| ← Exodus (28/40) → |
| 1. | "Zvino uswededze kwauri Aroni, mukuru wako, navanakomana vake pamwechete naye, vabude pakati pavana vaIsiraeri, kuti andishumire pabasa roupirisiti, vanoti; Aroni, naNadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari, ivo vanakomana vaAroni. |
| 2. | Uitire Aroni, mukuru wako, nguvo tsvene, akudzwe nadzo, uye huve ukomba. |
| 3. | Utaure navose vane moyo yakachenjera, vandakazadza nomweya wouchenjeri, kuti vaitire Aroni nguvo dzokumuita mutsvene nadzo, kuti andishumire pabasa roupirisiti. |
| 4. | nguvo dzaunofanira kuita ndidzo: Hombodo yechipfuva, neefodhi, nejasi, nenguvo yakarukwa, nenguwani, nebhanhire, ngavaitire Aroni, mukoma wako, navanakomana vake nguvo tsvene, kuti andishumire pabasa roupirisiti. |
| 5. | Ngavatore ndarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka. |
| 6. | "Efodhi ngavaiite nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romubati wakachenjera. |
| 7. | Ngaive namabandi maviri pamafudzi akabatanidzwa pamiromo yayo miviri; kuti ibatanidzwe saizvozvo. |
| 8. | Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, riri pamusoro payo, rokuisunga naro, ngariitwe saiyo, uye chive chinhu chimwe chete nayo, iitwe nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. |
| 9. | Utorewo mabwe maviri eonikisi, ugonyora pamusoro pawo mazita avana vaIsiraeri, |
| 10. | mazita matanhatu pabwe rimwe, namazita matanhatu akasara pane rimwe ibwezve, pakuzvarwa kwavo. |
| 11. | Unyore pamabwe iwayo maviri, sebasa romuvezi wamabwe, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, mazita avana vaIsiraeri; uanyudze muzviruva zvendarama. |
| 12. | Zvino uise mabwe iwayo maviri pamabandi apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana vaIsiraeri; Aroni ngaatakure mazita awo pamberi paJehovha pamafudzi ake maviri, chive chokurangaridza. |
| 13. | "Unofanira kuitawo zviruva zvendarama, |
| 14. | nezviketani zviviri zvendarama yakaisvonaka; uzviite sorwonzi rwakakoshwa, ugoisa zviketani izvo zvakamoniwa pazviruva izvozvo. |
| 15. | "Unofanira kuitawo hombodo yechipfuva yokutonga, rive basa romubati wakachenjera; uiite ifanane neefodhi, uiite nendarama, nezvakarukwa, zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. |
| 16. | Ngaive nenhivi ina dzakaenzana, dzakaita mheto mbiri; kureba kwayo kuite sapanosvika minwe, noupamhi hwayo sapanosvika minwewo. |
| 17. | Uise mukati mayo zviruva zvinamabwe, misara mina yamabwe; mumwe musara uve nesadhio, netopasi, nekabhunakeri. Ndiwo musara wokutanga. |
| 18. | Pamusara wechipiri samaragidhino, nesafiri, nedhaimani, |
| 19. | pamusara wechitatu hiakindi, neagati, neametisi; |
| 20. | pamusara wechina beriri neonikisi, nejasipiri; ngaapotedzwe nendarama muzviruva zvawo. |
| 21. | Mabwe iwayo ngaave namazita avana vaIsiraeri ane gumi namaviri, sezvinoita mazita avo; ngaave namarudzÌ ane gumi namaviri, rimwe nerimwe rive nezita raro, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa. |
| 22. | Napahombodo yechipfuva unofanira kuita zviketani zvakafanana norwonzi, zvendarama yakamoniwa yakaisvonaka. |
| 23. | Uitewo pahombodo yechipfuva zvindori zviviri zvendarama, ugoisa zvindori izvo zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva. |
