Ezekiel (11/48)  

1. Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundiisa kusuo ramabvazuva reimba yaJehovha, raitarira kumabvazuva; ndikaona pamukova wesuo varume vana makumi maviri navashanu, ndikaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratia mwanakomana waBhenaia, machinda avanhu.
2. Akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanofunga zvakaipa, vanorayirira mano akaipa muguta rino;
3. vanoti, `Nguva ichigere kuswedera yokuvaka dzimba, guta igate, isu tiri nyama.'
4. "Naizvozvo chivaporofitira, Mwanakomana womunhu, chiporofita."
5. Ipapo Mweya waJehovha wakawira pamusoro pangu, akati kwandiri, "Taura, uti, `Zvanzi naJehovha, ndizvo zvamakataura, imi imba yaIsiraeri; nokuti ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu.
6. Makawanza vamakauraya muguta rino, makazadza nzira dzaro navakaurawa.'
7. "Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Vamakauraya, vamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imi muchabudiswa mukati maro.
8. Makatya munondo; ini ndichauyisa munondo pamusoro penyu,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9. Ini ndichakubudisai mukati maro, ndichakuisai mumaoko avatorwa, ndichaita zvandakatonga pakati penyu.
10. "Muchaurawa nomunondo; ndichakutongai munyika yaIsiraeri, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.-
11. Guta rino haringavi gate renyu, nemi hamungavi nyama mukati maro; ndichakutongai munyika yaIsiraeri.
12. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, nokuti hamuna kufamba nemitemo yangu kana kuita zvandakarayira, asi makatevera mirayiro yamarudzi anokupoteredzai."
13. Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso changu, ndikachema nenzwi guru ndichiti, "Aiwa, Ishe Jehovha! Moda kupedza chose vakasara vose vaIsiraeri here?"
14. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
15. "Mwanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, vanhu vorudzi rwako, neimba yose yaIsiraeri, ivo vose, ndivo vakanzi navagere Jerusaremu, `Ibvai kure naJehovha, nyika ino yakapiwesu, ive yedu.'
16. "Naizvozvo uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, zvandakavabvisa, ndikavaisa kure pakati pamarudzi, uye zvandakavaparadzira pakati penyika, ndichava kwavari nzvimbo tsvene nguva duku kunyika idzo kwavakaenda kwadziri;'
17. naizvozvo uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuunganidzai mubve pakati pamarudzi, ndichakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsiraeri.'
18. "Vachadzokerako nokubvisamo zvose zvayo zvinosemesa nezvose zvayo zvinonyangadza.
19. Ndichavapa moyo mumwe, nokuisa mweya mutsva mukati menyu; ndichabvisa moyo webwe munyama yavo, ndokuvapa moyo wenyama;
20. kuti vafambe nemitemo yangu, vachengete zvandakarayira nokuzviita; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
21. Asi kana vari ivo, vane moyo inotevera moyo yezvinhu zvavo zvinosemesa nezvinonyangadza, ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
22. Ipapo makerubhi akasimudza mapapiro awo, namakumbo engoro akanga ari pamativi awo; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwavo.
23. Kubwinya kwaJehovha ndokukwira kuchibva mukati meguta, ndokumira pamusoro pegomo riri kumabvazuva eguta.
24. Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhea kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri.
25. Ipapo ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.

  Ezekiel (11/48)