| ← Exodus (21/40) → |
| 1. | Zvino ndiyo mirairo yaunofamra kuisa pamberi pavo: |
| 2. | Kana ukatenga muranda muHebheru, ngaakubatire makore matanhatu; asi nerechinomwe anofanira kubuda hake asina chaanoripa. |
| 3. | Kana achipinda ari oga, anofanira kubuda ari oga; kana ano mukadzi, mukadzi wake anofanira kubuda naye. |
| 4. | Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga. |
| 5. | Asi kana iye muranda akati, "Ndinoda tenzi wangu nomukadzi wangu navana vangu, handidi kubuda hangu"; |
| 6. | zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi. |
| 7. | Kana munhu akatengesa mukunda wake kuti ave murandakadzi, iye haafaniri kubuda savaranda varume. |
| 8. | Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikunurwe, haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nokuti amunyengedzera. |
| 9. | Kana akamuwanisa nomwanakomana wake; anofanira kumuitira nenzira yavakunda. |
| 10. | Kana akazowana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvake, kana nguvo dzake, kana zvaanofanirwa nazvo pakuwanikwa. |
| 11. | Kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, anofanira kubuda hake asingaripi chinhu, asingaripi mari. |
| 12. | Anorova munhu, akafa, zvirokwazvo iye anofanira kuurawa. |
| 13. | Asi kana munhu asina kumuvandira, asi Mwari achinge atendera kuti awire muruoko rwake, ndichakutarira nzvimbo kwaangatizira. |
| 14. | Kana munhu akaita nobwoni kuno wokwake, akamuuraya nokunyengedzera, iwe unofanira kumubvisa paaritari yangu afe. |
| 15. | Anorova baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa. |
| 16. | Anoba munhu, akamutengesa, kana zvimwe akawanikwa ari muruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kuurawa. |
| 17. | Anotuka baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa. |
| 18. | Kana vanhu vakaita nharo, mumwe akarova mumwe nebwe, kana netsiva, akasafa, asi akavata panhovo; |
| 19. | kana akazomukazve, akafamba panze achidonzva, akamurova haangavi nemhosva, asi anofanira kuripira nguva yaakarasikirwa nayo, uye anofanira kumurapisa kusvikira apora kwazvo. |
| 20. | Kana munhu akarova muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kutsiviwa. |
| 21. | Asi kana akararama zuva rimwe kana maviri, haafaniri kutsiviwa; nokuti iye imari yake. |
| 22. | Kana varume vakarwa, vakakuvadza mukadzi ane mimba, akashaya, asi asina kukuvadzwa hake zvikuru, iye anofanira kuripiswa sezvaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; anofanira kuripa sezvinotarwa navatongi. |
| 23. | Asi kana achinge akuvadzwa kwazvo, iye anofanira kutsiva upenyu noupenyuwo, |
| 24. | ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka, |
| 25. | kutsva nokutsva, vanga nevanga, kukuvadzwa nokukuvadzwa. |
| 26. | Kana munhu akarova ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariuraya, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kweziso rake. |
| 27. | Kana akarova muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kwezino rake. |
| 28. | Kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haangavi nemhosva. |
| 29. | Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa. |
| 30. | Kana achinge atarirwa rudzikunuro, anofanira kuripa zvose zvaatarirwa, kuti adzikunure upenyu hwake. |
| 31. | Kunyange ikatunga mwanakomana kana mwanasikana vanofanira kumuitira nomurayiro uyu. |
| 32. | Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe. |
| 33. | Kana munhu akadziura gomba, uye kana munhu akachera gomba, akasaridzivira, nzombe kana mbongoro ikawiramo, |
| 34. | muridzi wegomba anofanira kuripa, anofanira kubudisira muridzi wayo mari, asi chipfuwo chakafa chichava chake. |
| 35. | Kana nzombe yomumwe munhu ikatunga yomumwe, ikafa, vanofanira kutengesa nzombe mhenyu, vagovane mutengo wayo, naiyo yakafa vanofanira kuigovana. |
| 36. | Kana vaiziva kare kuti nzombe iyo inotunga, muridzi wayo akasaichengeta, zvirokwazvo anofanira kuripa, nzombe nenzombe, asi yakafa ichava yake. |
| ← Exodus (21/40) → |