Exodus (18/40)  

1. Zvino Jeturo, mupirisiti weMidhiani, mukarahwa waMozisi, akanzwa zvose zvakaitira Jehovha Mozisi navaIsiraeri, vanhu vake, kuti Jehovha akabudisa vaIsiraeri muIjipiti.
2. Jeturo, mukarahwa waMozisi, akatora Zipora, mukadzi waMozisi, nokuti akanga amudzosera kuna baba vake,
3. navanakomana vake vaviri zita romumwe rainzi Geshomi, nokuti akati, "Ndakanga ndiri mweni panyika yavamwe";
4. nezita romumwe rainzi Ereazari, nokuti akati, "Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu, akandirwira pamunondo waFarao."
5. Jeturo mukarahwa waMozisi akauya navanakomana vaMozisi nomukadzi wake kuna Mozisi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa;
6. akati kuna Mozisi, "Ini mukarahwa wako, Jeturo, ndauya kwauri nomukadzi wako navanakomana vake vaviri vanaye."
7. Mozisi akandosangana nomukarahwa wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamutsvoda; vakabvunzana mufaro, vakapinda mutende.
8. Zvino Mozisi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaIjipiti nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kwose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha.
9. Jeturo akafara pamusoro pezvose zvakanaka zvakanga zvaitirwa vaIsiraeri naJehovha, kuti akavarwira pamaoko avaIjipiti.
10. Jeturo akati, "Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaIjipiti.
11. Zvino ndinoziva kuti Jehovha mukuru kuvamwari vose pachinhu icho chavakazvikudza nacho kwavari."
12. Ipapo Jeturo, mukarahwa waMozisi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMozisi pamberi paMwari.
13. Zvino fume mangwana Mozisi akagara achitambira vanhu mhaka dzavo, vanhu vakamira pamberi paMozisi kubva mangwanani kusvikira madekwana.
14. Zvino mukarahwa waMozisi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, "Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?"
15. Mozisi akati kumukarahwa wake, "Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari;
16. kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake."
17. Zvino mukarahwa waMozisi akati kwaari, "Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka.
18. Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga.
19. Teerera zvino inzwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari;
20. uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita.
21. Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vezvokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi;
22. ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe.
23. Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare."
24. Mozisi akateerera inzwi romukarahwa wake, akaita zvose zvaakanga audzwa naye.
25. Mozisi akatsaura varume vakachenjera pakati pavaIsiraeri vose, akavaita vakuru vavanhu, vabati vezviuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi.
26. Ivo vakatamba mhaka dzavanhu nguva dzose; mashoko makuru vaisiuya nawo kuna Mozisi, asi mashoko ose maduku vaiatamba vamene.
27. Zvino Mozisi akatendera mukarahwa wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.

  Exodus (18/40)