Ezekiel (1/48)  

1. Zvino negore ramakumi matatu, nomwedzi wechina, nezuva rechishanu romwedzi, ini ndiri pakati pavakatapwa parwizi rwaKebhari, kudenga kwakazarurwa, ndikaona zvandakaratidzwa zvaMwari.
2. Nezuva rechishanu romwedzi, riri gore rechishanu rokutapwa kwamambo Jehoiakini,
3. shoko raJehovha rakasvika kumupirisiti Ezekieri, mwanakomana waBhuzi, munyika yavaKaradhea, parwizi rwaKebhari; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake ipapo
4. Ndikatarira, ndikaona dutu remhepo richibva kurutivi rwokumusoro, riri gore guru rinomoto wairamba uchipenya, rakakomberedzwa nokubwinya, nomukati maro, imo mukati momoto, mune chinhu chaipenya sedare.
5. Zvino mukati mazvo mukabuda zvakanga zvakaita sezvipenyu zvina. Zvakanga zvakadai: Zvakanga zvakafanana nomunhu;
6. chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina, nechimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana.
7. Makumbo azvo akanga akarurama, pasi petsoka dzadzo pakanga pakaita sapasi petsoka dzemhuru; dzaipenya sendarira yakabwinyiswa.
8. Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo kumativi azvo mana; zvose zviri zvina zvakanga zvakadai pazviso zvazvo namapapiro azvo:
9. Mapapiro azvo akanga akabatana; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo, asi chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho.
10. Kana zviri zviso zvazvo pakuonekwa kwazvo, zvaiva nechiso chomunhu; zvose zviri zvina zvaiva nechiso cheshumba kurutivi rworudyi; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kurutivi rworuboshwe; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chegondohwe.
11. Zviso zvazvo namapapiro azvo zvakanga zvakaparadzana kumusoro; mapapiro maviri echimwe nechimwe akanga akabatana, asi maviri akanga akafukidza muviri wazvo.
12. Chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho; kwaida kufamba mweya, ndiko kwazvaifamba; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo.
13. Kana zviri zvipenyu pakuonekwa kwazvo, zvakanga zvakafanana namazimbe omoto anopfuta, zvakafanana namazhenje; moto wairamba uchifamba pakati pezvipenyu; moto waipenya, nomukati momoto maibuda mheni.
14. Zvipenyu zvaimhanya zvichidzoka, zvakafanana nokupenya kwemheni.
15. Zvino ndakati ndichitarira zvipenyu izvo, ndikaona gumbo rimwe rengoro riri pasi kurutivi rwezvipenyu izvo, kurutivi rumwe norumwe rwezviso zvacho.
16. Makumbo awo pakuonekwa kwawo nomuitirwo wawo zvakanga zvakafanana nebheriri; ose ari mana akanga akafanana; pakuonekwa kwawo napamuitirwo wawo zvakanga zvakaita segumbo rimwe riri mukati merimwe gumbo.
17. Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo.
18. Kana ari makango awo, akanga akakwirira uye achityisa; makango awo mana akanga azere nameso kwose-kwose.
19. Zvino kana zvipenyu zvofamba, makumbo ofambawo parutivi rwazvo, kana zvipenyu zvokwidzwa zvichibva pasi, naiwo makumbo okwidzwawo.
20. Pose-pose kwaida kufamba mweya, ndiko kwazvaifamba, makumbo ndokukwidzwa pamwechete nazvo, nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo.
21. Kana izvo zvofamba, iwo ofamba; kana izvo zvomira zvichibva pasi, makumbo okwidzwa pamwechete nazvo; nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo.
22. Kumusoro kwemisoro yezvipenyu kwakanga kune chinhu chakafanana nedenga, rakanga rakaita sekiristaro inotyisa, rakatatamurwa pamusoro pemisoro yazvo.
23. Pasi pedenga mapapiro azvo akanga akarurama, rimwe rakabatana nerimwe; chimwe nechimwe chazvo chakanga china mapapiro maviri aifukidza muviri wacho kurutivi rwowuno, nechimwe nechimwe chaiva namapapiro maviri aifukidza kurutivi rweseri.
24. Zvino kana zvofamba, ndainzwa kuunga kwamapapiro azvo zvichiita sokuunga kwemvura zhinji, senzwi reane simba rose, somubvumo webope wakaita sokutinhira kwehondo; kana zvomira, zvaipeta mapapiro azvo.
25. Kwakanga kunenzwi kumusoro kwedenga raiva pamusoro pemisoro yazvo; kana zvomira, zvaideredza mapapiro azvo.
26. Kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pemisoro yazvo, kwakanga kune chinhu chakafanana nechigaro chohushe, chaiita sebwe resafiri; pachinhu chakafanana nechigaro chohushe kwakanga kuno mufananidzo womunhu agere pamusoro pacho.
27. Zvino ndakaona zvakaita sedare rinopenya, zvakafanana nomoto mukati mazvo kumativi ose, zvakabva pakaita sechiuno chake zvichikwira kumusoro; zvino kubva ipapo pakaita sechiuno chake zvichienda pasi ndakaona chakaita somoto; iye akanga akakomberedzwa nokubwinya kumativi ose.
28. Sezvakaita murarawungu uri mugore nezuva remvura, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya pakuonekwa kwahwo kumativi ose. Ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwaJehovha. Zvino ndakati ndichizviona, ndikawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe akanga achitaura.

      Ezekiel (1/48)