Exodus (32/40)  

1. Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mozisi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, "Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika hatizivi chakaitika naye."
2. Zvino Aroni akati kwavari, "Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri."
3. Zvino vanhu vose vakagura zvindori zvendarama zvakanga zviri panzeve dzavo, vakauya nazvo kuna Aroni.
4. Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, "Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti."
5. Zvino Aroni wakati achizviona, akavaka aritari pamberi payo, Aroni akadanidzira, akati, "Mangwana mutambo uchavapo kuna Jehovha."
6. Vakafumira mangwanani, vakapisira zvipiriso zvinopiswa, vakauyawo nezvipiriso zvokuyananisa, vanhu vakagara pasi, vakadya nokunwa, vakasimuka, vakatamba.
7. Zvino Jehovha akataura naMozisi akati, "Enda, buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa munyika yeIjipiti, vazvitadzira.
8. Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, `Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti. "
9. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Ndatarira vanhu ava, ndaona kuti vanhu vane mitsipa mikukutu;
10. naizvozvo zvino ndirege hako, kuti shungu dzangu dzivamukire, ndivapedze, ndikuite iwe rudzi rukuru."
11. Ipapo Mozisi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, "Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba.
12. VaIjipiti vangazoreva seiko vachiti, `Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika?' Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai.
13. Rangarirai henyu Abhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, varanda venyu, vamakazvipikira mumene, mukati kwavari, `Ndichawanza vana venyu senyeredzi dzokudenga, nenyika yose iyi, yandakareva, ndichaipa vana venyu, vaigare nhaka nokusingaperi.' "
14. Zvino Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga achifunga kuitira vanhu vake.
15. Zvino Mozisi akatendeuka akaburuka pagomo, ana mahwendefa maviri echipupuriro muruoko rwake; mahwendefa akanga akanyorwa nhivi dzawo dzose, akanga akanyorwa seri neseri.
16. Mahwendefa iwayo rakanga riri basa raMwari, norunyoro rwakanga ruri runyoro rwaMwari, rwakanga rwakatemwa pamahwendefa.
17. Zvino Joshua wakati achinzwa mhere-mhere yavanhu vanopururudza, akati kuna Mozisi, "Kune mhere-mhere yokurwa kumisasa."
18. Iye akati, "Haazi manzwi avanhu vanodanidzira pakukunda kwavo, kana manzwi avanhu vanodanidzira pakukundwa kwavo; asi ndinonzwa mheremhere yavanhu vanoimba."
19. Zvino wakati aswedera kumisasa, akaona mhuru nokutamba. Ipapo shungu dzaMozisi dzikamuka, akakanda mahwendefa aiva mumaoko pasi, akaaputsa mujinga megomo.
20. Akatora mhuru yavakanga vaita, akaipisa nomoto, akaikuya ikaita upfu, akaikanda mumvura, ndokunwisa vaIsiraeri izvozvo.
21. Mozisi akati kuna Aroni, "Vanhu ava vakakuitireiko, zvawauyisa chivi ichi chikuru pamusoro pavo?"
22. Aroni akati, "Shungu dzashe wangu ngadzirege kumuka hadzo; munoziva vanhu ava, kuti vanongoda kutadza.
23. Nokuti vakati kwandiri, `Tiitirei vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, munhu uya wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.'
24. Ndikati kwavari, `Ani naani une ndarama, ngaaigure;' zvino vakandipa, ndikaikandira mumoto, mhuru iyi ikabudamo."
25. Zvino Mozisi wakati aona kuti vanhu varasa Jehovha, nokuti Aroni wakanga avarasisa, kuti vasekwe navavengi vavo,
26. Mozisi akandomira musuo remisasa, akati, "Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri." Vana vaRevhi vose vakaungana kwaari.
27. Akati kwavari, "Zvanzi naJehovha Mwari wavaIsiraeri, `Mumwe nomumwe wenyu ngaasungire munondo wake pachidya chake, mufambe-fambe muchibva pane rimwe suo muchienda kune rimwe suo pakati pemisasa, mumwe nomumwe auraye hama yake, nomumwe nomumwe shamwari yake, nomumwe nomumwe munhu wokwake.' "
28. Vana vaRevhi vakaita sezvakanga zvarehwa naMozisi; nomusi iwoyo vakafa pakati pavanhu vanenge vane zviuru zvitatu.
29. Zvino Mozisi akati, "Zviparadzanisei nhasi kuna Jehovha, kuti munhu mumwe nomumwe arwe nomwanakomana wake uye nehama yake, kuti akuropafadzei nhasi."
30. Zvino fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, "imwi makatadza nokutadza kukuru, asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndingayananisira zvivi zvenyu."
31. Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, "Haiwa, vanhu ava vakatadza nokutadza kukuru, vakazviitira vamwari vendarama;
32. zvino dai muchivakanganwira henyu zvivi zvavo; asi kana musingadi henyu, ndidzimei pabhuku renyu ramakanyora."
33. Jehovha akati kuna Mozisi, "Uyo wakanditadzira, ndiye wandichadzima pabhuku rangu.
34. Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakavaudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira, asi nomusi wandicharova nawo, ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo."
35. Jehovha akarova vanhu, nokuti vakanga vaita mhuru yakaitwa naAroni.

  Exodus (32/40)