| ← Exodus (2/40) → |
| 1. | Zvino mumwe murume weimba yavaRevhi akawana mukunda wavaRevhi. |
| 2. | Mukadzi akava nemimba, akabereka mwanakomana; zvino akati achiona kuti mwana akanaka, akamuvanza mwedzi mitatu. |
| 3. | Akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi. |
| 4. | Hanzvadzi yake ikandomira kure zvishoma, kuti azive zvichaitwa naye. |
| 5. | Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi, vasikana vake vakafamba-famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaona tswanda pakati petsanga, ndokutuma musikana wake kundoitora. |
| 6. | Akaizarura, akona mwana, mwana wechikomana, onei anochema. Akamunzwira ngoni, akati, "Ndomumwe wavana vavaHebheru." |
| 7. | Ipapo hanzvadzi yake yakati kumukunda waFarao, "Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here?" |
| 8. | Mukunda waFarao akati kwaari, "Enda." Musikana akaenda, akandodana mai vomwana. |
| 9. | Mukunda waFarao akati kwavari, "Tora mwana uyu, undimwisire ndigokupa mubairo wako." Mukadzi akatora mwana, akandomuyamwisa. |
| 10. | Mwana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akava mwanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mozisi, akati, "Nokuti,' ndamunyukura mumvura." |
| 11. | Zvino namazuva iwayo Mozisi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake. |
| 12. | Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muIjipiti, akamuviga mujecha. |
| 13. | Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, "Unorovereiko munhu wokwako?" |
| 14. | Iye akati, "Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kanhi?" Mozisi akatya, akati, "Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikanwa." |
| 15. | Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mozisi. Asi Mozisi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime. |
| 16. | Zvino mupirisiti weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvinwiro, kuti vanwise makwai ababa vavo. |
| 17. | Vafudzi vakauya, vakavadzingapo, asi Mozisi akasimuka, akavabatsira, akanwisa makwai avo. |
| 18. | Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, "Makurumidza kudzoka seiko nhasi?" |
| 19. | Vakati, "MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akanwisa makwai." |
| 20. | Akati kuvakunda vake, "Zvino aripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Mudanei, adye zvokudya." |
| 21. | Mozisi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mozisi mukunda wake Zipora. |
| 22. | Akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nokuti akati, "Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe." |
| 23. | Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda. |
| 24. | Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho. |
| 25. | Mwari akaona vana vaIsiraeri, Mwari akavarangarira. |
| ← Exodus (2/40) → |