| ← Exodus (4/40) → |
| 1. | Zvino Mozisi akapindura akati, "Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera inzwi rangu, nokuti vachati, `Jehovha haana kuzviratidza kwauri.' " |
| 2. | Jehovha akati kwaari, "Chiiko icho chiri muruoko rwako?" Akati, "Itsvimbo." |
| 3. | Akati, "Ikandire pasi." Akaikandira pasi, ikashanduka kuva nyoka, Mozisi akaitiza. |
| 4. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudza ruoko rwako, uibate parumhinda; (iye akatambanudza ruoko rwake, akaibata, ikashanduka kuva tsvimbo muruoko rwake); |
| 5. | kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwauri." |
| 6. | Jehovha akatiwo kwaari, "Isa ruoko rwako muchipfuva chako." Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando. |
| 7. | Akati, "Isa ruoko rwako muchipfuva chakozve. (Iye akaisa ruoko rwake muchipfuva chakezve; zvino akati achirubvisa muchipfuva chake, onei rwashandukazve senyama yake.) |
| 8. | Zvino kana vachiramba kukutenda, kana kuteerera inzwi rechiratidzo chokutanga, vachatenda inzwi rechiratidzo chechipiri. |
| 9. | Zvino kana vachiramba kutenda zviratidzo izvo zviviri, kana kutenda inzwi rako, uchere mvura yomurwizi, uidururire pakaoma, ipapo mvura yawachera ichashanduka ropa ipapo pakaoma." |
| 10. | Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, "Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni." |
| 11. | Jehovha akati kwaari, "Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here? |
| 12. | Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura." |
| 13. | Iye akati, "Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoda kutuma naye." |
| 14. | Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mozisi, akati, "Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumoyo make. |
| 15. | Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndichava nomuromo wako, uye nomuromo wake, ndikudzidzisei zvamunofanira kuita. |
| 16. | "Iye achataura navanhu panzvimbo yako, agova muromo wako, iwe uchava saMwari kwaari. |
| 17. | Zvino tora tsvimbo iyi muruoko rwako, ugoita zviratidzo nayo." |
| 18. | Zvino Mozisi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, "Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Ijipiti, ndindoona kana vachiri vapenyu." Jeturo akati kuna Mozisi, "Enda hako norugare." |
| 19. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi paMidhiani, "Enda, udzokere Ijipiti, nokuti vanhu vose vaitsvaka kukuuraya vakafa." |
| 20. | Ipapo Mozisi akatora mukadzi wake navana vake vavakomana, akavatasvisa pambongoro, akadzokera kunyika yeIjipiti; Mozisi akatora tsvimbo yaMwari muruoko rwake. |
| 21. | Jehovha akati kuna Mozisi, "Kana wodzokera Ijipiti, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa moyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda. |
| 22. | Zvino undoti kuna Farao, `Zvanzi naJehovha, Isiraeri, mwanakomana wangu, idangwe rangu'; |
| 23. | ndakati kwauri, `Tendera mwanakomana wangu kuenda andinamate'; iwe ukaramba kumutendera; zvino tarira ndichauraya mwanakomana wako wedangwe." |
| 24. | Zvino vachiri panzira, pavakanga vavata, Jehovha akasangana naye, akatsvaka kumuuraya. |
| 25. | Ipapo Zipora akatora ibwe rinopinza, akacheka rukanda rwapamberi rwomwanakomana wake, akarukanda patsoka dzake akati, "Zvirokwazvo, uri chikomba cheropa kwandiri." |
| 26. | Naizvozvo akamurega. Ipapo akati, "Uri chikomba cheropa nokuda kwokudzingiswa." |
| 27. | Zvino Jehovha akati kuna Aroni, "Enda kurenje undosangana naMozisi." Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda. |
| 28. | Ipapo Mozisi akaudza Aroni mashoko ose aJehovha, aakanga amutuma nawo, nezviratidzo zvose zvaakanga amuraira. |
| 29. | Mozisi naAroni vakaenda, vakaunganidza vakuru vose vavana valsiraeri. |
| 30. | Aroni akataura mashoko ose akataurwa naJehovha kuna Mozisi, akaita zviratidzo pamberi pameso avanhu. |
| 31. | Vanhu vakatenda; zvino vakati vanzwa kuti Jehovha washanyira vana vaIsiraeri, akaona kunetswa kwavo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata Jehovha. |
| ← Exodus (4/40) → |