← Exodus (22/40) → |
1. | Kana munhu akaba nzombe kana gwai, akazviuraya, kana akazvitengesa, anofanira kuripa nzombe shanu panzombe imwe, namakwai mana pagwai rimwe. |
2. | Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa, ikafa, wamuuraya haangavi nemhosva paropa rake. |
3. | Asi kana zuva rakanga ramubudira, achava nemhosva paropa rake, anofanira kuripa; kana asina chinhu anofanira kutengeswa nokuda kwokuba kwake. |
4. | Kana chaakanga aba chikawanikwa muruoko rwake chichiri chipenyu, kana iri nzombe, kana mbongoro, kana gwai, anofanira kuripa kaviri. |
5. | Kana munhu akadyisa munda, kana munda wemizambiringa, akasundira chipfuwo chake, chikandodya munda womumwe, anofanira kuripa sezvakaisvonaka zvomunda wake, nezvakaisvonaka zvomunda wake wemizambiringa. |
6. | Kana moto ukadarika, ukabata minzwa, ukapisa murwi wezviyo, kana zviyo zvichiri mumunda, kana munda umene, iye akatungidza moto anofanira kuripa. |
7. | Kana munhu achinge apa wokwake mari kana nhumbi kuti azvichengete, zvikabiwa mumba momunhu uyo, mbavha, kana ikawanikwa, inofanira kuripa kaviri. |
8. | Kana mbavha ikasawanikwa, muridzi weimba anofanira kuswedera kuna Mwari, kuti zvionekwe kana iye asina kuisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake, |
9. | pamhaka dzose dzokudarika, kana iri yenzombe, kana yembongoro, kana yegwai, kana yechokufuka, kana yechinhu chipi nechipi chakarasika, kana zvikanzi, "Ndicho!" mhaka yavose vaviri inofanira kuuya pamberi paMwari; uyo anopiwa mhosva naMwari anofanira kuripira wokwake kaviri. |
10. | Kana munhu akapa wokwake mbongoro, kana nzombe, kana gwai, kana chimwe chipfuwo, kuti achichengete, chikafa, kana kukuvara, kana kutinhwa asina kuzviona; |
11. | ivo vaviri ngavapikirane pamberi paJehovha, kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake; muridzi wazvo ngaatende nazvo, iye arege kuripa. |
12. | Asi kana zvikabiwa zviri kwaari, anofanira kuripira muridzi wazvo. |
13. | Kana zvikabvamburwa nechikara, ngaauye nazvo chive chapupu; haafaniri kuripa zvabvamburwa. |
14. | Kana munhu achinge akumbira chinhu kunowokwake, chakuvara, kana kufa, muridzi wacho asisipo, zvirokwazvo anofanira kuchiripa. |
15. | Kana muridzi wacho aripo, haafaniri kuripa; kana chiri chinhu chairipirwa, muripo wacho wauya panzvimbo yacho. |
16. | Kana munhu achinge anyengedzera musikana asina kunyengwa, akavata naye, zvirokwazvo anofanira kumuroora, ave mukadzi wake. |
17. | Kana baba vake vakaramba chose kumupa iye, anofanira kuripa mari yakaenzana neroora yavasikana. |
18. | Usarega muroyi ari mupenyu. |
19. | Ani naani anovata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa. |
20. | Anobayira mumwe mwari, asi Jehovha chete, anofanira kuparadzwa chose. |
21. | Usaitira mutorwa zvakaipa, kana kumumanikidza, nokuti nemiwo maiva vatorwa munyika yeIjipiti. |
22. | Usatambudza chirikadzi kana nherera. |
23. | Kana ukatongovatambudza, vakadana kwandiri, ndichateerera kudana kwavo; |
24. | kutsamwa kwangu kuchamuka, ndikakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi, navana venyu nherera. |
25. | Kana ukapa mumwe wavanhu vangu vaunavo chikwerete chemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wechikwerete; usareva mhindu kwaari. |
26. | Kana ukatongotora nguvo yowokwako ruve rubatso, unofanira kuidzosera kwaari zuva rovira; |
27. | nokuti ndicho chokufuka chake choga, inguvo yake yaanofukidza nayo ganda rake; achavata neiko? Kana iye akadana kwandiri, ndichamunzwa, nokuti ndine tsitsi. |
28. | Usatuka Mwari, kana kushuridzira mubati pakati pavanhu vako. |
29. | Usanonoka kupa Mwari zvimwe kune zvizhinji zvezviyo zvako nezvinonwiwa. Undipe dangwe ravana vako vavakomana. |
30. | Uitewo saizvozvo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuva manomwe namai varo, ugondipa iro nezuva rorusere. |
31. | imwi munofanira kuva vanhu vatsvene kwandiri; naizvozvo hamufaniri kudya nyama yakabvamburwa nezvikara kusango, muikandire imbwa. |
← Exodus (22/40) → |