Exodus (4/40)  

1. Zvino Mozisi akapindura akati, "Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera inzwi rangu, nokuti vachati, `Jehovha haana kuzviratidza kwauri.' "
2. Jehovha akati kwaari, "Chiiko icho chiri muruoko rwako?" Akati, "Itsvimbo."
3. Akati, "Ikandire pasi." Akaikandira pasi, ikashanduka kuva nyoka, Mozisi akaitiza.
4. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudza ruoko rwako, uibate parumhinda; (iye akatambanudza ruoko rwake, akaibata, ikashanduka kuva tsvimbo muruoko rwake);
5. kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwauri."
6. Jehovha akatiwo kwaari, "Isa ruoko rwako muchipfuva chako." Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando.
7. Akati, "Isa ruoko rwako muchipfuva chakozve. (Iye akaisa ruoko rwake muchipfuva chakezve; zvino akati achirubvisa muchipfuva chake, onei rwashandukazve senyama yake.)
8. Zvino kana vachiramba kukutenda, kana kuteerera inzwi rechiratidzo chokutanga, vachatenda inzwi rechiratidzo chechipiri.
9. Zvino kana vachiramba kutenda zviratidzo izvo zviviri, kana kutenda inzwi rako, uchere mvura yomurwizi, uidururire pakaoma, ipapo mvura yawachera ichashanduka ropa ipapo pakaoma."
10. Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, "Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni."
11. Jehovha akati kwaari, "Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here?
12. Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura."
13. Iye akati, "Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoda kutuma naye."
14. Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mozisi, akati, "Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumoyo make.
15. Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndichava nomuromo wako, uye nomuromo wake, ndikudzidzisei zvamunofanira kuita.
16. "Iye achataura navanhu panzvimbo yako, agova muromo wako, iwe uchava saMwari kwaari.
17. Zvino tora tsvimbo iyi muruoko rwako, ugoita zviratidzo nayo."
18. Zvino Mozisi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, "Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Ijipiti, ndindoona kana vachiri vapenyu." Jeturo akati kuna Mozisi, "Enda hako norugare."
19. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi paMidhiani, "Enda, udzokere Ijipiti, nokuti vanhu vose vaitsvaka kukuuraya vakafa."
20. Ipapo Mozisi akatora mukadzi wake navana vake vavakomana, akavatasvisa pambongoro, akadzokera kunyika yeIjipiti; Mozisi akatora tsvimbo yaMwari muruoko rwake.
21. Jehovha akati kuna Mozisi, "Kana wodzokera Ijipiti, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa moyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda.
22. Zvino undoti kuna Farao, `Zvanzi naJehovha, Isiraeri, mwanakomana wangu, idangwe rangu';
23. ndakati kwauri, `Tendera mwanakomana wangu kuenda andinamate'; iwe ukaramba kumutendera; zvino tarira ndichauraya mwanakomana wako wedangwe."
24. Zvino vachiri panzira, pavakanga vavata, Jehovha akasangana naye, akatsvaka kumuuraya.
25. Ipapo Zipora akatora ibwe rinopinza, akacheka rukanda rwapamberi rwomwanakomana wake, akarukanda patsoka dzake akati, "Zvirokwazvo, uri chikomba cheropa kwandiri."
26. Naizvozvo akamurega. Ipapo akati, "Uri chikomba cheropa nokuda kwokudzingiswa."
27. Zvino Jehovha akati kuna Aroni, "Enda kurenje undosangana naMozisi." Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda.
28. Ipapo Mozisi akaudza Aroni mashoko ose aJehovha, aakanga amutuma nawo, nezviratidzo zvose zvaakanga amuraira.
29. Mozisi naAroni vakaenda, vakaunganidza vakuru vose vavana valsiraeri.
30. Aroni akataura mashoko ose akataurwa naJehovha kuna Mozisi, akaita zviratidzo pamberi pameso avanhu.
31. Vanhu vakatenda; zvino vakati vanzwa kuti Jehovha washanyira vana vaIsiraeri, akaona kunetswa kwavo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata Jehovha.

  Exodus (4/40)