| ← Ezekiel (12/48) → |
| 1. | Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, |
| 2. | "Mwanakomana womunhu, ugere pakati pavanhu veimba inondimukira simba, vana meso okuona, asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa, asi havanzwi; nokuti iimba inondimukira simba. |
| 3. | "Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba. |
| 4. | "Unofanira kubudisa nhumbi dzako masikati vachizviona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; zvino madekwana iwe umene unofanira kubuda vachizviona, sezvinoita vanhu kana votama. |
| 5. | Zvino uboore rusvingo vachizviona, ubudise nhumbi dzako napo. |
| 6. | Unofanira kudzitakura pafudzi rako vachizviona, ndokudzibudisa kwasviba; unofanira kufukidza chiso chako, kuti urege kuona zvenyika; nokuti ndakakuita chiratidzo kuimba yalsiraeri." |
| 7. | Ini ndikaita sezvandakarayirwa; ndakabudisa nhumbi dzangu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, madekwana ndikabvovora rusvingo noruoko rwangu; ndakadzibudisa kwasviba, ndikadzitakura pafudzi rangu vachizviona. |
| 8. | Zvino mangwanani shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
| 9. | "Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri, iyo imba inondimukira, havana kuti kwauri, `Unoiteiko?' |
| 10. | Uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusaremu neimba yose yaIsiraeri iri pakati pavo.' |
| 11. | Uti, `Ndini chiratidzo chenyu; sezvandakaita ini, ndizvo zvavachaitirwa ivo; vachatama vachitapwa.' |
| 12. | Muchinda ari pakati pavo achatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwasviba, ndokubuda; vachabvovora rusvingo kuti vadzibudise napo; achafukidza meso ake, nokuti haangaoni nyika nameso ake. |
| 13. | Ndichakandawo mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa mumusungo wangu; ndichamuisa Bhabhironi kunyika yavaKaradhea; asi haangaioni, kunyange zvakadaro achafirako. |
| 14. | Ndichaparadzira kumhepo dzose vose vakamupoteredza vangamubatsira, namapoka ake ose ndichavavhomorera munondo ndichivateverera. |
| 15. | "Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivadzingira pakati pamarudzi, nokuvaparadzira kunyika dzose. |
| 16. | Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nehosha yakaipa;kuti vanoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha." |
| 17. | Shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri, richiti, |
| 18. | "Mwanakomana womunhu, idya zvokudya zvako nokubvunda nokunwa mvura yako nokudedera nokutya; |
| 19. | uti kuvanhu venyika iyi, `Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokunwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba, yavose vanogaramo.' |
| 20. | Maguta anogarwa navanhu achaparadzwa, nenyika ichaitwa dongo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha." |
| 21. | Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
| 22. | "Mwanakomana womunhu, tsumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsiraeri, inoti, `Mazuva anoramba achiwedzerwa, asi zvakaoneswa zvose hazviitiki?' |
| 23. | Naizvozvo vaudze, uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri;' asi uti kwavari, `Mazuva ava pedo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.' |
| 24. | Nokuti pakati peimba yaIsiraeri hapangazovi kuoneswa kwenhema kana kuporofita kunobata kumeso. |
| 25. | "Nokuti ndini Jehovha; ndichataura, neshoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nokuti pamazuva enyu, iwe imba inondimukira simba, ndichataura shoko nokuriitawo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 26. | Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, |
| 27. | "Mwanakomana womunhu, tarira, veimba yaIsiraeri vanoti, `Zvaakaoneswa ndezvamazuva ari kure anozouya, anoporofita zvenguva dziri kure.' |
| 28. | Naizvozvo uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, hakuna shoko rimwe ramashoko angu richazononoka, asi shoko randichataura richaitika,' " ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| ← Ezekiel (12/48) → |