Exodus (8/40)  

1. Zvino Jehovha akati kuna. Mozisi, "Pinda kuna Farao, uti kwaari, `Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.'
2. Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya;
3. rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhovo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;
4. matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose."
5. Jehovha akati kuna Mozisi, "Iti kuna Aroni, `Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika "
6. Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeljipiti, matatya akakwira, akafukidza nyika yeIjipiti.
7. N’anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.
8. Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, "Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha."
9. Mozisi akati kuna Farao, "imwi mukudzwe kupfuura ini ! Ndokunyengetererai nguva ipi, imwi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi bedzi?"
10. Iye akati, "Mangwana." Akati, "Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu.
11. Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi bedzi."
12. Mozisi naAroni vakabuda muna Farao, Mozisi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.
13. Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMozisi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa.
14. Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa.
15. Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa moyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha.
16. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Iti kuna Aroni, `Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika "
17. Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose
18. N’anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo.
19. Zvino n’anga dzakati kuna Farao, "Munwe waMwari"; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
20. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, `Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.'
21. Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire.
22. Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose.
23. Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana."
24. Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeIjipiti; nyika ikaodzwa namapute enhunzi.
25. Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, "Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino."
26. Mozisi akati, "Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here?
27. Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira."
28. Farao akati, "Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei."
29. Mozisi akati, "Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha."
30. Ipapo Mozisi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha.
31. Jehovha akaita sezvakakumbira Mozisi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe.
32. Asi Farao akaomesa moyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda.

  Exodus (8/40)