← Exodus (3/40) → |
1. | Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo, mukarabwa wake, mupirisiti weMidhiani; akaisa makwai mberi murenje, akasvika kugomo raMwari rinonzi Horebhi. |
2. | Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi. |
3. | Mozisi akati, "Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko." |
4. | Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, "Mozisi, Mozisi!" Iye akati, "Ndiri pano hangu." |
5. | Akati, "Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patsvene." |
6. | Akatiwo, "Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho." Mozisi akavanza chiso chake, nokuti akatya kutarira Mwari. |
7. | Zvino Mwari akati, "Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo; |
8. | ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaljipiti nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi. |
9. | Zvino tarira, kuchema kwavana vaIsiraeri kwasvika kwandiri, ndaona kutambudzwa kwavanotambudzwa nako navaIjipiti. |
10. | Naizvozvo zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsiraeri muIjipiti." |
11. | Zvino Mozisi akati kuna Mwari, "Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muIjipiti here?" |
12. | Akati, "Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino." |
13. | Ipapo Mozisi kuna Mwari, "Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, `Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,' ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?' Ndichatiyi kwavari?" |
14. | Mwari akati kuna Mozisi, "NDICHAVA IYE WANDICHAVA." Akati, "Unoti kuvana vaIsiraeri, `NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.' " |
15. | Mwari akatiwo kuna Mozisi, "Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari walsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose. |
16. | Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, `Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri,' akati, `Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;' |
17. | ndikati, `Ndichakubudisai pakunetswa kwenyu paIjipiti, ndimuise kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka nouchi.' |
18. | Vachateerera inzwi rako; uende, iwe navakuru vaIsiraeri, kuna mambo weIjipiti, muti kwaari, `Jehovha, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu; zvino titendere kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha, Mwari wedu.' |
19. | Ndinoziva kuti mambo weIjipiti haangakutendereyi kuenda, kwete, kunyange noruoko rune simba. |
20. | Ndichatambanudza ruoko rwangu, ndirove Ijipiti nezvishamiso zvangu zvose, zvandichaitamo; pashure achakutenderai kuenda. |
21. | Ndichapa vanhu ava nyasha pamberi pavaIjipiti, kuti kana muchizoenda, murege kuenda musina chinhu. |
22. | Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguvo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaIjipiti nhumbi dzavo." |
← Exodus (3/40) → |