Exodus (35/40)  

1. Zvino Mozisi wakaunganidza ungano yose yavana vaIsiraeri, akati kwavari, "Ndiwo mashoko akarairwa naJehovha kuti muaite.
2. Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe rinofanira kuva kwamuri zuva dzvene, Sabata rokuzorora kwazvo pamberi paJehovha; ani naani anobata basa ripi neripi naro, ngaaurawe.
3. Regai kuvesa moto padzimba dzenyu dzose nezuva reSabata."
4. Mozisi akataura neungano yose yavana vaIsiraeri, akati, "Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha, achiti,
5. â€˜Ripirai Jehovha chipo pazvinhu zvenyu; ani naani ane moyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha, zvinoti: Ndarama, nesirivha, nendarira,
6. nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
7. namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, namatanda omuakasia,
8. namafuta omwenje, nezvinonhuwira zvamafuta okuzodza, noupfu hunonhuwira,
9. nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.
10. " `Varume vose pakati penyu vane moyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarairwa naJehovha;
11. zvinoti: Tabhenakeri netende rayo, nechifukidzo chayo, nezvikorekedzo zvayo, namapuranga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;
12. neareka, namatanda ayo, nechifunhiro chokuyananisa, nechidzitiro chinodzitira,
13. netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza,
14. nechigadziko chemwenje yokuvheneka nayo, nenhumbi dzacho, nemwenje yacho, namafuta okuvhenekesa nawo,
15. nearitari yezvinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noupfu hunonhuwira, nechidzitiro chomukova pamukova wetabhenakeri,
16. nearitari yezvipiriso zvinopiswa, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo,
17. nezvidzitiro zvoruvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuo roruvanze,
18. nembambo dzetabhenakeri, nembambo dzoruvanze, netambo dzadzo,
19. nenguvo dzakarukwa zvakanaka dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguvo tsvene dzaAroni mupirisiti, nenguvo dzavanakomana vake dzokushumira nadzo pabasa roupirisiti.' "
20. Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva kuna Mozisi,
21. vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguvo tsvene.
22. Vakauya varume navakadzi, vose vaiva nemoyo yakanga ichida, vakauya nezvikorekedzo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvokusimbisa, nezvishongo zvamaoko, nezvishongo zvose zvendarama; mumwe nomumwe wakavigira Jehovha chipo chendarama.
23. Murume mumwe nomumwe waiva nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, wakauya nazvo.
24. Mumwe nomumwe waigona kuripa chipo chesirivha nechendarira wakauya nechipo chaJehovha; mumwe nomumwe waiva namatanda omuakasia, avaigona kubata nawo, wakauya nawo.
25. Vakadzi vose vaiva nemoyo yakangwara vakaruka namaoko avo, vakauya nezvavakaruka, zvaiti: Zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.
26. Vakadzi vose vakanga vamutswa nemoyo yavo kuva vakachenjera vakaruka mvere dzembudzi.
27. Navakuru vakauya nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi, napahombodo yechipfuva,
28. nemiti inonhuwira, namafuta okuvhenekesa nawo, nezvokuzodza nazvo, noupfu hunonhuwira.
29. Vana vaIsiraeri vakauya nemoyo yavo nezvipo zvokupa Jehovha; murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe waitendiswa nomoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarairwa naJehovha, kuti riitwe naMozisi.
30. Zvino Mozisi akati kuvana vaIsiraeri, "Tarirai, Jehovha wakadana nezita rake Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
31. akamuzadza noMweya waMwari ave nokuchenjera, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa,
32. kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,
33. nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona kubata mabasa ose oumhizha.
34. Akaisa mumoyo make uchenjeri hwokudzidzisa vamwe, iye naOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani.
35. Akavazadza nokuchenjera kwomoyo, kuti vagone kubata mabasa ose omuvezi wamabwe, neemhizha, naavasoni vezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, naavaruki vanobata mabasa ose, naavose vanofunga mano amabasa oumhizha."

  Exodus (35/40)