| ← Exodus (9/40) → |
| 1. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Pinda kuna Farao, undomuudza, uti, `Zvanzi naJehovha, Mwari waVaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.' |
| 2. | Nokuti kana ukaramba kuvatendera, ukaramba uchivadzivisa, |
| 3. | tarira, ruoko rwaJehovha ruchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, napamusoro pamabhiza, napamusoro pembongoro, napamusoro pamakamera, napamusoro pemombe, napamusoro pezvipfuwo zviduku; hosha yakaipa kwazvo ichavapo. |
| 4. | Jehovha acharaura zvipfuwo zvavaIsiraeri pazvipfuwo zvavaIjipiti; hapana chimwe chingafa pazvipfuwo zvose zvavaIsiraeri." |
| 5. | Zvino Jehovha akatara nguva akati, "Mangwana Jehovha achaita chinhu ichi munyika ino." |
| 6. | Fume mangwana Jehovha akaita chinhu ichocho, zvipfuwo zvose zveIjipiti zvikafa; asi pazvipfuwo zvavana vaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange nechimwe chete. |
| 7. | Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvavaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange chimwe chete. Asi moyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda. |
| 8. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, "Torai tsama dzamadota echoto, Mozisi aakushire kudenga pamberi paFarao. |
| 9. | Achashanduka guruva rakatsetseka panyika yose yeIjipiti, achiita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo zvose zveIjjipiti." |
| 10. | Ivo vakatora madota echoto, vakamira pamberi paFarao, Mozisi akaakushira kudenga, akaita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo. |
| 11. | Zvino n’anga dzakanga dzisingagoni kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota, nokuti mamota akanga ari pan’anga napavaIjipiti vose. |
| 12. | Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi. |
| 13. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari, `Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.' |
| 14. | Nokuti nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pomoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose. |
| 15. | Nokuti dai ndisakadaro, ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika; |
| 16. | asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose. |
| 17. | Zvino ucharamba uchingozvikudza uchirwa navanhu vangu, usingadi kuvatendera kuenda here? |
| 18. | Tarira, mangwana, nenguva yakaita seino, ndichanisa chimvuramabwe chakaipa kwazvo, chisina kumbovapo paIjipiti kubva pakuvambwa kwayo kusvikira zvino. |
| 19. | Naizvozvo zvino tuma vanhu, uunganidze zvipfuwo zvako nezvose zvaunazvo kusango, nokuti vanhu vose nezvipfuwo zvose zvinowanikwa kusango, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramabwe zvikafa." |
| 20. | Zvino vakatya shoko raJehovha pakati pavaranda vaFarao vakaraira kuti varanda vavo nezvipfuwo zvavo zvitizire mudzimba. |
| 21. | Asi vakanga vasingateereri shoko raJehovha, vakarega varanda vavo nezvipfuwo zvavo kusango. |
| 22. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeIjipiti, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeIjipiti." |
| 23. | Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, moto wemheni ukarova pasi. Jehovha akanaisa chimvuramabwe panyika |
| 24. | Chimvuramabwe chikavapo, nomoto wakavengana nechimvuramabwe, chikanyanya kwazvo, chisina kumbovapo panyika yose yeIjipiti, kubva pakutanga kworudzi ipapo. |
| 25. | Chimvuramabwe chikarova zvose zvakanga zviri kusango, vanhu nezvipfuwo, panyika yose yeIjipiti; chimvuramabwe chikarova miriwo yose yeminda, chikavhuna miti yose yesango. |
| 26. | Asi munyika yeGosheni bedzi, imo makanga muna vana vaIsiraeri, ndipo pakanga pasina chimvuramabwe. |
| 27. | Zvino Farao akatuma vanhu kundodana Mozisi naAroni, akati kwavari, "Nguva ino ndatadza; Jehovha akarurama, asi ini navaranda vangu takaipa. |
| 28. | Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti kutinhira kukuru kwaMwari nechimvuramabwe zvaringana; ndichakutenderai kuenda, murege kugara." |
| 29. | Mozisi akati kwaari, "Kana ndangobuda paguta, ndichatambanudzira maoko angu kuna Jehovha; ipapo kutinhira kuchanyarara, nechimvuramabwe hachizovipo; muchaziva kuti nyika yose ndeyaJehovha. |
| 30. | Asi kana murimwi navaranda venyu, ndinoziva kuti hamungatyi Jehovha Mwari." |
| 31. | Miti yoruchinda nebhari zvikarohwa, nokuti bhari yakanga yatumbuka, nemiti yoruchinda yakanga yava namaruva. |
| 32. | Asi zviyo zvekoroni nezvesipereti hazvina kurohwa, nokuti zvakanga zvisina kukura. |
| 33. | Zvino Mozisi akabuda muguta pamberi paFarao, akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha, kutinhira nechimvuramabwe zvikanyarara, nemvura ikasadururirwa panyika. |
| 34. | Zvino Farao akati aona kuti mvura nechimvuramabwe nokutinhira zvanyarara, akawedzera kutadza, akaomesa moyo wake, iye navaranda vake. |
| 35. | moyo waFarao ukaomeswa, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda; sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waMozisi. |
| ← Exodus (9/40) → |