Exodus (33/40)  

1. Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, "Ibva pano, kwira, iwe navanhu vawakabudisa munyika yeIjipiti, muende kunyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ndichaipa vana vako;
2. ndichatuma mutumwa pamberi penyu, kuti ndidzinge vaKenani, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, naJebhusi,
3. muende kunyika inoyerera mukaka nouchi, nokuti ini handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira."
4. Zvino vanhu vakati vachinzwa mashoko iwayo akaipa, vakachema; kwakanga kusina munhu wakashonga zvishongo zvake.
5. lpapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Uti kuvana valsiraeri, `Muri vanhu vane mitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu chinguva chimwe chiduku-duku, ndingakuparadzai; naizvozvo bvisai zvishongo zvenyu zvino, ndizive chandingakuitirai.' "
6. Ipapo vana valsiraeri vakabvisa zvishongo zvavo kubva pagomo reHorebhu.
7. Zvino Mozisi waisitora tende, achindoridzika kunze kwemisasa, kure nemisasa, akaritumidza zita rinonzi, Tende rokusangana. Zvino mumwe nomumwe waitsvaka Jehovha, waibudira kutende rokusangana, rakanga riri kunze kwemisasa.
8. Zvino kwaiti kana Mozisi obudira kutende, vanhu vose vaisimuka, vakamira mumwe nomumwe pamukova wetende rake, vakaramba vakatarira Mozisi kusvikira apinda mutende.
9. Zvino kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaJehovha yaiburuka ikamira pamukova wetende, Jehovha akataura naMozisi.
10. Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova wetende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake.
11. Ipapo Jehovha waitaura naMozisi zviso zvakatarisana, somunhu anotaurirana neshamwari yake. Zvino wodzokerazve kumisasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, haazaibva patende.
12. Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, "Tarirai, makati kwandiri, `Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni,' kunyange makati, `Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.'
13. Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu; rangariraiwo kuti rudzi urwu ndivanhu venyu."
14. Jehovha akati, "Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo."
15. Akati kwaari, "Kana imwi mumene musingaendi neni, regai henyu kutibvisa pano.
16. Nokuti zvichazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini navanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigova vakatsaurwa, ini navanhu venyu pakati pavamwe vanhu vose vapanyika dzose here?"
17. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako."
18. Iye akati, "Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu."
19. Jehovha akati, "Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako, asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi."
20. Akatiwo, "Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona, akazorarama."
21. Jehovha akatiwo, "Tarira pane nzvimbo kuno kwandiri, ungamira pabwe.
22. Zvino kana kubwinya kwangu kwopfuura, ndichakupinza mumukana webwe, ndigokufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura;
23. ipapo ndichabvisa ruoko rwangu, ugondiona necheshure; asi chiso changu hachionekwi."

  Exodus (33/40)