| 24. | Zvino uise zviketani zviviri zvendarama yakamoniwa pazvindori zviviri zviri pamicheto yehombodo yechipfuva. |
| 25. | Nemimwe miromo miviri yezviketani zviviri zvakamoniwa uzviise pazviruva zviviri, uzviise pamabandi apamafudzi eefodhi nechemberi kwayo. |
| 26. | Uitewo zvindori zviviri zvendarama, ugozviisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo uri kurutivi rweefodhi nechomukati. |
| 27. | Unofanira kuitawo zvindori zviviri zvendarama, ugozviisa pamabandi maviri apamafudzi eefodhi zasi nechemberi kwayo, pedo payakabatanidzwa napo, pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri. |
| 28. | Zvino ngavasunganidze hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi norwonzi rutema, kuti ruve pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri, kuti hombodo yechipfuva irege kusununguka paefodhi. |
| 29. | "Naizvozvo Aroni anofanira kutakura mazita avana vaIsiraeri pahombodo yechipfuva yokutonga pamoyo wake, kana achipinda panzvimbo tsvene, kuti chive chirangaridzo pamberi paJehovha nguva dzose. |
| 30. | Unofanira kuisawo muhombodo yechipfuva yokutonga Urimi neTumimi, kuti zvive pamoyo waAroni kana achipinda pamberi paJehovha; Aroni agotakura kutongwa kwavana vaIsiraeri pamoyo wake pamberi paJehovha nguva dzose. |
| 31. | "Unofanira kuita jasi reefodhi rose romucheka mutema. |
| 32. | Ngarive neburi rokupinza musoro pakati paro, rive nomupendero wakarukwa unopoteredza buri raro, sapaburi renguvo yokurwa, kuti irege kubvaruka. |
| 33. | Pamipendero yaro unofanira kuita matamba ezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, anopoteredza mupendero, nezvitare zvinorira zvendarama pakati pawo kunhivi dzose. |
| 34. | Ngapave nechitare chimwe nedamba rimwe, chitare chimwe nedamba rimwe pamipendero yejasi kunhivi dzose. |
| 35. | Aroni ngaarifuke kana achishumira, kuti kurira kwazvo kunzwike, kana achipinda panzvimbo tsvene pamberi paJehovha, uye kana achibuda, kuti arege kufa. |
| 36. | "Unofanira kuitawo hwendefa rendarama yakaisvonaka, ugonyora pamusoro paro sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, uchiti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA. |
| 37. | Uriise parwonzi rutema, rigoiswa panguwani, rive nechemberi kwenguwani. |
| 38. | Ngarive pahuma yaAroni, Aroni atakure zvakaipa zvingavapo pazvinhu zvitsvene, zvichaitwa zvitsvene navana vaIsiraeri pazvipo zvavo zvitsvene zvose; rinofanira kugara pahuma yake nguva dzose, kuti ivo vagamuchirwe pamberi paJehovha. |
| 39. | "Unofanira kuitawo nguvo yakarukwa yomucheka wakaisvonaka, uye uite nguwani yomucheka wakaisvonaka, uye uitewo bhanhire, rive basa romusoni anogona. |
| 40. | "Navanakomana vaAroni unofanira kuvaitira nguvo, uvaitirewo mabhanhire, uvaitirewo nguwani dzomusoro, vakudzwe nadzo, uye huve ukomba. |
| 41. | Udzifukidze Aroni, mukoma wako, pamwechete navanakomana vake; uye uvazodze, nokuvagadza, nokuvatsaura, kuti vandishumire pabasa roupirisiti. |
| 42. | Unofanira kuvaitira mabhuruku omucheka kuti vafukidze nyama yavo yakashama; ngaatange pazviuno, asvikire pachidya; |
| 43. | ngaafukwe naAroni navanakomana vake kana vachipinda mutende rokusangana, uye kana vachiswedera paaritari kushumira panzvimbo tsvene; kuti varege kuzvitorera mhosva, vakafa; ngauve mutemo usingaperi kwaari nokuvana vake vanomutevera. |
| ← Exodus (28/40) → |