| ← Exodus (25/40) → |
| 1. | Zvino Jehovha akataura naMozisi akati, |
| 2. | "Taura navana vaIsiraeri kuti vandipe chipo; munditorere chipo kune mumwe nomumwe anoda kundiitira izvozvo nomoyo wake. |
| 3. | Ndicho chipo chamunofanira kutora kwavari: Ndarama, nesirivha, nendarira, |
| 4. | nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, |
| 5. | namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, namatanda omuakasia, |
| 6. | namafuta emwenje, nezvinonhuwira zvamafuta okuzodza, noupfu unonhuwira, |
| 7. | nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva. |
| 8. | Ngavandiitire nzvimbo tsvene, kuti ndigare pakati pavo; |
| 9. | sezvandichakuratidza zvose, iwo mufananidzo wetabhenakeri, nomufananidzo wenhumbi dzayo dzose, munofanira kuita saizvozvo. |
| 10. | "Ngavaite areka yamatanda omuakasia, kureba kwayo kunofanira kuva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwira kwayo kubhiti rimwe nehafu. |
| 11. | "Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, uifukidze nechomukati nechokunze, uite pamusoro payo hata yendarama inoipoteredza. |
| 12. | Uiumbire zvindori zvina zvendarama, uzviise pamakumbo ayo mana, zvindori zviviri zvive parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivi. |
| 13. | Uveze matanda omuakasia, ndokuafukidza nendarama. |
| 14. | Ugopinza matanda iwayo muzvindori zviri panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo. |
| 15. | Matanda anofanira kugara muzvindori zveareka, ngaarege kubviswa kwazviri. |
| 16. | Zvino unofanira kuisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa. |
| 17. | Uitewo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho makubhiti maviri nehafu; noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu. |
| 18. | Uitewo makerubhi maviri endarama uaite nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa. |
| 19. | Ita kerubhi rimwe pamuromo mumwe nerimwe kerubhi pano mumwe muromo; uite makerubhi pamiromo yacho miviri zvive chinhu chimwe nechifunhiro chokuyananisa. |
| 20. | Makerubhi atambanudzire mapapiro avo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa. |
| 21. | Uise chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka, ugoisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa. |
| 22. | Ndipo pandichasangana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, pamusoro peareka yechipupuriro, ndikuudze zvose zvandichakupa, kuti uraire vanhu valsiraeri. |
| 23. | "Itawo tafura yamatanda omuakasia, kureba kwayo makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu. |
| 24. | Uifukidze nendarama yakaisvonaka, ugoiitirawo hata yendarama inoipoteredza. |
| 25. | Uiitire ukomba unoipoteredza, unoupamhi sohwechanza, ugoiitirawo hata yendarama inopoteredza ukomba hwayo. |
| 26. | Uiitire zvindori zvina zvendarama, ugoisa zvindori pamakona mana ari pamakumbo ayo mana. |
| 27. | Zvindori zvive pedo noukomba, pave pokutakura tafura napo namatanda. |
| 28. | Matanda uaite nomuakasia, uafukidze nendarama, tafura igotakurwa nawo. |
| 29. | Uitewo midziyo yayo, nembiya dzayo, nezvirongo zvayo, nemikombe yayo yokudira nayo; uzviite nendarama yakaisvonaka. |
| 30. | Misi yose unofanira kuisa pamberi pangu patafura chingwa chokuratidza. |
| 31. | "Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho; |
| 32. | kumativi acho ngakubude matavi matanhatu; matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho. |
| 33. | Ngapave nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nepfundo, neruva, nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nepfundo, neruva: saizvozvo matavi matanhatu anobuda pachigadziko; |
| 34. | uye pachigadziko pave nezvimbiya zvina zvakaumbwa samaruva azvo; |
| 35. | nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamamwe matavi akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu anobuda pachigadziko. |
| 36. | Mapfundo azvo namatavi azvo ngazvive pamwechete nazvo; zvose zvive chinhu chimwe chakaumbwa nendarama yakaisvonaka yakapambadzirwa. |
| 37. | Uitewo mwenje yacho minomwe; vagotungidza mwenje yacho, kuti ivhenekere pamberi pacho. |
| 38. | Nembato dzacho, nendiro dzacho, nemwenje yacho, zviumbwe nendarama yakaisvonaka. |
| 39. | Ngazviumbwe netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo iyoyo yose. |
| 40. | "Uchenjerere kuti uzviite nomufananidzo wazvo wawakaratidzwa pagomo. |
| ← Exodus (25/40) → |