Exodus (21/40)  

1. Zvino ndiyo mirairo yaunofamra kuisa pamberi pavo:
2. Kana ukatenga muranda muHebheru, ngaakubatire makore matanhatu; asi nerechinomwe anofanira kubuda hake asina chaanoripa.
3. Kana achipinda ari oga, anofanira kubuda ari oga; kana ano mukadzi, mukadzi wake anofanira kubuda naye.
4. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga.
5. Asi kana iye muranda akati, "Ndinoda tenzi wangu nomukadzi wangu navana vangu, handidi kubuda hangu";
6. zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi.
7. Kana munhu akatengesa mukunda wake kuti ave murandakadzi, iye haafaniri kubuda savaranda varume.
8. Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikunurwe, haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nokuti amunyengedzera.
9. Kana akamuwanisa nomwanakomana wake; anofanira kumuitira nenzira yavakunda.
10. Kana akazowana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvake, kana nguvo dzake, kana zvaanofanirwa nazvo pakuwanikwa.
11. Kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, anofanira kubuda hake asingaripi chinhu, asingaripi mari.
12. Anorova munhu, akafa, zvirokwazvo iye anofanira kuurawa.
13. Asi kana munhu asina kumuvandira, asi Mwari achinge atendera kuti awire muruoko rwake, ndichakutarira nzvimbo kwaangatizira.
14. Kana munhu akaita nobwoni kuno wokwake, akamuuraya nokunyengedzera, iwe unofanira kumubvisa paaritari yangu afe.
15. Anorova baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
16. Anoba munhu, akamutengesa, kana zvimwe akawanikwa ari muruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
17. Anotuka baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
18. Kana vanhu vakaita nharo, mumwe akarova mumwe nebwe, kana netsiva, akasafa, asi akavata panhovo;
19. kana akazomukazve, akafamba panze achidonzva, akamurova haangavi nemhosva, asi anofanira kuripira nguva yaakarasikirwa nayo, uye anofanira kumurapisa kusvikira apora kwazvo.
20. Kana munhu akarova muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kutsiviwa.
21. Asi kana akararama zuva rimwe kana maviri, haafaniri kutsiviwa; nokuti iye imari yake.
22. Kana varume vakarwa, vakakuvadza mukadzi ane mimba, akashaya, asi asina kukuvadzwa hake zvikuru, iye anofanira kuripiswa sezvaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; anofanira kuripa sezvinotarwa navatongi.
23. Asi kana achinge akuvadzwa kwazvo, iye anofanira kutsiva upenyu noupenyuwo,
24. ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka,
25. kutsva nokutsva, vanga nevanga, kukuvadzwa nokukuvadzwa.
26. Kana munhu akarova ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariuraya, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kweziso rake.
27. Kana akarova muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kwezino rake.
28. Kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haangavi nemhosva.
29. Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa.
30. Kana achinge atarirwa rudzikunuro, anofanira kuripa zvose zvaatarirwa, kuti adzikunure upenyu hwake.
31. Kunyange ikatunga mwanakomana kana mwanasikana vanofanira kumuitira nomurayiro uyu.
32. Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe.
33. Kana munhu akadziura gomba, uye kana munhu akachera gomba, akasaridzivira, nzombe kana mbongoro ikawiramo,
34. muridzi wegomba anofanira kuripa, anofanira kubudisira muridzi wayo mari, asi chipfuwo chakafa chichava chake.
35. Kana nzombe yomumwe munhu ikatunga yomumwe, ikafa, vanofanira kutengesa nzombe mhenyu, vagovane mutengo wayo, naiyo yakafa vanofanira kuigovana.
36. Kana vaiziva kare kuti nzombe iyo inotunga, muridzi wayo akasaichengeta, zvirokwazvo anofanira kuripa, nzombe nenzombe, asi yakafa ichava yake.

  Exodus (21/40)