. uti, "Zvanzi naIshe Jehovha, `Vane nhamo vakadzi vanosonera zvifukidzo papfundo dzamaoko, vanoita micheka yokufukidza misoro yavanhu vapi navapi, kuti vavhime mweya.' Munoda kuvhima mweya yavanhu vangu, muchida kuzviponesera mweya iyeyo!
19. Makandimhura pakati pavanhu vangu nokuda kwetsama dzebhari nezvimedu zvezvingwa, kuti muuraye mweya isingafaniri kufa, nokuponesa mweya isingafaniri kurarama, muchirevera vanhu vangu nhema, ivo vanoteerera nhema dzenyu."
20. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Tarirai, ndine mhaka nezvifukidzo zvenyu zvamunovhima nazvo mweya yavanhu seshiri, ndichazvibvarura pamaoko enyu; ndicharegedza mweya, iyo mweya yamunovhima seshiri.
21. Nemicheka yenyu ndichaibvarurawo, ndirwire vanhu vangu pamaoko enyu, varege kuzova mumaoko enyu kuti muvavhime; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
22. "Nokuti nenhema dzenyu makarwadza moyo wowakarurama, wandisina kuchemedza, mukasimbisa maoko owakaipa, kuti arege kudzoka panzira yake yakaipa, aponeswe;
23. naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvinonyengera kana kuuka zvinoukwa; ini ndicharwira vanhu vangu pamaoko enyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha."

  Ezekiel (13/48)