Exodus (22/40)  

1. Kana munhu akaba nzombe kana gwai, akazviuraya, kana akazvitengesa, anofanira kuripa nzombe shanu panzombe imwe, namakwai mana pagwai rimwe.
2. Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa, ikafa, wamuuraya haangavi nemhosva paropa rake.
3. Asi kana zuva rakanga ramubudira, achava nemhosva paropa rake, anofanira kuripa; kana asina chinhu anofanira kutengeswa nokuda kwokuba kwake.
4. Kana chaakanga aba chikawanikwa muruoko rwake chichiri chipenyu, kana iri nzombe, kana mbongoro, kana gwai, anofanira kuripa kaviri.
5. Kana munhu akadyisa munda, kana munda wemizambiringa, akasundira chipfuwo chake, chikandodya munda womumwe, anofanira kuripa sezvakaisvonaka zvomunda wake, nezvakaisvonaka zvomunda wake wemizambiringa.
6. Kana moto ukadarika, ukabata minzwa, ukapisa murwi wezviyo, kana zviyo zvichiri mumunda, kana munda umene, iye akatungidza moto anofanira kuripa.
7. Kana munhu achinge apa wokwake mari kana nhumbi kuti azvichengete, zvikabiwa mumba momunhu uyo, mbavha, kana ikawanikwa, inofanira kuripa kaviri.
8. Kana mbavha ikasawanikwa, muridzi weimba anofanira kuswedera kuna Mwari, kuti zvionekwe kana iye asina kuisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake,
9. pamhaka dzose dzokudarika, kana iri yenzombe, kana yembongoro, kana yegwai, kana yechokufuka, kana yechinhu chipi nechipi chakarasika, kana zvikanzi, "Ndicho!" mhaka yavose vaviri inofanira kuuya pamberi paMwari; uyo anopiwa mhosva naMwari anofanira kuripira wokwake kaviri.
10. Kana munhu akapa wokwake mbongoro, kana nzombe, kana gwai, kana chimwe chipfuwo, kuti achichengete, chikafa, kana kukuvara, kana kutinhwa asina kuzviona;
11. ivo vaviri ngavapikirane pamberi paJehovha, kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake; muridzi wazvo ngaatende nazvo, iye arege kuripa.
12. Asi kana zvikabiwa zviri kwaari, anofanira kuripira muridzi wazvo.
13. Kana zvikabvamburwa nechikara, ngaauye nazvo chive chapupu; haafaniri kuripa zvabvamburwa.
14. Kana munhu achinge akumbira chinhu kunowokwake, chakuvara, kana kufa, muridzi wacho asisipo, zvirokwazvo anofanira kuchiripa.
15. Kana muridzi wacho aripo, haafaniri kuripa; kana chiri chinhu chairipirwa, muripo wacho wauya panzvimbo yacho.
16. Kana munhu achinge anyengedzera musikana asina kunyengwa, akavata naye, zvirokwazvo anofanira kumuroora, ave mukadzi wake.
17. Kana baba vake vakaramba chose kumupa iye, anofanira kuripa mari yakaenzana neroora yavasikana.
18. Usarega muroyi ari mupenyu.
19. Ani naani anovata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
20. Anobayira mumwe mwari, asi Jehovha chete, anofanira kuparadzwa chose.
21. Usaitira mutorwa zvakaipa, kana kumumanikidza, nokuti nemiwo maiva vatorwa munyika yeIjipiti.
22. Usatambudza chirikadzi kana nherera.
23. Kana ukatongovatambudza, vakadana kwandiri, ndichateerera kudana kwavo;
24. kutsamwa kwangu kuchamuka, ndikakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi, navana venyu nherera.
25. Kana ukapa mumwe wavanhu vangu vaunavo chikwerete chemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wechikwerete; usareva mhindu kwaari.
26. Kana ukatongotora nguvo yowokwako ruve rubatso, unofanira kuidzosera kwaari zuva rovira;
27. nokuti ndicho chokufuka chake choga, inguvo yake yaanofukidza nayo ganda rake; achavata neiko? Kana iye akadana kwandiri, ndichamunzwa, nokuti ndine tsitsi.
28. Usatuka Mwari, kana kushuridzira mubati pakati pavanhu vako.
29. Usanonoka kupa Mwari zvimwe kune zvizhinji zvezviyo zvako nezvinonwiwa. Undipe dangwe ravana vako vavakomana.
30. Uitewo saizvozvo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuva manomwe namai varo, ugondipa iro nezuva rorusere.
31. imwi munofanira kuva vanhu vatsvene kwandiri; naizvozvo hamufaniri kudya nyama yakabvamburwa nezvikara kusango, muikandire imbwa.

  Exodus (22/40)