| ← Exodus (23/40) → |
| 1. | Usapupurira mumwe nhema; usabatsirana nowakaipa pakuita chapupu chisakarurama. |
| 2. | Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwechete navazhinji kuti irege kururamiswa; |
| 3. | usatsaura murombo uchimuitira tsitsi pamhaka yake. |
| 4. | Kana ukasangana nenzombe kana mbongoro yakarasika yomuvengi wako, zvirokwazvo unofanira kuidzosera kwaari. |
| 5. | Kana ukaona mbongoro yomuvengi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumubatsira, zvirokwazvo umubatsire kuisunungura. |
| 6. | Usatsautsa zvakarurama zvomurombo pamhaka yake. |
| 7. | Unzvenge shoko renhema; usauraya munhu asina mhosva uye akarurama, nokuti handingaruramisiri akaipa. |
| 8. | Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vanoona, nokukanganisa mashoko avakarurama. |
| 9. | Usatambudza mutorwa, nokuti munoziva moyo womutorwa, zvamakanga muri vatorwa munyika yeIjipiti. |
| 10. | Dzvara munda wako makore matanhatu, uchikohwa zvibereko zvawo. |
| 11. | Asi negore rechinomwe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti varombo vavanhu vako vadye, nemhuka dzesango dzidye zvavasiya. Saizvozvo uitewo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi. |
| 12. | Ubate mabasa ako namazuva matanhatu, ugozorora nezuva rechinomwe; kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore, nomwanakomana womurandakadzi wako nomutorwa vambofema havo. |
| 13. | Zvinhu zvose zvandakakuudzai muzviteerere; musareva zita ravamwe vamwari, ngarirege kunzwika pamiromo yenyu. |
| 14. | Undiitire mutambo katatu pagore. |
| 15. | Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi (nokuti wakabuda nawo Ijipiti); kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu; |
| 16. | uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadzvara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda. |
| 17. | Varume venyu vose ngavauye pamberi paShe Mwari katatu pagore. |
| 18. | Usandivigira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; namafuta omutambo wangu arege kuvata usiku hwose kusvikira mangwana. |
| 19. | Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo. |
| 20. | Tarira, ndinotuma mutumwa pamberi pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira. |
| 21. | Munzwei, muteerere inzwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari. |
| 22. | Asi kana ukateerera inzwi rake nomoyo wako wose, ukaita izvozvo zvose zvandinotaura, ndichava muvengi wavavengi vako, nomudzivisi wavadzivisi vako. |
| 23. | Nokuti mutumwa wangu achakutungamirira, akusvitse kuvaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaKenani, navaHivhi, navaJebhusi; ini ndichavaparadza. |
| 24. | Usapfugamira vamwari vavo, kana kuvashumira, kana kutevera mabasa avo; asi unofanira kuvaparadza chose, nokuputsanya shongwe dzavo. |
| 25. | Shumira Jehovha Mwari wako, kuti aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni ndichabvisa urwere pakati penyu. |
| 26. | Hakungavi nechinhu chinosvodza, kana chisingabereki panyika yako; ndichazadzisa mazuva ako. |
| 27. | Ndichatuma chityiso changu pamberi pako, nokukanganisa ndudzi dzose dzauchasvika kwadziri, ndichafuratidza vavengi vako vose. |
| 28. | Ndichatuma mago pamberi pako, adzinge vaHivhi, navaKenani, navaHeti pamberi pako. |
| 29. | Handingavadzingi pamberi pako negore rimwe, kuti nyika irege kuita renje, zvikara zvesango zvirege kukuwandira. |
| 30. | Ndichanyatsovadzinga pamberi pako, kusvikira mava vazhinji, upiwe nyika ive nhaka yako. |
| 31. | Ndichaisa miganhu yako kubva paGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFirisitia, nokubva kurenje kusvikira kuRwizi, nokuti ndichapa vagere munyika mumaoko enyu, uvadzinge pamberi pako. |
| 32. | Rega kuita sungano navo, kana navamwari vavo. |
| 33. | Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukutadzisa pamberi pangu, nokuti kana ukashumira vamwari vavo, zvirokwazvo izvo zvichava musungo kwauri. |
| ← Exodus (23/40) → |