Ezekiel (12/48)  

1. Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2. "Mwanakomana womunhu, ugere pakati pavanhu veimba inondimukira simba, vana meso okuona, asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa, asi havanzwi; nokuti iimba inondimukira simba.
3. "Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba.
4. "Unofanira kubudisa nhumbi dzako masikati vachizviona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; zvino madekwana iwe umene unofanira kubuda vachizviona, sezvinoita vanhu kana votama.
5. Zvino uboore rusvingo vachizviona, ubudise nhumbi dzako napo.
6. Unofanira kudzitakura pafudzi rako vachizviona, ndokudzibudisa kwasviba; unofanira kufukidza chiso chako, kuti urege kuona zvenyika; nokuti ndakakuita chiratidzo kuimba yalsiraeri."
7. Ini ndikaita sezvandakarayirwa; ndakabudisa nhumbi dzangu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, madekwana ndikabvovora rusvingo noruoko rwangu; ndakadzibudisa kwasviba, ndikadzitakura pafudzi rangu vachizviona.
8. Zvino mangwanani shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
9. "Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri, iyo imba inondimukira, havana kuti kwauri, `Unoiteiko?'
10. Uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusaremu neimba yose yaIsiraeri iri pakati pavo.'
11. Uti, `Ndini chiratidzo chenyu; sezvandakaita ini, ndizvo zvavachaitirwa ivo; vachatama vachitapwa.'
12. Muchinda ari pakati pavo achatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwasviba, ndokubuda; vachabvovora rusvingo kuti vadzibudise napo; achafukidza meso ake, nokuti haangaoni nyika nameso ake.
13. Ndichakandawo mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa mumusungo wangu; ndichamuisa Bhabhironi kunyika yavaKaradhea; asi haangaioni, kunyange zvakadaro achafirako.
14. Ndichaparadzira kumhepo dzose vose vakamupoteredza vangamubatsira, namapoka ake ose ndichavavhomorera munondo ndichivateverera.
15. "Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivadzingira pakati pamarudzi, nokuvaparadzira kunyika dzose.
16. Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nehosha yakaipa;kuti vanoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha."
17. Shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri, richiti,
18. "Mwanakomana womunhu, idya zvokudya zvako nokubvunda nokunwa mvura yako nokudedera nokutya;
19. uti kuvanhu venyika iyi, `Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokunwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba, yavose vanogaramo.'
20. Maguta anogarwa navanhu achaparadzwa, nenyika ichaitwa dongo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha."
21. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
22. "Mwanakomana womunhu, tsumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsiraeri, inoti, `Mazuva anoramba achiwedzerwa, asi zvakaoneswa zvose hazviitiki?'
23. Naizvozvo vaudze, uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri;' asi uti kwavari, `Mazuva ava pedo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.'
24. Nokuti pakati peimba yaIsiraeri hapangazovi kuoneswa kwenhema kana kuporofita kunobata kumeso.
25. "Nokuti ndini Jehovha; ndichataura, neshoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nokuti pamazuva enyu, iwe imba inondimukira simba, ndichataura shoko nokuriitawo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
26. Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
27. "Mwanakomana womunhu, tarira, veimba yaIsiraeri vanoti, `Zvaakaoneswa ndezvamazuva ari kure anozouya, anoporofita zvenguva dziri kure.'
28. Naizvozvo uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, hakuna shoko rimwe ramashoko angu richazononoka, asi shoko randichataura richaitika,' " ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

  Ezekiel (12/48)