Exodus (20/40)  

1. Zvino Mwari akataura mashoko awa ose, akati,
2. "Ndini Jehovha, Mwari wako, akakubvisa munyika yeIjipiti, muimba youranda.
3. "Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
4. "Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.
5. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari ane godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga ;
6. ndichaitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.
7. "Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva anoreva zita rake pasina.
8. "Rangarira zuva reSabata, kuti urichengete rive dzvene.
9. Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose;
10. asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati mamasuo ako,
11. nokuti namazuva matanhatu Jehovha akaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva reSabata akariita dzvene.
12. "Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
13. "Usauraya.
14. "Usaita upombwe.
15. "Usaba.
16. "Usapupurira wokwako nhema.
17. "Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chowokwako."
18. Vanhu vose vakaona kutinhira, nemheni, nenzwi rehwamanda, negomo rinopfungaira, zvino vanhu vakati vachiona izvozvo, vakadedera vakamira kure.
19. Vakati kuna Mozisi, "imwi chitaurai henyu nesu, tinzwe; asi Mwari ngaarege kutaura nesu, tirege kufa."
20. Mozisi akati kuvanhu, "Musatya henyu, nokuti Mwari akauya kuzokuidzai, kuti mugare muchimutya, murege kutadza."
21. Vanhu vakamira kure, Mozisi akaswedera kurima guru kwakanga kuna Mwari.
22. Jehovha akati kuna Mozisi, "Iti kuvana vaIsiraeri, 'imwi makaona mumene kuti ndakataura nemi ndiri kudenga.
23. Musaita vamwe vamwari pamwechete neni; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vendarama.'
24. Undiitire aritari yevhu, ubayire pamusoro payo zvipiriso zvako zvinopiswa nezvipiriso zvako zvokuyananisa, namakwai ako nenzombe dzako; panzvimbo imwe neimwe pandicharangaridza zita rangu, ndichauyapo kwauri, ndichikuropafadza.
25. Zvino kana uchindivakira aritari yamabwe, urege kuivaka namabwe akavezwa, nokuti kana ukasimudzira mbezo yako pamusoro pebwe, warisvibisa.
26. Rega kukwirawo kuaritari yangu nezvikwiriso, kuti kunyasi kwako kurege kufukurwa kwairi."

  Exodus (20/40)