← Exodus (8/40) → |
1. | Zvino Jehovha akati kuna. Mozisi, "Pinda kuna Farao, uti kwaari, `Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.' |
2. | Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya; |
3. | rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhovo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya; |
4. | matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose." |
5. | Jehovha akati kuna Mozisi, "Iti kuna Aroni, `Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika " |
6. | Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeljipiti, matatya akakwira, akafukidza nyika yeIjipiti. |
7. | N’anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeIjipiti. |
8. | Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, "Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha." |
9. | Mozisi akati kuna Farao, "imwi mukudzwe kupfuura ini ! Ndokunyengetererai nguva ipi, imwi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi bedzi?" |
10. | Iye akati, "Mangwana." Akati, "Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu. |
11. | Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi bedzi." |
12. | Mozisi naAroni vakabuda muna Farao, Mozisi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao. |
13. | Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMozisi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa. |
14. | Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa. |
15. | Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa moyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha. |
16. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Iti kuna Aroni, `Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika " |
17. | Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose |
18. | N’anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo. |
19. | Zvino n’anga dzakati kuna Farao, "Munwe waMwari"; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha. |
20. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, `Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.' |
21. | Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire. |
22. | Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose. |
23. | Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana." |
24. | Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeIjipiti; nyika ikaodzwa namapute enhunzi. |
25. | Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, "Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino." |
26. | Mozisi akati, "Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here? |
27. | Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira." |
28. | Farao akati, "Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei." |
29. | Mozisi akati, "Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha." |
30. | Ipapo Mozisi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha. |
31. | Jehovha akaita sezvakakumbira Mozisi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe. |
32. | Asi Farao akaomesa moyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda. |
← Exodus (8/40) → |