Exodus (19/40)  

1. Nomwedzi wechitatu wokubuda kwavana valsiraeri panyika nezuva iro vakasvika murenje reSinai.
2. Vakati vabva paRefidhimu, vakasvika murenje reSinai, vakadzika matende avo murenje; valsiraeri vakavakapo misasa pamberi pegomo.
3. Zvino Mozisi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, "Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana vaIsiraeri, uti,
4. â€˜Makaona zvandakaitira vaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imwi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri.
5. Naizvozvo zvino kana mukateerera inzwi rangu nomoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava fuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu;
6. muchava kwandiri ushe hwavapirisiti, norudzi rutsvene.' Ndiwo mashoko aunofanira kundoudza vana vaIsiraeri."
7. Zvino Mozisi akadzoka, akadana vakuru vavanhu, akaisa pamberi pavo mashoko iwayo ose, aakanga arairwa naJehovha.
8. Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete, vachiti, "Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita." Mozisi akandoudza Jehovha mashoko avanhu.
9. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose." Mozisi akaudza Jehovha mashoko avanhu.
10. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Enda kuvanhu, uvatsaure nhasi namangwana, vasuke nguvo dzavo,
11. vagare vakazvigadzira nezuva retatu, nokuti nezuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pavanhu vose pamusoro pegomo reSinai.
12. Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, `Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo';
13. ngaarege kubatwa noruoko, asi atakwe zvirokwazvo namabwe, kana apfurwe; kana chiri chipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda ichiramba ichirira, ngavakwire mugomo."
14. Zvino Mozisi akaburuka mugomo, akaenda kuvanhu, akatsaura vanhu; ivo vakasuka nguvo dzavo.
15. Akati kuvanhu, "Garai makazvigadzira nezuva retatu; musaswedera kumukadzi."
16. Zvino nezuva retatu kwoedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nenzwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera.
17. Zvino Mozisi akaudza vanhu kuti vabude pamisasa vasangane naMwari, vamire pajinga regomo.
18. Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi hwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo.
19. Zvino inzwi rehwamanda rakati richirira nokurira kwazvo, Mozisi akataura, Mwari akamupindura nenzwi.
20. Ipapo Jehovha akaburukira pamusoro pegomo reSinai, Jehovha akadana Mozisi kuti akwire kumusoro wegomo, Mozisi akakwira.
21. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa.
22. Navapirisiti vanoswedera kuna Jehovha, ngavazvitsaure, kuti Jehovha arege kuvaparadza."
23. Mozisi akati kuna Jehovha, "Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muchiti, `Tarirai miganhu pagomo muritsaure.' "
24. Jehovha akati kwaari, "Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapiristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza."
25. Ipapo Mozisi akaburukira kuvanhu, akandovaudza.

  Exodus (19/40)