| ← Exodus (31/40) → |
| 1. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, |
| 2. | "Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana, waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake, |
| 3. | ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa, |
| 4. | kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira, |
| 5. | nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa. |
| 6. | Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumoyo yavose vane moyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti, vaite, zvose zvandakakuraira, |
| 7. | zvinoti: Tende rokusangana, neareka yechipupuriro, nechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetabhenakeri, |
| 8. | netafura nenhumbi dzayo, nechigadziko chemwenje chakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, nearitari yezvinonhuwira, |
| 9. | nearitari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, |
| 10. | nenguvo dzakarukwa zvakanaka, nenguvo tsvene dzaAroni mupirisiti, nenguvo dzavanakomana vake dzokubata basa roupirisiti nadzo, |
| 11. | namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvemiti inonaka zvapanzvimbo tsvene; vanofanira kuita zvose sezvandakakuraira." |
| 12. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, |
| 13. | "Taura navana vaIsiraeri, uti, `Zvirokwazvo munofanira kuchengeta maSabata angu; nokuti chiratidzo pakati pangu nemi kusvikira kumarudzi enyu ose, muzive kuti ndini Jehovha unokutsaurai. |
| 14. | Naizvozvo chengetai Sabata, nokuti idzvene kwamuri; ani naani unorizvidza ngaaurawe zvirokwazvo; nokuti ani naani unobata basa ripi neripi naro, munhu uyo ngaabviswe pakati porudzi rwake. |
| 15. | Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora kwazvo, idzvene kuna Jehovha; ani naani unobata basa ripi neripi nezuva reSabata, ngaaurawe zvirokwazvo. ' |
| 16. | Naizvozvo vana vaIsiraeri vanofanira kuchengeta Sabata, varangarire Sabata kusvikira kumarudzi avo ose; ive sungano isingaperi. |
| 17. | Chiratidzo pakati pangu navana vaIsiraeri nokusingaperi; nokuti Jehovha wakaita denga nenyika namazuva matanhatu, akazorora nezuva rechinomwe, akasimbiswa." |
| 18. | Zvino wakati apedza kutaura naMozisi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari. |
| ← Exodus (31/40) → |