Exodus (24/40)  

1. Zvino iye akati kuna Mozisi, "Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure;
2. Mozisi ngaaswedere pedo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedo, navanhu ngavarege kukwira naye."
3. Zvino Mozisi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nenzwi rimwe vakati, "Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita."
4. Mozisi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka aritari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.
5. Zvino akatuma majaya avana valsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa.
6. Mozisi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paaritari.
7. Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, "Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera."
8. Ipapo Mozisi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, "Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemi pamusoro pamashoko iwaya ose."
9. Zvino Mozisi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe’vavaIsiraeri vakakwira.
10. Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko.
11. Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakanwa.
12. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise."
13. Mozisi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mozisi akakwira mugomo raMwari,
14. akati kuvakuru, "Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari."
15. Zvino Mozisi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo.
16. Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mozisi ari mukati megore.
17. Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana valsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo.
18. Mozisi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mozisi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.

  Exodus (24/40)