Exodus (3/40)  

1. Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo, mukarabwa wake, mupirisiti weMidhiani; akaisa makwai mberi murenje, akasvika kugomo raMwari rinonzi Horebhi.
2. Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi.
3. Mozisi akati, "Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko."
4. Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, "Mozisi, Mozisi!" Iye akati, "Ndiri pano hangu."
5. Akati, "Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patsvene."
6. Akatiwo, "Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho." Mozisi akavanza chiso chake, nokuti akatya kutarira Mwari.
7. Zvino Mwari akati, "Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo;
8. ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaljipiti nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi.
9. Zvino tarira, kuchema kwavana vaIsiraeri kwasvika kwandiri, ndaona kutambudzwa kwavanotambudzwa nako navaIjipiti.
10. Naizvozvo zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsiraeri muIjipiti."
11. Zvino Mozisi akati kuna Mwari, "Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muIjipiti here?"
12. Akati, "Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino."
13. Ipapo Mozisi kuna Mwari, "Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, `Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,' ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?' Ndichatiyi kwavari?"
14. Mwari akati kuna Mozisi, "NDICHAVA IYE WANDICHAVA." Akati, "Unoti kuvana vaIsiraeri, `NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.' "
15. Mwari akatiwo kuna Mozisi, "Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari walsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.
16. Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, `Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri,' akati, `Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;'
17. ndikati, `Ndichakubudisai pakunetswa kwenyu paIjipiti, ndimuise kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka nouchi.'
18. Vachateerera inzwi rako; uende, iwe navakuru vaIsiraeri, kuna mambo weIjipiti, muti kwaari, `Jehovha, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu; zvino titendere kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha, Mwari wedu.'
19. Ndinoziva kuti mambo weIjipiti haangakutendereyi kuenda, kwete, kunyange noruoko rune simba.
20. Ndichatambanudza ruoko rwangu, ndirove Ijipiti nezvishamiso zvangu zvose, zvandichaitamo; pashure achakutenderai kuenda.
21. Ndichapa vanhu ava nyasha pamberi pavaIjipiti, kuti kana muchizoenda, murege kuenda musina chinhu.
22. Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguvo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaIjipiti nhumbi dzavo."

  Exodus (3/40)